ShonaTeam Amos « 7 »

Muporofita anoratidzwa mhashu nemoto nerwonzi rwekuyera narwo

7Ishe Jehovha wakandiratidza seizvi. Zvino tarira, wakaumba mhashu zhinji pakutanga kukwira kwemabukira ekupedzisira; zvino tarirai, mabukira ekupedzisira shure kwekukohwa kwamambo.

2 Zvino zvakaitika, pavaiva vapedza kudya uswa hwenyika, ndikati: Ishe Jehovha, dai makanganwira, Jakove angamira sei? Nokuti mudiki.

3 Jehovha wakazvidemba pane izvi. Hazvichaitika, anoreva Jehovha.

4 Ishe Jehovha wakandiratidza seizvi. Zvino tarira, Ishe Jehovha wakadana kurwa nemoto; zvino wakapedza udziku ukuru, ndokudya bandi renyika.

5 Ipapo ndakati: Ishe Jehovha, dai mamira; Jakove angamira sei? Nokuti mudiki.

6 Jehovha wakazvidemba pamusoro peizvi. Izviwo hazvingaitika, anoreva Ishe Jehovha.

7 Wakandiratidza seizvi; zvino tarira, Ishe waiva akamira pamadziro akaitwa serwonzi rwekuyera narwo, ane rwonzi rwekuyera muruoko rwake.

8 Jehovha ndokuti kwandiri: Amosi, unoonei? Ini ndokuti: Rwonzi rwekuyera narwo. Ishe ndokuti: Tarirai, ndichaisa rwonzi rwekuyera pakati pevanhu vangu Israeri; handichavadarikizve zvekare.

9 Asi nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichava matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaparadzwa; zvino ndichamukira imba yaJerobhoamu nemunondo.

Amaziya anoramba shoko raAmosi paBheteri

10 Zvino Amaziya mupristi weBheteri wakatuma kuna Jerobhoamu mambo waIsraeri achiti: Amosi wakakurangana pakati peimba yaIsraeri; nyika haigoni kutakura mashoko ake ose.

11 Nokuti Amosi wakareva seizvi: Jerobhoamu achafa nemunondo, uye Israeri vachatapwa zvekutapwa kubva munyika yake.

12 Amaziya akatiwo kuna Amosi: Iwe muoni, enda utizire kunyika yaJudha, uye udye chingwa ipapo, ugoporofitapo.

13 Asi usachiporofitazve paBheteri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, uye iimba yeumambo.

14 Zvino Amosi wakapindura ndokuti kuna Amaziya: Ndaiva ndisiri muporofita, uye ndaiva ndisiri mwanakomana wemuporofita; asi ndaiva mufudzi nemurimi wemionde.

15 Zvino Jehovha wakanditora pandaitevera makwai, Jehovha ndokuti kwandiri: Enda, unoporofita kuvanhu vangu Israeri.

16 Naizvozvo inzwa shoko raJehovha: Iwe unoti: Rega kuporofita uchipesana naIsraeri, uye rega kudonhedza shoko uchipesana neimba yaIsaka.

17 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Mukadzi wako achava chifeve muguta; uye vanakomana vako nevanasikana vako vachawa nemunondo; uye nyika yako ichagovewa nerwonzi rwekuyera narwo; zvino iwe uchafira munyika yakasvibiswa; naIsraeri achatapwa zvekutapwa abude munyika yake.