ShonaTeam Amos « 6 »

Kuparadzwa kwaIsraeri

6Nhamo kune vakagarika paZiyoni, uye vakatambarara pagomo reSamariya, vakasarudzwa vekutanga pamarudzi, kunoenda kwavari veimba yaIsraeri!

2 Pfuurirai kuKarine mugoona, uye kubva ipapo endai kuHamati guru, mugoburukira kuGati revaFirisitia. Vari nani here pane umambo uzhinji uhu? Kana muganhu wavo wakakura kupfuura muganhu wenyu here?

3 Imwi munoisa kure zuva rakaipa, nekuswededza chigaro chemhirizhonga.

4 Varere pamusoro pemibhedha yenyanga dzenzou, vanozvizamura pamusoro penhovo dzavo, nekudya makwayana kubva paboka, nemhuru kubva mukati mechirugu.

5 Vanoimba zvinoenderana nembira, munozvigadzirira midziyo yekuridzisa saDhavhidhi.

6 Vanonwa waini mundiro hofu zhinji, nekuzvizodza nezvizoro zvakaisvonaka, asi havarwadziwi nekuparara kwaJosefa.

7 Naizvozvo ikozvino vachatapwa pakati pevekutanga vanoenda muutapwa, uye mabiko evanozvizamura achapera.

8 Ishe Jehovha wakapika naiye amene, anoreva Jehovha, Mwari wehondo: Ndinosema kuzvikudza kwaJakove, nekuvenga mizinda yake; naizvozvo ndichapa guta nekuzara kwaro kuvavengi.

9 Zvino zvichaitika, kana kukasara varume gumi muimba imwe, kuti vachafa.

10 Uye sekuru vemunhu vachamukwidza, neanomupisa, kubudisa mapfupa mumba, uye achati kune ari pamativi eimba: Kune achinewe here? Zvino iye achati: Kwete. Ipapo iye achati: Nyarara, nokuti hatingarevi zita raJehovha.

11 Nokuti tarirai, Jehovha anoraira, uye acharova imba huru kuita mafufu, neimba diki kuita mitswe.

12 Mabhiza angamhanya paruware here? Pangarimwa nemombe here? Nokuti makashandura mutongo kuita nduru, nechibereko chekururama kuita gavakava.

13 Imwi munofarira chinhu chisina maturo; munoti: Hatina kuzvitorera nyanga nesimba redu here?

14 Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rudzi, imwi imba yaIsraeri, anoreva Jehovha, Mwari wehondo; rwuchakutambudzai kubva pakupinda paHamati kusvika kurukova rwerenje.