ShonaTeam Amos « 5 »

5Inzwai shoko iri randinokwidza pamusoro penyu, mariro, imba yaIsraeri.

2 Mhandara yaIsraeri yawa, haachamukizve; wasiiwa pamusoro penyika yake; hakuna angamumutsa.

3 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Guta rakabuda riri churu richasara rava zana, uye rakabuda riri zana richasara rava gumi, kuimba yaIsraeri.

4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kuimba yaIsraeri: Nditsvakei mugorarama.

5 Asi musatsvaka Bheteri, uye musapinda muGirigari, uye musapfuurira kuBheeri-Shebha; nokuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, uye Bheteri richava pasina.

6 Tsvakai Jehovha mugorarama, zvimwe apazire imba yaJosefa semoto, ndokupedza, ndokushaya anoudzima paBheteri.

7 Imwi munoshandura mutongo kuva gavakava, nekukanda kururama pasi.

8 Iye anoita Chirimirira neOrionhi, nekushandura mumvuri werufu kuva mangwanani, nekusvibisa zuva neusiku, anodana mvura zhinji yegungwa, nekuidurura pamusoro pechiso chenyika, Jehovha ndiro zita rake.

9 Anopenyesa kuparara pamusoro pevane simba, kuti kuparara kuuye pamusoro penhare.

10 Vanovenga anotsiura pasuwo, uye vanosema anotaura zvakarurama.

11 Naizvozvo zvamunotsika-tsika murombo, nekutora mutoro wezviyo kwaari, makavaka dzimba nemabwe akavezwa, asi hamungagari madziri, makasima minda yemizambiringa inofadza, asi hamunganwi waini yayo.

12 Nokuti ndinoziva kuti zvitadzo zvenyu zvizhinji, nezvivi zvenyu zvine simba; vanovenga wakarurama, vanogamuchira fufuro, nekutsaura varombo pasuwo.

13 Naizvozvo wakachenjera achanyarara panguva iyo, nokuti inguva yakaipa.

14 Tsvakai zvakanaka, uye kwete zvakaipa, kuti mugorarama, kuti saizvozvo Jehovha Mwari wehondo ave nemwi, sezvamakataura.

15 Vengai zvakaipa, mugoda zvakanaka, mumise mutongo pasuwo; zvimwe Jehovha Mwari wehondo achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.

16 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha, Mwari wehondo, Ishe: Kuchava nekuungudza panzira dzose huru, uye panzira dzose dzemumusha vachati: Maiwe! Maiwe! Uye vachadana varimi kuzorira, nevanoziva mariro kuzoungudza.

17 Uye kuungudza kuchavapo paminda yose yemizambiringa, nokuti ndichapfuura nepakati penyu, anoreva Jehovha.

18 Nhamo kunemwi vanoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha richava rei kwamuri? Richava rima, uye kwete chiedza.

19 Zvakaita semunhu anotiza pamberi peshumba, bheya ndokusangana naye; kana anopinda mumba, ruoko rwake ndokuzembera pamadziro, nyoka ndokumuruma.

20 Zuva raJehovha haringavi rima here, ndokusava chiedza? Nerima guru, kupenya kukasava mariri?

21 Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu, uye handinganhuhwi paungano dzenyu dzakadzama.

22 Nokuti kunyange mukandipa zvipo zvinopiswa, nezvipo zvenyu zvezvidyiwa, handingagamuchiri, uye handingarangariri chipo chekuyananisa chezvipfuwo zvenyu zvakakora.

23 Bvisai kwandiri ruzha rwenziyo dzenyu, uye ngandirege kunzwa kurira kwembira dzenyu.

24 Asi mutongo ngauyerere semvura, uye kururama serukova rwunongodira.

25 Makapa here kwandiri zvibairo nechipo murenje makore makumi mana, imwi imba yaIsraeri?

26 Asi makatakura tabhenakeri yaMoroki wenyu neKiyuni zvifananidzo zvenyu, nyeredzi yamwari wenyu wamakazviitira.

27 Naizvozvo ndichakutapirai mhiri kweDhamasiko, anoreva Jehovha, ane zita rinonzi Mwari wehondo.