ShonaTeam Amos « 4 »

VaIsraeri vanonyeverwa naJehovha

4Inzwai shoko iri, imwi mhou dzeBhashani, muri mugomo reSamariya, munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu: Unzai tinwe.

2 Ishe Jehovha wakapika neutsvene hwake, kuti: Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakusimudzai nedzingwegwe, uye vanokuteverai venyu nezviredzo zvehove.

3 Zvino muchabuda nepakakoromoka, umwe neumwe pamberi pake; zvino muchavarasira Harimoni, anoreva Jehovha.

4 Uyai kuBheteri, mugotadza; paGirigari muwedzere chitadzo; uye muunze chibairo chenyu mangwanani, zvegumi zvenyu makore matatu emazuva.

5 Zvino pisai chibairo chekuvonga nezvakaviriswa, zvino muparidze muzivise chibairo chekuzvidira; nokuti zvakadai munozvida, imwi vana vaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.

6 Neniwo ndakakupai kuchena kwemazino mumaguta enyu ose, nekushaiwa zvechingwa panzvimbo dzenyu dzose; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.

7 Uyezve ini ndakanyima mvura kwauri, kuchine mwedzi mitatu kusvika pakukohwa; zvino ndakanaisa pamusoro peguta rimwe, ndikasanaisa pamusoro perimwe guta; rumwe rupandi rwakanaiwa, uye rupandi rwusina kunaiwa rwakatsva.

8 Zvino kwakadzungaira maguta maviri kana matatu kunonwa mvura muguta rimwe chete, asi haana kugungwa; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.

9 Ndakakurovai nenyunje uye nekuvhuvha; kuwanda kwemabindu enyu neminda yenyu yemizambiringa nemiti yenyu yemionde nemiti yenyu yemiorivhi, gonye rakazvipedza; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.

10 Ndakatuma pakati penyu hosha zvichitevera nzira yeEgipita; majaya enyu ndakaauraya nemunondo, uye ndakatapa mabhiza enyu; uye ndakakwidza munhuhwi wemisasa yenyu kumhino dzenyu; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.

11 Ndakaparadza vamwe venyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora. Zvino maiva makaita sechitsiga chakabvutwa pamupfuto; zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, anoreva Jehovha.

12 Naizvozvo ndichaita seizvi kwauri, iwe Israeri; uye nokuti ndichaita izvi kwauri, gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.

13 Nokuti tarirai, uyo wakaumba makomo, nekusika mhepo, nekuzivisa kumunhu kuti mufungo wake chii, iye anosvibirisa mangwanani, nekutsika-tsika panzvimbo dzakakwirira dzepanyika, Jehovha, Mwari wehondo ndiro zita rake.