ShonaTeam Amos « 3 »

Basa remuporofita

3Inzwai shoko iri Jehovha raakataura akanangana nemwi, imwi vana vaIsraeri, akanangana nemhuri yose yandakakwidza kubva munyika yeEgipita, achiti:

2 Ndimwi moga vandakaziva pamarudzi ose epanyika; naizvozvo ndichakushanyirai nekuda kwezvakaipa zvenyu zvose.

3 Vaviri vangafamba pamwe here kunze kwekuti vasangana?

4 Shumba ingaomba musango isina chijimbiwa here? Shumba diki ingapa inzwi rayo mubako rayo isina kubata here?

5 Shiri ingawira mumusungo panyika pasina rugombe rwayo here? Musungo ungaurukira kumusoro kubva panyika usina kutongobata here?

6 Hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasadedera here? Kungava nechakaipa muguta here, Jehovha asina kuzviita?

7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kuzivisa zvakavanzika zvake kuvaranda vake vaporofita.

8 Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha wataura, ndiani angarega kuporofita?

9 Paridzai pamizinda muAshidhodhi nepamizinda munyika yeEgipita; zvino muti: Unganai pamusoro pemakomo eSamariya, mugoona mabope makuru mukati maro, nekumanikidza kuzhinji mukati maro.

10 Nokuti havazivi kuita zvakarurama, anoreva Jehovha, ivo vanounganidza kumanikidza nekupamba mumizinda yavo.

11 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Muvengi, anokomberedza nyika, uye achaburusa simba rako kubva kwauri, uye mizinda yako ichapambiwa.

12 Anoreva seizvi Jehovha: Mufudzi sezvaanonunura kubva mumuromo meshumba makumbo maviri, kana chipandi chenzeve, saizvozvo vana vaIsraeri vachanunurwa, ivo vagere muSamariya pamucheto wemubhedha, nepachidimbu cheuvato.

13 Inzwa, mugopupura muimba yaJakove, anoreva Ishe Jehovha, Mwari wehondo,

14 kuti pazuva randichashanyira zvitadzo zvaIsraeri pamusoro pake, ndichashanyirawo aritari dzeBheteri; nenyanga dzearitari dzichagurwa ndokuwira pasi.

15 Zvino ndicharova imba yemuchando pamwe neimba yemuchirimo, uye dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparara, uye dzimba huru dzichapera, anoreva Jehovha.