ShonaTeam Amos « 2 »

2Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvaMoabhu, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakapisa mapfupa amambo weEdhomu kuita raimu.

2 Asi ndichatuma moto paMoabhu, uchapedza mizinda yeKerioti. Zvino Moabhu achafa nebope, nekudanidzira, nekurira kwehwamanda.

3 Zvino ndichagura mutongi kubva pakati pavo, uye ndichauraya machinda ose avo pamwe navo, anoreva Jehovha.

4 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvaJudha, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakaramba mutemo waJehovha, uye havana kuchengeta mirairo yake, uye nhema dzavo dzakavarasisa, madzibaba avo dzaakatevera.

5 Zvino ndichatuma moto paJudha, uchapedza mizinda yeJerusarema.

6 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvaIsraeri, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakatengesa wakarurama nesirivha, neanoshaiwa nemanyatera maviri;

7 ivo vanotakwairira guruva renyika pamusoro pemusoro wevarombo, uye vanotsausa nzira yevanyoro; uye munhu nababa vake vachienda kumusikana, kuti musvibise zita rangu dzvene.

8 Zvino vanorara pasi panguvo dzechibatiso kumacheto kwearitari iyo neiyo, nekunwa waini yevakaraswa muimba yevamwari vavo.

9 Zvakadaro ini ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, kureba kwavo kwaiva kureba kwemisidhari, uye vaiva vakasimba semioki, zvakadaro ndakaparadza chibereko chavo chaiva kumusoro, nemidzi yavo yaiva pasi.

10 Zvino ini ndakakukwidzai kubva munyika yeEgipita, ndokukutungamirirai murenje makore makumi mana, kuti mugare nhaka yenyika yevaAmori.

11 Ndakamutsawo vaporofita pavanakomana venyu, nevaNaziri pamajaya enyu. Hazvina kudaro here, imwi vana vaIsraeri? Anoreva Jehovha.

12 Asi makanwisa vaNaziri waini, nekuraira vaporofita muchiti: Regai kuporofita.

13 Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sengoro izere nemwanda ichitsikira.

14 Naizvozvo nhare ichaparara kune anomhanya, uye ane simba haangasimbisi simba rake, nemhare hainganunuri upenyu hwayo.

15 Neakabata uta haangamiri; neanomhanyisa netsoka dzake haangazvinunuri; neakatasva bhiza haanganunuri upenyu hwake.

16 Zvino ane moyo wakasimba pakati pemhare achatiza akashama pazuva iro, anoreva Jehovha.