ShonaTeam Amos « 1 »

Kutongwa kwemarudzi akavakidzana neIsraeri

1 Mashoko aAmosi, waiva pakati pevafudzi veTekowa, aakaona pamusoro paIsraeri pamazuva aUziya mambo waJudha, nepamazuva aJerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maviri akatangira kudengenyeka kwenyika.

2 Zvino wakati: Jehovha uchaomba ari paZiyoni, nekunzwisa inzwi rake ari paJerusarema; uye mafuro evafudzi achachema, uye musoro weKarimeri uchasvava.

3 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveDhamasiko, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakapura Giriyadhi nemipuro yematare.

4 Asi ndichatuma moto muimba yaHazaeri, uchapedza mizinda yaBheni-Hadhadhi.

5 Ndichavhunawo chihuri cheDhamasiko, nekugura mugari kubva pabani reAvheni, newakabata tsvimbo yeushe kubva paBheti-Edheni; nevanhu veSiriya vachatapirwa kuKiri, anoreva Jehovha.

6 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveGaza, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakatapa zvekutapa kwakaperera, kuti vavape kuna Edhomu.

7 Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza mizinda yaro.

8 Zvino ndichagura mugari paAshidhodhi, newakabata tsvimbo yeushe paAshikeroni, uye ndichatendeusira ruoko rwangu kurwisa Ekironi; nevakasara vevaFirisitia vachaparara, anoreva Ishe Jehovha.

9 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveTire, uye nekuda kwezvina, handingadzori; nokuti vavatapira zvekutapa kwakaperera kuna Edhomu, uye vakasarangarira sungano yeukama.

10 Asi ndichatuma moto parusvingo rweTire, uchapedza mizinda yaro.

11 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zveEdhomu, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti wakadzingirira munin'ina wake nemunondo, wakarasa tsitsi dzake, uye kutsamwa kwake kwakabvambura zvichingoenda, uye wakachengeta hasha dzake nekusingaperi.

12 Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza mizinda yeBhozira.

13 Anoreva seizvi Jehovha: Nekuda kwezvitadzo zvitatu zvevana vaAmoni, uye nekuda kwezvina, handingakudzori; nokuti vakatumbura vakadzi vaiva nemimba veGiriyadhi, kuti vakurise muganhu wavo.

14 Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza mizinda yaro, nekudanidzira pazuva rekurwa, nedutu remhepo pazuva rechamupupuri.

15 Uye mambo wavo achaenda muutapwa, iye pamwe chete nemachinda ake, anoreva Jehovha.