ShonaTeam Joel « 3

Kutongwa kwenyika

3Nokuti tarirai, pamazuva iwayo nepanguva iyo, pandichadzosa kutapwa kwaJudha neJerusarema,

2 ndichaunganidzawo marudzi ose, nekuaburusira kumupata waJehoshafati, ndichaatongapo nekuda kwevanhu vangu nenhaka yangu Israeri, vaakaparadzira pakati pemarudzi ndokugovana nyika yangu;

3 uye vakakanda mijenya pamusoro pevanhu vangu, uye vakapa mukomana pachifeve, nekutengesa musikana newaini, kuti vanwe.

4 Hongu, nemwi munei neni, Tire neSidhoni nemigumo yose yeFirisitia? Munondiripira muripo here? Zvino kana mukanditsiva, nekukurumidza nekukasira ndichadzosera kutsiva kwenyu pamusoro wenyu.

5 Nokuti makatora sirivha yangu negoridhe rangu, uye makatakurira kutembere dzenyu zvinhu zvangu zvakanakisisa zvinofadza.

6 Nevana vaJudha nevana veJerusarema makatengesa kuvanakomana vevaGiriki, kuti muvabvisire kure nemuganhu wavo.

7 Tarirai, ndichavamutsa kubva panzvimbo kwamakavatengesa, uye ndichadzosera kutsiva kwenyu pamusoro wenyu.

8 Zvino ndichatengesa vanakomana venyu nevanasikana venyu muruoko rwevana vaJudha; ivo vachavatengesa kuvaShebha, kurudzi rwuri kure; nokuti Jehovha wakataura.

9 Danidzirai izvi pakati pemarudzi; natsai hondo; mutsai varume vane simba; varume vose vehondo ngavaswedere vakwire.

10 Pfurai miromo yemagejo yenyu ive minondo, nemapanga enyu ekuchekerera miti ave mapfumo; asina simba ngaati: Ndine simba.

11 Kurumidzai, muuye, imwi marudzi ose akapoteredza, muungane. Jehovha, burusirai mhare dzenyu ikoko.

12 Marudzi ngaamutswe, akwire kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara kutonga marudzi ose akapoteredza.

13 Isai jeko, nokuti goho raibva; uyai muburukire pasi, nokuti chisviniro chazara, zvisviniro zvinopupuma; nokuti uipi hwavo hwakakura.

14 Zvaunga, zvaunga mumupata wemutongo, nokuti zuva raJehovha rava pedo mumupata wemutongo.

15 Zuva nemwedzi zvichasviba, nenyeredzi dzichabvisa kupenya kwadzo.

16 Zvino Jehovha achaomba kubva muZiyoni, uye achanzwisa inzwi rake kubva muJerusarema. Zvino matenga nepasi zvichadengenyeka; asi Jehovha achava utiziro hwevanhu vake, nenhare kuvana vaIsraeri.

17 Saizvozvo muchaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wenyu agere paZiyoni, gomo rangu dzvene; ipapo Jerusarema richava dzvene; uye vatorwa havachazopfuurizve nemariri.

18 Zvino zvichaitika pazuva iro, makomo achadonha waini inotapira, uye zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura; uye chitubu chichabuda mumba maJehovha, uye chichadiridza mupata weShitimi.

19 Egipita richava dongo, uye Edhomu richava renje riri dongo, nekuda kwemhirizhonga yakaitirwa vana vaJudha, nokuti vakateura ropa risina mhosva panyika yavo.

20 Asi Judha achagara nekusingaperi, uye Jerusarema kusvika kuzera nezera.

21 Nokuti ndichachenesa ropa ravo randaiva ndisina kuchenesa; nokuti Jehovha anogara paZiyoni.