ShonaTeam Joel « 2 »

Zuva raJehovha

2Ridzai hwamanda paZiyoni, uye pangurai mhere pagomo rangu dzvene; vagari vose vepanyika ngavadedere; nokuti zuva raJehovha rinouya, nokuti rava pedo.

2 Zuva rerima nerekusviba, zuva regore nerima guru, semambakwedza akawaridzwa pamusoro pemakomo; rudzi rukuru uye rwune simba; hakuna kumbova nerwakadaro kubvira kunguva yekare, uye hakungazovizve nerwakadai shure kwarwo kusvika kumakore ezera nezera.

3 Moto unopedza pamberi parwo, uye kumashure kwarwo murazvo unopfuta; nyika yakaita semunda weEdheni pamberi parwo, uye kumashure kwarwo iri renje riri dongo; honguwo hakuna kupukunyuka kwarwuri.

4 Chimiro charwo chakaita sechimiro chemabhiza, uye sevatasvi vemabhiza, saizvozvo vachamhanya.

5 Seruzha rwedzingoro pamisoro yemakomo vachauruka, seruzha rwemurazvo wemoto unoparadza zvitsinzinzi, sevanhu vane simba vakamiswa pahondo vakagadzirirwa.

6 Pamberi pechiso chavo vanhu vacharwadziswa kwazvo; zviso zvose zvichacheneruka.

7 Vachamhanya sevarume vane simba; vachakwira rusvingo sevarume vehondo; uye vachafamba, umwe neumwe munzira dzake; uye havangatsauki makwara avo.

8 Uye havasundidzirani umwe kune umwe; vachafamba umwe neumwe mugwara rake; kana vakawira pamusoro pechombo, havangakuvari.

9 Vachamhanya kuno neuko muguta, vachamhanya pamusoro perusvingo, vachakwira pamusoro pedzimba, vachapinda nepamahwindo sembavha.

10 Nyika ichadengenyeka pamberi pavo, matenga achadedera, zuva nemwedzi zvichasviba, nenyeredzi dzichadzora kupenya kwadzo.

11 Zvino Jehovha achabudisa inzwi rake pamberi pehondo yake, nokuti kamba yake ihuru kwazvo; nokuti anoita inzwi rake ane simba; nokuti zuva raJehovha iguru, uye rinotyisa zvikuru; uye ndiani angarimirira?

12 Naizvozvowo ikozvino, anoreva Jehovha, tendeukirai kwandiri nemoyo wenyu wose, uye nekutsanya, uye nekuungudza, uye nekurira.

13 Zvino bvarurai moyo yenyu, uye kwete nguvo dzenyu, mugotendeukira kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane nyasha uye tsitsi, anononoka kutsamwa, ane ngoni huru, uye anozvidemba pachakaipa.

14 Ndiani angaziva, angadzoka akazvidemba, ndokusiya ropafadzo shure kwake, chipo chechidyiwa nechipo chechinwiwa kuna Jehovha Mwari wenyu?

15 Ridzai hwamanda paZiyoni, tsaurai mutsanyo, danai ungano yakadzama.

16 Unganidzai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vanana nevanoyamwa mazamu; chikomba ngachibude mukamuri racho, nemwenga mukamuri rake remukati.

17 Vapristi vashumiri vaJehovha ngavacheme misodzi pakati peberere nearitari, vati: Nzwirai vanhu venyu tsitsi, Jehovha, uye musapa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti vahedheni vatonge pamusoro pavo. Vachareverei pakati pemarudzi kuti: Mwari wavo aripi?

Ngoni dzaJehovha

18 Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, nekunzwira vanhu vake tsitsi.

19 Hongu, Jehovha achapindura ndokuti kuvanhu vake: Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, nemafuta, zvino muchagutiswa nazvo; uye handichazokuitiizve chishoorwa pakati pemarudzi.

20 Asi ndichabvisira kure nemwi zvinobva kumaodzanyemba, uye ndichazvidzingira kunyika yakaoma iri renje; chiso chake chakatarisa kugungwa rekumabvazuva, neshure kwake kugungwa rekumavirira. Zvino kunhuhwa kwake kuchakwira, nehwema hwake hwakaipa huchakwira; nokuti wakaita zvinhu zvikuru.

21 Usatya, nyika, fara upembere, nokuti Jehovha wakaita zvinhu zvikuru.

22 Regai kutya, imwi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobuka, nokuti muti unobereka chibereko chawo; muonde nemuzambiringa zvinopa simba razvo.

23 Nemwi vana veZiyoni, farai mupembere muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mvura yekutanga zvakaenzanirana, uye achakuburusirai mvura, mvura yekutanga nemvura yekupedzisira pamwedzi wekutanga.

24 Zvino maburiro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapupuma newaini itsva nemafuta.

25 Zvino ndichakudzoserai makore mhashu adzakadya, gwatakwata, negonye, nerukonye, hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu.

26 Zvino muchadya zvakawanda, ndokuguta, ndokurumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, kuti wakakuitirai zvinoshamisa; zvino vanhu vangu havanganyadziswi rinhi narinhi.

27 Zvino muchaziva kuti ini ndiri mukati maIsraeri, uye ndiri Jehovha Mwari wenyu, uye hakuna umwe; uye vanhu vangu havanganyadziswi rinhi narinhi.

28 Zvino zvichaitika shure kweizvozvi, ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; zvino vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita; vatana venyu vacharota zviroto, majaya enyu achaona zviratidzo.

29 Uyewo pamusoro pevaranda nepamusoro pevarandakadzi, pamazuva iwayo, ndichadurura Mweya wangu.

30 Zvino ndichaita zvishamiso kumatenga nepanyika, ropa, nemoto, neshongwe dzeutsi.

31 Zuva richashanduka kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raJehovha guru uye rinotyisa.

32 Zvino zvichaitika, kuti ani nani anodana zita raJehovha achaponeswa; nokuti pagomo reZiyoni nepaJerusarema pachava neruponeso, sezvakataura Jehovha, nepane vakasara Jehovha vaachadana.