ShonaTeam Joel « 1 »

Nyika inoparadzwa nemhashu

1 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joweri mwanakomana waPetuweri.

2 Inzwai chinhu ichi, imwi vatana, mupe nzeve, imwi mose vagari vepanyika. Izvi zvakamboitika pamazuva enyu here, kanawo pamazuva emadzibaba enyu?

3 Rondedzerei kuvana venyu nezvazvo, uye vana venyu kuvana vavo, uye vana vavo kune rimwe zera.

4 Zvakasiiwa nemhunduru, mhashu dzakadya; uye zvakasiiwa nemhashu, gwatakwata rakadya; uye zvakasiiwa negwatakwata, gonye rakadya.

5 Mukai, imwi zvidhakwa, mucheme misodzi, muungudze, imwi mose vanwi vewaini, nekuda kwewaini itsva, nokuti yagurwa kubva pamuromo wenyu.

6 Nokuti rudzi rwakwira pamusoro penyika yangu, rwakasimba, uye rwusina maverengero; mazino arwo mazino eshumba, uye rwune meno ematadza eshumbakadzi.

7 Rwakaita muzambiringa wangu uve dongo, nekuita muonde wangu chitsiga; rwakausvuura kwazvo, nekurasira pasi; matavi awo akaitwa machena.

8 Rirai semhandara yakazvisunga chiuno nesaga nekuda kwemurume weudiki hwayo.

9 Chipo chechidyiwa nechipo chechinwiwa chagurwa kubva paimba yaJehovha; vapristi, vashumiri vaJehovha, vanorira.

10 Munda waparadzwa, ivhu rinorira; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera simba.

11 Nyarai, imwi varimi, ungudzai, imwi varimi vemizambiringa, nekuda kwezviyo uye nekuda kwebhari; nokuti goho remunda raparara.

12 Muzambiringa wasvava, uye muonde unoshaiwa simba, mupomegiranati, nemuchindwe, nemuapuri, miti yose yesango yaoma; nokuti mufaro wasvava wabva kuvanakomana vevanhu.

13 Zvisungei zviuno, murire, imwi vapristi; ungudzai, imwi vashumiri vearitari; uyai, rarai usiku makapfeka masaga, imwi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipo chechidyiwa nechipo chinodururwa kuimba yaMwari wenyu.

14 Tsaurai mutsanyo, danai ungano yakadzama, unganidzai vakuru, vagari vose vepanyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, uye chemai kuna Jehovha.

15 Nhamo pazuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedo, uye richasvika sekuparadza kubva kune Wemasimbaose.

16 Zvekudya hazvina kugurwa pamberi pemeso enyu here, mufaro nekufarisisa kubva kuimba yaMwari wedu?

17 Mbeu dzinoorera pasi pemavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti zviyo zvasvava.

18 Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nokuti hazvina mafuro; zvirokwazvo, mapoka emakwai aparadzwa.

19 Jehovha, ndinochema kwamuri, nokuti moto wapedza mafuro erenje, uye murazvo wapisa miti yose yesango.

20 Nemhuka dzesango dzinochema kwamuri, nokuti nzizi dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje.