ShonaTeam Hosea « 13 »

Kuparara kwaIsraeri

13Efuremu paakataura, kwaivapo kudedera; iye wakazvikudza kwaIsraeri; asi paakava nemhosva pana Bhaari, wakafa.

2 Zvino ikozvino vanoramba vachitadza, uye vakazviitira chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa nesirivha yavo, zvifananidzo zvinoenderana nekunzwisisa kwavo, zvose basa remhizha, vanoti pamusoro pazvo: Vanhu vanobaira vachatsvoda mhuru.

3 Naizvozvo vachava segore remangwanani, uye sedova rerungwanani rinopfuura, sehundi ichipepereswa kubva paburiro, uye seutsi hunobuda pachirasautsi.

4 Zvakadaro ini ndiri Jehovha Mwari wako kubva panyika yeEgipita; uye haungazivi umwe mwari kunze kwangu, nokuti hakuna muponesi kunze kwangu.

5 Ini ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.

6 Zvichienderana nemafuro avo, saizvozvo vakaguta; vakati vaguta, moyo wavo wakazvikudza; naizvozvo vakandikanganwa.

7 Naizvozvo ndichava kwavari seshumba; seingwe panzira ndicharamba ndakatarira.

8 Ndichasangana navo sebheya rakatorerwa mbwanana, uye ndichatsemura chakavhariridza moyo wavo; zvino ipapo ndichavadya seshumbakadzi; chikara chesango chichavabvamburanya.

9 Zvakuparadza, Israeri, nokuti kwandiri kune rubatsiro rwako.

10 Aripi mambo wako, aripi, kuti akubatsire pamaguta ako ose; nevatongi vako vawakati: Ndipei mambo nemachinda?

11 Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndokumubvisa muhasha dzangu.

12 Uipi hwaEfuremu hwakasungwa, chivi chake chakavigwa.

13 Kushungurudzika kwemukadzi anorwadziwa nemimba kuchamusvikira; iye mwanakomana asina kuchenjera; kana nguva iripo, haagarisi pamuromo wechizvaro chevana.

14 Ndichavaripira pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Rufu, hosha dzako dziripi? Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kutendeuka kuchavanzwa kubva pameso angu.

15 Kunyange iye akaburitsa zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yekumabvazuva ichasvika, mhepo yaJehovha, inokwira kurenje; zvino chitubu chake chichapwa, uye tsime rake richaoma; iye achapamba fuma yemidziyo yose inofadza.

16 Samariya richava dongo, nokuti wakapandukira Mwari waro; vachawa nemunondo; vacheche vavo vachaputsanyiwa, uye vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.