ShonaTeam Hosea « 12 »

12Efuremu anodya mweya, uye anodzingirirana nemhepo yekumabvazuva; anowedzera zuva rose nhema nekuparara; uye vanoita sungano nevaAsiriya, uye mafuta anotakurirwa kuEgipita.

2 Jehovha ane gakavawo naJudha, uye acharanga Jakove zvichienderana nenzira dzake; zvichienderana nezviito zvake achamutsiva.

3 Muchizvaro wakabata mukoma wake nechitsitsinho, uye nesimba rake wakaita mutsimba naMwari.

4 Hongu, wakava nesimba pamusoro pemutumwa, uye wakakunda; wakachema misodzi, ndokuita mukumbiro kwaari; wakamuwana paBheteri, uye ipapo wakataura nesu.

5 Iye Jehovha, Mwari wehondo; Jehovha chirangaridzo chake.

6 Naizvozvo iwe, tendeukira kuna Mwari wako; chengeta ngoni nemutongo, uye ramba uchimirira Mwari wako.

7 Mutengesi, zviyero zvinonyengera zviri muruoko rwake; anofarira kumanikidza.

8 Zvino Efuremu anoti: Zvakadaro ndafuma, ndazviwanira fuma; pamabasa angu ose havangawani kwandiri uipi huri chivi.

9 Asi ndiri Jehovha Mwari wako, kubva panyika yeEgipita; ndichakugarisaizve mumatende, sepamazuva emitambo yakatarwa.

10 Ndakataurawo kuvaporofita, uye ini ndakawanza zviratidzo; uye ndakashandisa mifananidzo neushumiri hwevaporofita.

11 Huripo here uipi paGiriyadhi? Zvirokwazvo havana maturo. Vanobaira nzombe paGirigari; hongu aritari dzavo dzakaita sematutu pamihoronga yeminda.

12 Zvino Jakove wakatizira kunyika yeSiriya, uye Israeri wakashandira mukadzi, wakafudza nekuda kwemukadzi.

13 Uye nemuporofita Jehovha wakakwidza Israeri kubva muEgipita, uye nemuporofita wakachengetedzeka.

14 Efuremu vakatsamwisa zvinorwadza kwazvo; naizvozvo achasiya ropa rake pamusoro pake; uye Ishe wake achadzosera kushoorwa kwake kwaari.