ShonaTeam Hosea « 11 »

Mwari akada vanhu vake asi vakatsauka

11Israeri achiri mwana ndakamuda, ndokudana mwana wangu abude muEgipita.

2Pavaivadana, saizvozvo vakabva pamberi pavo; vakabaira vana Bhaari, uye vakapisira zvifananidzo zvakavezwa zvipfungaidzo zvinonhuhwira.

3 Zvino ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavabata nemaoko avo, asi havana kuziva kuti ndakavaporesa.

4 Ndakavakweva nemabote emunhu, nemabote erudo; ndakava kwavari seanobvisa joko pashaya dzavo, ndakarerekera kwavari, ndakavapa zvekudya.

5 Haangadzokeri kunyika yeEgipita, asi muAsiriya achava mambo wake, nokuti vakaramba kudzoka.

6 Zvino munondo uchagara pamaguta ake, uye uchapedza mazariro ake nekuadya, nekuda kwemazano avo.

7 Zvino vanhu vangu vakarerekera pakudzokera shure kubva kwandiri, kunyange vachivadanira kune Wekumusoro-soro, hakutongorina achamusimudzira.

8 Ndingakupa kumwe sei, Efuremu? Ndingakukumikidza kumwe here, Israeri? Ndingakuita sei seAdhima? Ndingakumisa here seZebhoimi? Moyo wangu washanduka mukati mangu; tsitsi dzangu dzapfutidzwa pamwe chete.

9 Handingaiti kupfuta kwekutsamwa kwangu; handingadzoki kuparadza Efuremu; nokuti ndiri Mwari, uye handisi munhu, Mutsvene pakati penyu, uye handingapindi muguta.

10 Vachatevera Jehovha; achaomba seshumba; nokuti iye achaomba, uye vana vachadedera kubva kumavirazuva.

11 Vachadedera seshiri kubva Egipita, uye senjiva kubva panyika yeAsiriya; zvino ndichavagarisa mudzimba dzavo, anoreva Jehovha.

12 Efuremu vakandikomberedza nenhema, uye imba yaIsraeri nekunyengera; asi Judha achiri kutonga naMwari, uye wakatendeka pamwe nevatsvene.