ShonaTeam Hosea « 10 »

Israeri achatorerwa aritari dzake namambo wakevo

10Israeri muzambiringa wakadururwa, anozviberekera chibereko; zvichienderana neuwandu hwechibereko chake wakawanza dziaritari; zvichienderana neunaku hwenyika yake vakaita shongwe dziri zvifananidzo zvakanaka.

2 Moyo wavo wakaparadzaniswa; ikozvino vachawanikwa vane mhosva; achaputsanya aritari dzavo; achaparadza shongwe dzavo dziri zvifananidzo.

3 Nokuti ikozvino vachati: Hatina mambo; nokuti hatina kutya Jehovha; zvino mambo achaitei kwatiri?

4 Vakataura mashoko, vachipika nhema pakuita sungano; saizvozvo mutongo uchabuka sesora rinouraya riri mumihoronga yemumunda.

5 Vagari veSamariya vachatya nekuda kwemhuru dzeBheti-Avheni; nokuti vanhu varo vacharira pamusoro paro, uye vapristi varo vachadedera naro, nekuda kwerukudzo rwaro, nokuti rwabva kwariri.

6 Hongu, richatakurirwa kuAsiriya kuva chipo kuna mambo Jarebhi; Efuremu achagamuchira chinyadzo, naIsraeri achanyara nezano rake.

7 Samariya ragurwa; mambo waro wakaita sechimuti pachiso chemvura.

8 Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, chivi chaIsraeri, zvichaparadzwa; munzwa nerukato ruzhinji zvichamera pamusoro pearitari dzavo; zvino vachati kumakomo: Tifukidzei. Nekuzvikomo: Wirai pamusoro pedu.

9 Iwe Israeri, wakatadza kubva pamazuva eGibhiya; ndipo pavakamira; hondo paGibhiya kurwisa vana vezvakaipa haina kuvabata.

10 Zviri muchishuwo changu kuti ndichavaranga; uye vanhu vachavaunganira, pavachazvisungirira pazvakaipa zvavo zviviri.

11 Zvino Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura; asi ini ndakapfuura nepamusoro perunako rwemutsipa wake; ndichatasvisa Efuremu; Judha acharima, Jakove achaputsa mavhinga ake.

12 Zvidzvarirei mukururama, mukohwe mungoni; vundai gombo renyu; nokuti inguva yekutsvaka Jehovha, kusvika asvika achinaisa kururama pamusoro penyu.

13 Makarima uipi, makakohwa chitadzo, makadya chibereko chenhema, nokuti makavimba nenzira yenyu, muuwandu hwemhare dzenyu.

14 Naizvozvo bope richamuka pakati pevanhu venyu, nenhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bheti-Aribheri nezuva rehondo; mai vakaputsanyiwa pamusoro pevana.

15 Richaita saizvozvi Bheteri kwamuri nekuda kwekuipa kwenyu kukuru; murungwanani mambo waIsraeri achagurwa zvekugurwa.