ShonaTeam Hosea « 9 »

9Rega kufara, iwe Israeri, kuve mufaro, semarudzi; nokuti iwe wakafeva uchibva kuna Mwari wako; wakada mubairo wechifeve pamaburiro ose ezviyo.

2 Buriro nechisviniro chewaini hazvingavapi zvekudya, uye waini itsva ichavanyengera.

3 Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera kuEgipita, uye vachadya zvisina kuchena paAsiriya.

4 Havangadururiri waini kuna Jehovha, uye havangamufadzi; zvibairo zvavo zvichava sechingwa chemariro kwavari; vose vanodya pachiri vachasvibiswa, nokuti chingwa chavo chemweya weupenyu wavo hachingasviki muimba yaJehovha.

5 Muchaitei nezuva remutambo wakatarwa, nepazuva remabiko aJehovha?

6 Nokuti tarirai, vakaenda nekuda kwekuparadza. Egipita richavaunganidza, Memifisi achavaviga; nzvimbo dzinofadza dzesirivha yavo, rukato rwuchadzigara nhaka, minzwa ichava mumatende avo.

7 Mazuva ekushanyirwa asvika, mazuva ekutsiva asvika; Israeri achaziva; muporofita ibenzi, munhu wemweya anopenga, nekuda kweuwandu hweuipi hwenyu, neruvengo rukuru.

8 Efuremu mushori kuna Mwari wangu; asi muporofita, rugombe rwemuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, ruvengo muimba yaMwari wake.

9 Vakazviodza zvakadzama, sepamazuva eGibhiya; acharangarira uipi hwavo, achashanyira zvivi zvavo.

10 Ndakawana Israeri akaita semazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu akaita sechibereko chekutanga pamuonde pakutanga kwacho; asi ivo vakaenda kuBhaari-Peori, vakazviparadzanisira kune zvinyadzo, vakava zvinyangadzo sepamadiro avo.

11Kana ari Efuremu, rukudzo rwavo rwuchabhururuka seshiri, kubva pakubereka, uye kubva muchizvaro, uye kubva pakubata mimba.

12 Kunyange vakarera vana vavo, zvakadaro ndichavaita vafirwe, kusasara nemunhu. Zvirokwazvo, nhamowo kwavari pakubva kwangu kwavari.

13 Efuremu, sekuona kwangu Tire, wakasimwa panzvimbo yekugara, asi Efuremu achabudisira vana vake kumuurayi.

14 Vapei, Jehovha, muchapei? Vapei chizvaro chinosvosva, nemazamu akaoma.

15 Uipi hwavo hwose huri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nekuda kweuipi hwezviito zvavo, ndichavadzinga kubuda mumba mangu; handichazovadizve; machinda avo ose vapanduki.

16 Efuremu warohwa; mudzi wavo waoma; havangazobereki chibereko; hongu, kunyange vakabereka zvakadaro ndichauraya vadikanwi vechizvaro chavo.

17 Mwari wangu achavaramba, nokuti havana kumuteerera; uye vachava vadzungairi pakati pevechirudzi.