ShonaTeam Hosea « 8 »

Jehovha anoshoora Israeri nezvifananidzo zvake

8Hwamanda pamuromo wako. Achauya segondo kurwisa imba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu, nekutadzira murairo wangu.

2 Vachadana kwandiri vachiti: Mwari wangu, isu Israeri tinokuzivai.

3 Israeri wakarasa zvakanaka. Muvengi achamuteverera.

4 Ivo vakagadza madzimambo, asi kwete kubva kwandiri; vakamisa machinda, asi ini ndisingazvizivi; pasirivha yavo negoridhe ravo vakazviitira zvifananidzo, kuti vagurwe.

5 Mhuru yako, iwe Samariya, yakakurasa; kutsamwa kwangu kwakavapfutira; kusvika rinhi vasingazokwanisi kuva vasina mhosva?

6 Nokuti ichiwo chakabva kuna Israeri; mupfuri wakachiita, uye hachisi Mwari; asi mhuru yeSamariya ichava mafufu.

7 Nokuti vanodzvara mhepo, zvino vachakohwa chamupupuri; hakungavi nezviyo zvimire; chipande hachingagadziri upfu; kana chichigadzira, vatorwa vachazvimedza.

8 Israeri wakamedzwa; ikozvino vava pakati pevechirudzi semudziyo usina chinofadza pauri.

9 Nokuti ivo vakakwira kuAsiriya, mbongoro yesango yoga pachayo. VaEfuremu vakahaya vadiwa.

10 Hongu, kunyange vakahaya pakati pevechirudzi, ikozvino ndichavaunganidza; zvino vachatanga kutapudzwa nekuda kwemutoro wamambo newemachinda.

11 Nokuti Efuremu wakawanza aritari dzekutadza, aritari dzichava kwaari dzekutadza.

12 Ndakamunyorera zvinhu zvikuru zvemurairo wangu, asi zvakaverengwa sechinhu chevatorwa.

13Kana zviri zvibairo zvezvipo zvangu, vanobaira nyama, ndokudya, Jehovha haafadzwi nazvo. Ikozvino acharangarira zvakaipa zvavo, nekushanyira zvivi zvavo. Ivo vachadzokera kuEgipita.

14 Nokuti Israeri wakakanganwa Muiti wake, ndokuvaka matembere, uye Judha wakawanza maguta akashoshewa; asi ndichatuma moto pamusoro pemaguta ake, uye uchapedza mizinda yawo.