ShonaTeam Hosea « 7 »

7Kana ndichirapa Israeri, ipapo chitadzo chaEfuremu chinofukurwa, nezvakaipa zveSamariya; nokuti vanoita nhema, zvino mbavha inopinda, boka remakororo rinopamba kunze.

2 Asi havana kufungisisa mumoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; ikozvino zviito zvavo zvavakomba, zviri pamberi pechiso changu.

3 Vanofadza mambo neuipi hwavo, nemachinda nenhema dzavo.

4 Vose imhombwe zhinji; vakaita sechoto chakaveserwa nemubiki wechingwa; anorega kukuchidzira moto kana akanya mukanyiwa, kusvika pakuvira kwawo.

5Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nekupisa kwewaini; iye akatandavadza ruoko rwake pamwe nevaseki.

6 Nokuti vakagadzirira moyo wavo sechoto, pavanenge vakavandira; mubiki wechingwa wavo anorara usiku hwose; mangwanani chinopfuta semurazvo wemoto.

7 Vanopisa vose sechoto, uye vanopedza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawa; hakuna pakati pavo anodana kwandiri.

8 Efuremu iye wakazvisanganisa nemarudzi; Efuremu chingwa chisina kushandurwa.

9 Vatorwa vakadya simba rake, asi iye haazivi; zvirokwazvo imvi dzakapararira paari, asi iye haazivi.

10 Zvino kuzvikudza kwaIsraeri kunopupura pachiso chake, asi havadzokeri kuna Jehovha Mwari wavo, uye havamutsvaki pane izvi zvose.

11 Zvino Efuremu wakaita senjiva dununu, isina njere; vanodana Egipita, vanoenda Asiriya.

12 Pavanoenda, ndichatandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzekumatenga; ndichavaranga ungano yavo sezvayakanzwa.

13 Vane nhamo, nokuti vakatiza kubva kwandiri; kuparara kwavari, nokuti vakandidarikira; kunyange ini ndakavadzikinura, zvakadaro ivo vakandirevera nhema.

14 Zvino havana kudana kwandiri nemoyo wavo, pavaiungudza pamibhedha yavo; vakazviunganidzira zviyo newaini itsva, vakandipandukira.

15 Kunyange ini ndakavaraira ndichisimbisa maoko avo, zvakadaro vanondifungira chakaipa.

16 Vanodzoka asi kwete kune Wekumusoro-soro; vakafanana neuta hunonyengera; machinda avo achawa nemunondo nekuda kwehasha dzerurimi rwavo. Ichi chichava chiseko chavo panyika yeEgipita.