ShonaTeam Hosea « 5 »

Vatungamiriri vanotukwa

5Inzwai izvi, imwi vapristi, uye teererai, imwi imba yaIsraeri, uye ipai nzeve, imwi imba yamambo, nokuti mutongo wanangana nemwi, nokuti mava musungo paMizipa, uye mumbure wakatandirwa paTabhori.

2 Zvino vapanduki vakadzika pakuuraya, asi ndichava murairi wavo vose.

3 Ini ndinoziva Efuremu, uye Israeri haana kuvanzika kwandiri; nokuti ikozvino, iwe Efuremu, wakafeva, Israeri wakasvibiswa.

4 Havangataridziri zviito zvavo kuti vadzokere kuna Mwari wavo; nokuti mweya weufeve uzhinji uri pakati pavo, uye havazivi Jehovha.

5 Zvino kuzvikudza kwaIsraeri kunovapupurira pachiso chake; naizvozvo Israeri naEfuremu vachagumburwa pachitadzo chavo; Judhawo achagumburwa pamwe navo.

6 Vachaenda nemakwai avo uye nemombe dzavo kunotsvaka Jehovha, asi havangamuwani; wakazvibvisa kwavari.

7 Vakaita nekunyengera kuna Jehovha, nokuti vakabereka vechirudzi. Ikozvino mwedzi unogara uchavapedza nemigove yavo.

8 Ridzai nyere muGibhiya, hwamanda paRama; ridzai mhere paBheti-Avheni muti: Shure kwako, iwe Bhenjamini.

9 Efuremu achava dongo pazuva rekurangwa; pakati pemarudzi aIsraeri ndakazivisa zviri chokwadi.

10 Machinda aJudha aiva akafanana nevanobvisa hoko; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.

11 Efuremu wakamanikidzwa, wakapwanyiwa pakutongwa, nokuti wakatenda kutevera murairo.

12 Naizvozvo ndichava sechipfunho kuna Efuremu, uye sekuora kuimba yaJudha.

13 Efuremu paakaona kurwara kwake, naJudha vanga rake, ipapo Efuremu wakaenda kuAsiriya, ndokutuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haana kugona kukurapai, uye haana kubvisa vanga kubva kwamuri.

14 Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, uye seshumba diki kuimba yaJudha; ini, iyeni, ndichabvambura ndokuenda; ndichabvisa, zvino hakungavi nemununuri.

15 Ndichaenda ndidzokere kunzvimbo yangu, kusvika vabvuma mhosva yavo, uye vatsvaka chiso changu; pakumanikidzika kwavo vachanditsvaka nekukurumidza.