ShonaTeam Hosea « 4 »

Jehovha anochema kutsauka kwaIsraeri

4Inzwai shoko raJehovha, imwi vana vaIsraeri, nokuti Jehovha ane gakava nevagari vepanyika, nokuti hapana chokwadi, uye hapana ngoni, uye hapana kuziva Mwari panyika.

2 Pane kupika, nekureva nhema, nekuuraya, nekuba, nekufeva, vanopaza dzimba, uye mhosva yeropa inobata mhosva yeropa.

3 Naizvozvo nyika icharira, uye ani nani anogaramo achaziya, pamwe nemhuka dzesango uye pamwe neshiri dzekumatenga; honguwo, hove dzegungwa dzichabviswa.

4 Asi kusava nemunhu anokakavara, uye kusava neanoshoora umwe, nokuti vanhu venyu vakaita sevanokakavadzana nemupristi.

5 Naizvozvo uchagumburwa masikati, hongu nemuporofita achagumburwa pamwe newe usiku; uye ndichaparadza mai vako.

6 Vanhu vangu vaparadzwa nekushaiwa ruzivo; nokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndichakuramba, kuti usava mupristi kwandiri; zvawakakanganwa murairo waMwari wako, iniwo ndichakanganwa vana vako.

7 Pakuwanda kwavo, saizvozvo vakanditadzira. Ndichashandura rukudzo rwavo kuva chinyadzo.

8 Vakadya chivi chevanhu vangu, uye vakasimudzira mweya weupenyu wavo kuchitadzo chavo.

9 Zvino zvichaitika, sevanhu mupristi achadaro. Zvino ndichavaranga nekuda kwenzira dzavo, nekuvapa mubairo wezviito zvavo.

10 Nokuti vachadya, asi havangaguti, vachafeva, asi havangawandi, nokuti vakasiya kurangarira Jehovha.

11 Ufeve, newaini, newaini itsva, zvinobvisa moyo.

12 Vanhu vangu vanobvunza danda ravo, uye tsvimbo yavo inovaudza; nokuti mweya weufeve uzhinji wakavatsausa, kuti vafeve vachibva pasi paMwari wavo.

13 Vanoita zvibairo pamisoro yemakomo, nekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pazvikomo, pasi pemuoki*, nemupopirari*, nemuti mukuru, nokuti mumvuri wayo wakanaka; naizvozvo vakunda venyu vachaita ufeve, nevamwenga venyu vachaita chipfambi.

14 Handingarangi vakunda venyu kana vachiita ufeve, kana vamwenga venyu kana vachiita chipfambi, nokuti ivo vamene vakazviparadzanisa nepfambi zhinji, uye vanobaira zvibairo pamwe nepfambi dzepatembere, naizvozvo vanhu vasina kunzwisisa vachawisirwa pasi.

15 Kunyange iwe, Israeri, uchiita ufeve, Judha ngaarege kuva nemhosva, uye musasvika kuGirigari, uye musakwira kuBheti-Avheni, uye musapika muchiti: NaJehovha mupenyu!

16 Nokuti Israeri anokoma, setsiru rinokoma; ikozvino Jehovha achamufudza segwayana panzvimbo yakafaranuka.

17 Efuremu wakabatana nezvifananidzo, muregei.

18 Zvinwiwa zvavo zvapera; vakaramba vachifeva; vanovadzivirira vanoda zvekuda chinyadzo.

19 Mhepo yakamusungira pamapapiro ake; zvino vachanyara nekuda kwezvibairo zvavo.