ShonaTeam Hosea « 3 »

Mukadzi wechipiri weufeve waHosiya

3Zvino Jehovha wakati kwandiri: Endazve, ude mukadzi anodikanwa neshamwari yake, asi ari chifeve, saJehovha achida vana vaIsraeri, asi vachitarisa kune vamwe vamwari, uye vachida zvingwa zvezvibereko zvemuzambiringa zvakaomeswa.

2 Zvino ndakazvitengera iye nemakobiri esirivha gumi nemashanu, nehomeri* yebhari*, nehafu yehomeri yebhari.

3 Zvino ndakati kwaari: Uchagara uri wangu kwemazuva mazhinji; usaita ufeve uye usava weumwe murume, saizvozvo iniwo kwauri.

4 Nokuti vana vaIsraeri vachagara mazuva mazhinji, vasina mambo, uye vasina muchinda, uye vasina chibairo, uye vasina shongwe yechifananidzo, uye vasina efodhi* kana terafimi*.

5 Pashure vana vaIsraeri vachadzoka, zvino vachitsvaka Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo; uye vachauya kuna Jehovha vachitya, nekurunako rwake, pamazuva ekupedzisira.