ShonaTeam Hosea « 2 »

Jehovha anoda vanhu vake ivo vasina kuvimbika

2Itii kuvanin'ina venyu: Ami; nekuhanzvadzi dzenyu: Ruhama.

2 Kakavadzanai namai venyu, kakavadzanai; nokuti haasi mukadzi wangu, neni handisi murume wake. Uye ngaabvise ufeve hwake uzhinji kubva pachiso chake, neupfambi hwake uzhinji kubva pakati pemazamu ake;

3 zvimwe ndimukurure ashame, nekumumisa sepazuva raakazvarwa, nekumuita serenje, nekumumisa senyika yakaoma, nekumuuraya nenyota.

4 Zvino handinganzwiri vana vake ngoni, nokuti ivo vana veufeve uzhinji.

5 Nokuti mai vavo vakafeva; iye akavazvara wakaita chinyadzo, nokuti akati: Ndichatevera vadikanwi vangu, ivo vanopa zvekudya zvangu, nemvura yangu, makushe angu, neshinda yangu, mafuta angu, nezvinwiwa zvangu.

6 Naizvozvo, tarira, ndichashoshera nzira yako neminzwa, nekumuvakira chidziro, kuti asawana nzira dzake.

7 Zvino achadzingirira vadikanwi vake, asi haangavabati; uye achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati: Ndichaenda ndigodzokera kumurume wangu wekutanga, nokuti ipapo zvaiva nani kwandiri kupfuura ikozvino.

8 Nokuti waiva asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini itsva, nemafuta, nekumuwanzira sirivha, negoridhe, zvavaibatira Bhaari nazvo.

9 Naizvozvo ndichadzoka nditore zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yayo, uye ndichabvisa makushe angu neshinda yangu, zvekufukidza kushama kwake.

10 Zvino ikozvino ndichafukura kunyadza kwake pameso pevadikanwi vake; zvino hakuna achamununura paruoko rwangu.

11 Ndichagumisawo mufaro wake wose, mabiko ake, kugara kwemwedzi kwake, nemasabata ake, nemitambo yake yose yakatarwa.

12 Zvino ndichaparadza muzambiringa wake nemuonde wake, zvaaiti: Ndiwo mubairo weufeve hwangu vadikanwi vangu wavakandipa. Uye ndichazviita dondo, uye mhuka dzesango dzichazvidya.

13 Zvino ndichatsiva pamusoro pake mazuva avana Bhaari, vaaipisira zvinonhuhwira, achichishongedza nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, ndokutevera vadikanwi vake, asi ini wakandikanganwa, anoreva Jehovha.

14 Naizvozvo tarira, ndichamukwezva, ndokumuunza murenje, ndokutaura kumoyo wake.

15 Zvino ndichamupa minda yake yemizambiringa kubva ipapo, nemupata weAkori kuva mukova wetariro. Zvino achaimba ipapo sepamazuva eudiki hwake, uye sepazuva raakakwira kubuda munyika yeEgipita.

16 Zvino zvichadai nezuva iro, anoreva Jehovha: Uchandiidza Murume wangu; uye haungazondiidzizve: Bhaari wangu.

17 Nokuti ndichabvisa mazita avana Bhaari mumuromo make; uye havangazorangarirwizve nemazita avo.

18 Zvino pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango uye neshiri dzekumatenga nezvinokambaira zvepasi. Zvino ndichavhuna uta nemunondo nehondo kubva panyika, ndivararise pasi vakachengeteka.

19 Ndichatsidza kukuwana uve wangu nekusingaperi; hongu, ndichatsidzira kukuwana uve wangu mukururama nemumutongo nemurudo rweunyoro nemutsitsi huru.

20 Ndichatsidzirawo kukuwana uve wangu mukutendeka. Zvino uchaziva Jehovha.

21 Zvino zvichaitika pazuva iro, ndichapindura, anoreva Jehovha. Ndichapindura matenga, naiwo achapindura nyika,

22 nenyika ichapindura zviyo, newaini itsva, nemafuta; izvowo zvichapindura Jezireeri.

23 Zvino ndichazvisimira iye panyika, uye ndichamunzwira ngoni waiva asina kunzwirwa ngoni, uye ndichati kune vaiva vasiri vanhu vangu: Imwi muri vanhu vangu; uye ivo vachati: Mwari wangu.