ShonaTeam Hosea « 1 »

Mukadzi waHosiya nevana vake

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosiya mwanakomana waBheeri, pamazuva aUziya, Jotami, Ahazi, Hezekia, madzimambo aJudha, uye pamazuva aJerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsraeri.

2 Kutanga kwekutaura kwaJehovha kubudikidza naHosiya. Zvino Jehovha wakati kuna Hosiya: Enda unozvitorera mukadzi wekufeva-feva nevana vekufeva-feva; nokuti nyika inofeva zvikuru vachibva pakutevera Jehovha.

3 Naizvozvo wakaenda ndokutora Gomeri mukunda waDhibhiraimi; iye wakabata mimba ndokumuberekera mwanakomana.

4 Zvino Jehovha wakati kwaari: Tumidza zita rake kuti Jezireeri, nokuti pachine chinguva, ipapo ndichatsiva ropa zhinji reJezireeri paimba yaJehu, uye ndichagumisa umambo hweimba yaIsraeri.

5 Zvino zvichaitika pazuva iro kuti ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.

6 Zvino wakabatazve mimba ndokubereka mukunda; Jehovha ndokuti kwaari: Tumidza zita rake kuti Ro-Ruhama; nokuti handichazonzwirizve imba yaIsraeri nyasha, asi ndichavabvisa zvekuvabvisa.

7 Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, uye ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, uye handingavaponesi neuta, kana nemunondo, kana nehondo, nemabhiza, kana nevatasvi vemabhiza.

8 Wakati arumura Ro-Ruhama, wakabata mimba ndokubereka mwanakomana.

9Jehovha ndokuti: Tumidza zita rake kuti Ro-Ami; nokuti hamusi vanhu vangu, neni handisi wenyu.

10 Zvakadaro uwandu hwevana vaIsraeri huchava sejecha regungwa, risingayerwi uye risingaverengwi. Zvino zvichaitika, panzvimbo yekuti kunzi kwavari: Hamusi vanhu vangu, kuchanzi kwavari: Vana vaMwari mupenyu.

11 Ipapo vana vaJudha nevana vaIsraeri vachaunganidzwa pamwe, ndokuzvigadzira mukuru umwe chete, ndokukwira kubuda munyika; nokuti richava guru zuva reJezireeri.