ShonaTeam Daniel « 12

Zvenguva yekupedzisira

12Zvino panguva iyo Mikayeri achasimuka, muchinda mukuru, anomiririra vana vevanhu vako. Zvino pachava nenguva yekutambudzika, isina kumbovako kubva pakuvapo kwerudzi kusvika panguva iyo. Asi panguva iyo vanhu vako vachanunurwa, umwe neumwe achawanikwa akanyorwa mubhuku.

2 Zvino vazhinji vevarere muguruva renyika vachamuka, vamwe vachienda kuupenyu hwekusingaperi, uye vamwe vachienda kukunyadziswa kuzhinji nekuzvidzwa kwekusingaperi.

3 Zvino vakachenjera vachapenya sekubwinya kwemuchadenga, uye vachadzorera vazhinji kukururama, senyeredzi kusvika rinhi narinhi.

4 Asi iwe Dhaniyeri, vhara mashoko, usimbise nechidhindo bhuku, kusvika panguva yekupedzisira; vazhinji vachamhanya kuenda uko neuko, uye ruzivo rwuchawanzwa.

5 Zvino ini Dhaniyeri ndakaona, uye tarira, vamwe vaviri vakamira, umwe ari kurutivi runo rwemahombekombe erwizi uye umwe ari kurutivi urwo rwemahombekombe erwizi.

6 Zvino kwakanzi kumurume waiva akapfeka mucheka wakapfava, waiva pamusoro pemvura yerwizi: Kusvika rinhi kuti zvipere zvishamiso izvi?

7 Zvino ndakanzwa murume waiva akapfeka mucheka wakapfava, iye waiva pamusoro pemvura yerwizi, paakabatira ruoko rwake rwerudyi neruoko rwake rweruboshwe kumatenga, ndokupika naiye anorarama nekusingaperi, kuti zvichavapo kwenguva yakatarwa, nguva dzakatarwa, nehafu, nepaanenge apedzisa kuputsanya simba revanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.

8 Zvino ndakanzwa, asi handina kunzwisisa. Ipapo ndakati: Ishe wangu, kuguma kwezvinhu izvi chii?

9 Iye ndokuti: Chienda, Dhaniyeri, nokuti mashoko awa akavharwa nekusimbiswa nechidhindo kusvika panguva yekupedzisira.

10 Vazhinji vachanatswa nekucheneswa nekuongororwa, asi vakaipa vachaita zvakaipa; zvino hapana wevakaipa achanzwisisa; asi vakachenjera vachanzwisisa.

11 Zvino kubva panguva iyo kwakabviswa chibairo chezuva nezuva, nechinyangadzo chinoparadza chichamiswa, zvichavapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe.

12 Wakaropafadzwa anomirira ndokusvika pamazuva churu nemazana matatu nemakumi matatu nemashanu.

13 Asi iwe, enda kusvika pakuguma; nokuti uchazorora, ndokumira pamugove wako pakupera kwemazuva.