ShonaTeam Daniel « 11 »

11Iniwo mugore rekutanga raDhariyasi muMedhiya, ndakasimuka kusimbisa nekumutsigira.

Hondo dzevaPerisia nevaGiriki

2 Ikozvinowo ndava kuzokuudza chokwadi. Tarira, kuchamira amwe madzimambo matatu paPerisia; uye wechina achawana upfumi uzhinji pane vose; uye paachava nesimba kubudikidza neufumi hwake achamutsa vose kupikisa umambo hweGirisi.

3 Zvino mambo ane simba achasimuka, uye achatonga nekutonga kukuru, nekuita zvinoenderana nechido chake.

4 Zvino paachasimuka, umambo hwake huchagurwa, uye huchaparadzanisirwa kumhepo ina dzekumatenga, uye kwete kuvana vake, uye zvisingaenderani nekutonga kwake kwaakatonga; nokuti umambo hwake huchadzurirwa vamwewo kunze kweava.

5 Zvino mambo wekuchamhembe achava nesimba, neumwe wemachinda ake; zvino iye achava nesimba kumupfuura, zvino achatonga; kutonga kwake kuchava kutonga kukuru.

6 Zvino pakupera kwemakore, vachabatana, nokuti mukunda wamambo wekuchamhembe achaenda kuna mambo wekumaodzanyemba kunoita dzakaenzaniswa; asi haangarambi akabata simba reruoko; uye haangamiri, kana ruoko rwake; asi mukunda achapiwa, nevakamuunza, newakamubereka, newakamusimbisa panguva idzi.

7 Asi kuchasimuka umwe kubva padavi remidzi yake pachinzvimbo chake; uye achauya nehondo, uye achapinda munhare dzamambo wekumaodzanyemba, uye achabata nekuvarwisa ndokukunda.

8 Navamwari vavo pamwe nemachinda avo pamwe nemidziyo yavo inokosha yesirivha neyegoridhe achatapira kuEgipita; iyewo achaenderera kweamwe makore kupfuura mambo wekumaodzanyemba.

9 Naizvozvo mambo wekuchamhembe achapinda paumambo ndokudzokera kunyika yake.

10 Asi vanakomana vake vachaenda kunorwa, uye vachaunganidza chaunga chevarwi vakuru. Zvino achauya zvirokwazvo, ndokufashamira, ndokupfuura, ipapo achadzoka ndokuenda kunorwa, kusvika kunhare yake.

11 Zvino mambo wekuchamhembe achatsamwa zvikuru, ndokubuda ndokurwa naye, namambo wekumaodzanyemba; iye achamutsa chaunga chikuru, asi chaunga ichi chichapiwa muruoko rwake.

12 Chaunga chichinge chabviswa, moyo wake uchazvikudza; uye achawisira pasi vane makumi ezvuru, asi haangavi nesimba.

13 Nokuti mambo wekumaodzanyemba achadzoka, zvino achamisa chaunga chakakura pane chekutanga, uye pakupera kwenguva dzemakore achasvika zvirokwazvo ane hondo huru nenhumbi zhinji.

14 Zvino panguva idzodzo kuchasimuka vazhinji kurwisa mambo wekuchamhembe; uye vane hasha vevanhu vako vachazvikudza kuti vasimbise chiratidzo, asi vachagumburwa.

15 Naizvozvo mambo wekumaodzanyemba achasvika, ndokututa murwi, ndokutapa guta rakashoshewa kwazvo; uye maoko ekuchamhembe haangamiri, nevanhu vake vakasarudzwa; uye hakungavi nesimba rekumira.

16 Asi uyo anouya kumurwisa achaita zvinoenderana nechido chake; uye hakuna angamira pamberi pake; uye achamira panyika yakaisvonaka, uye kuparadzwa kuchava muruoko rwake.

17 Zvino acharinzira chiso chake kupinda nesimba reumambo hwake hwose, nevakarurama vanaye, achaita saizvozvo; uye achamupa mukunda wemukadzi kuti amuparadze; asi haangamiri, haangavi wake.

18 Uye achatendeusira chiso chake kuzviwi, zvino achatora vazhinji; asi muchinda achagumisa kushoorwa kwake kwaari, kunze kwekuti achadzosera kushoorwa kwake kwaari.

19 Zvino acharinzira chiso chake kunhare dzenyika yekwake; asi achagumburwa ndokuwa, ndokusawanikwa.

20 Zvino pachinzvimbo chake pachasimuka umwe achaita kuti mukwiridzi wemutero apfuure pakubwinya kweumambo, asi mukati memazuva mashoma achaparadzwa, pasina kutsamwa kukuru, uye pasina hondo.

21 Zvino pachasimuka pachinzvimbo chake anoshoreka, wavasingazopi rukudzo rweumambo; asi achapinda parugare ndokutora umambo nemashoko ekubata kumeso.

22 Zvino maoko efashame vachayeredzwa kubva pamberi pake, uye vachagurwa, honguwo, muchinda wesungano.

23 Zvino pashure pekusungana naye achabata nekunyengera, nokuti achakwira ndokuva ane simba ane rudzi rudiki.

24 Parugare achapinda nepanzvimbo dzakaorera dzedunhu; zvino achaita madzibaba ake nemadzibaba emadzibaba ake zvaasina kumboita; achaparadzira pakati pavo zvakajimbiwa, nezvakapambiwa, nefuma. Zvino achanangisa mazano ake pamusoro pedzinhare, asi kusvika yava nguva.

25 Zvino achamutsa simba rake nemoyo wake kurwisa mambo wekuchamhembe nehondo huru. Zvino mambo wekuchamhembe achaenda kunorwa nehondo huru uye ine simba kwazvo-kwazvo; asi haangamiri, nokuti vacharonga mazano kumurwisa.

26 Hongu, vanodya mugove wake wekudya vachamuparadza, nehondo yake ichayeredza, uye vazhinji vachawa vaurawa.

27 Zvino moyo yemadzimambo awa maviri iri pane zvakaipa; uye vachataura nhema patafura imwe; asi hazvingabudiriri, nokuti kuguma kuchavapo panguva yakatarwa ichauya.

28 Zvino achadzokera kunyika yake nefuma zhinji; nemoyo wake uchapikisa sungano tsvene; zvino achaita ndokudzokera kunyika yake.

29 Panguva yakatarwa achadzokera, ndokuuya akananga kuchamhembe; asi hazvingavi sepakutanga kana sepakupedzisira.

30 Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kumurwisa; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka ndokutsamwa pamusoro pesungano tsvene, ndokuita ndokudzokera. Zvino achava nehanya nevakasiya sungano tsvene.

31 Zvino maoko achamira achibva kwaari, uye vachasvibisa nzvimbo tsvene, iyo nhare, uye vachabvisa chibairo chezuva nezuva, ndokumisa chinyangadzo chinoparadza.

32 Nevanoitira sungano zvakaipa achavasvibisa nemashoko ekubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachava vakasimba, uye vachaita.

33 Zvino vanonzwisisa pakati pevanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachawa nemunondo, uye nemurazvo wemoto, neutapwa, uye nekupambiwa, mazuva mazhinji.

34 Zvino pavanenge vachiwa, vachabatsirwa nerubatsiro rudiki; asi vazhinji vachanamatira kwavari nemashoko ekubata kumeso.

35 Asi vamwe pane vanonzwisisa vachawa, kuvaedza nekuvanatsa, nekuvachenesa, kusvika panguva yekupedzisira; nokuti pachava nenguva yakatarwa inouya.

36 Zvino mambo achaita zvinoenderana nechido chake, uye achazvikudza, nekuzviita mukuru kupfuura mwari umwe neumwe, uye achataura zvinhu zvinoshamisa kupikisa Mwari wavamwari, uye achabudirira kusvika kutsamwa kwapera; nokuti zvakatemwa zvichaitwa.

37 Zvino haangarangariri Mwari wemadzibaba ake, kana chishuvo chevakadzi; uye haangarangariri mwari upi neupi, nokuti achazvikudza kupfuura vose.

38 Asi pachinzvimbo chake achakudza mwari wenhare zhinji; uye mwari madzibaba ake waasina kuziva achamukudza negoridhe, uye nesirivha, uye nemabwe anokosha, uye nezvinhu zvinodikanwa.

39 Uye achaita panhare zhinji dzine simba namwari wevatorwa, waacharangarira achimuwedzera rumbidzo. Uye achaita kuti vatonge pamusoro pevazhinji, uye achagovera nyika nemutengo.

40 Zvino panguva yekupedzisira mambo wekuchamhembe achamusundidzira; uye mambo wekumaodzanyemba achauya kuzomurwisa sechamupupuri, ane ngoro nevatasvi vemabhiza nezvikepe zvizhinji. Zvino achapinda mudzinyika, uye achakukura ndokupfuura.

41 Achapindawo munyika yakaisvonaka; uye zhinji dzichawa; asi idzi dzichapukunyuka paruoko rwake: Edhomu, neMoabhu, neyakanakisisa yevana vaAmoni.

42 Achatandavadzirawo ruoko rwake pamusoro pedzinyika; uye nyika yeEgipita haingapukunyuki.

43 Asi achava nesimba pamusoro pefuma yakavanzwa yegoridhe neyesirivha, nepamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveEgipita; uye vaRibhia nevaItiyopiya vachava pamatsimba ake.

44 Asi mashoko anobva kumabvazuva nekumaodzanyemba achamuvhundusa; naizvozvo achabuda nehasha huru kunoparadza nekupedza chose vazhinji.

45 Zvino achadzika matende emuzinda wake pakati pemakungwa pagomo rakaisvonaka dzvene; zvakadaro achasvika pakuguma kwake, uye haangavi nemubatsiri.