ShonaTeam Daniel « 10 »

Chiratidzo chaDhaniyeri parwizi

10Mugore rechitatu raKoreshi mambo wePerisia, chinhu chakazarurirwa Dhaniyeri, wezita rake rainzi Bheriteshazari. Zvino chinhu ichi chaiva chokwadi, uye hondo yaiva huru. Zvino wakanzwisisa chinhu ichi, ndokuva nekunzwisisa muchiratidzo.

2 Mumazuva iwayo, ini Dhaniyeri, ndaiva ndichirira mavhiki matatu emazuva.

3 Handina kudya chingwa chinoshuvika, uye mumuromo mangu hamuna kuuya nyama kana waini, uye handina kuzora mafuta, kusvika mavhiki matatu emazuva azadziswa.

4 Zvino muzuva remakumi maviri nemana remwedzi wekutanga, pandaiva ndiri parutivi rwerwizi rukuru, irwo Hidhekeri;

5 ipapo ndakasimudzira maziso angu, ndokuona, zvino tarira, umwe murume akapfeka mucheka wakapfava, uye chiuno chake chakasungwa negoridhe rakaisvonaka reUfazi.

6 Muviri wakewo wakaita sebheriri, nechiso chake sekuonekwa kwemheni, nemaziso ake semwenje yemoto, nemaoko ake nemakumbo ake zvakaita seruvara rwendarira yakakweshwa, uye inzwi remashoko ake rakaita semutinhiro wechaunga.

7 Zvino ini Dhaniyeri ndoga ndakaona chiratidzo ichi, nokuti varume vaiva neni havana kuona chiratidzo, asi kudedera kukuru kwakawira pamusoro pavo, zvekuti vakatizira kunozvivanza.

8 Naizvozvo ndakasiiwa ndiri ndoga, ndokuona chiratidzo chikuru ichi, uye hakuna kusara simba mandiri; nokuti kunaka kwangu kwakashandurwa kuva kuipa mandiri, uye handina kusara nesimba.

9 Zvakadaro ndakanzwa inzwi remashoko ake; zvino pandakanzwa inzwi remashoko ake, ipapo ini ndakava muhope huru pachiso changu, nechiso changu chiri pasi.

10 Zvino tarira, ruoko rwakandibata, irwo rwakandimisa ndichizungunuka pamabvi angu nezvanza zvemaoko angu.

11 Zvino wakati kwandiri: Iwe Dhaniyeri, murume anodikanwa kwazvo, nzwisisa mashoko andinotaura kwauri, uye mira pakumira kwako, nokuti ikozvino ndatumwa kwauri. Zvino wakati ataura shoko iri kwandiri, ndakamira ndichidedera.

12 Ipapo wakati kwandiri: Usatya, Dhaniyeri, nokuti kubva pazuva rekutanga rawakapa moyo wako kukunzwisisa nekuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa, zvino ini ndauya nekuda kwemashoko ako.

13 Asi muchinda weushe hwePerisia wakandipikisa mazuva makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikayeri, umwe wemachinda makuru, wakauya kuzondibatsira, zvino ini ndakasiiwako pamwe nemadzimambo ePerisia.

14 Ikozvino ndauya kuzokuzivisa zvichawira vanhu vako pakupera kwemazuva; nokuti chiratidzo ndechemazuva achauya.

15 Zvino wakati ataura mashoko akadai kwandiri, ndakamisa chiso changu chakatarira pasi, zvino ndakava mbeveve.

16 Zvino tarira, wakaita semufananidzo wevanakomana vevanhu wakabata miromo yangu; ipapo ndakazarura muromo wangu ndokutaura, ndokuti kune waiva akamira pamberi pangu: Ishe wangu, nechiratidzo kusuruvara kukuru kwangu kwashandukira pamusoro pangu, zvino handina kusara nesimba.

17 Nokuti muranda waishe wangu uyu angagona kutaura sei naishe wangu uyu? Nokuti kana ndiri ini, pakarepo handina kuva nesimba mandiri, nekufema hakuna kusara mandiri.

18 Zvino iye ane kuonekwa sekwemunhu wakawedzera ndokundibata, zvino wakandisimbisa.

19 Ndokuti: Munhu anodikanwa kwazvo, usatya; rugare kwauri, simba, hongu, simba. Zvino achiri kutaura neni, ndakasimbiswa, ndokuti: Ishe wangu ngaataure, nokuti mandisimbisa.

20 Zvino wakati: Unoziva here kuti ndakauirei kwauri? Asi ikozvino ndichadzokera kunorwa nemuchinda wePerisia; uye pandinenge ndabuda, zvino tarira, muchinda weGirisi achauya.

21 Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; uye hakuna kana umwe anobata neni pazvinhu izvi, kunze kwaMikayeri muchinda wenyu.