ShonaTeam Daniel « 9 »

Munyengetero waDhaniyeri

9Mugore rekutanga raDhariyasi mwanakomana waAhasuwerusi, wembeu yevaMedhi, wakaitwa mambo pamusoro peumambo hwevaKaradhiya;

2 mugore rekutanga rekutonga kwake, ini Dhaniyeri ndakanzwisisa nemabhuku uwandu hwemakore, shoko raJehovha arakasvika nawo kuna Jeremiya muporofita, kuzadzisa makore makumi manomwe pakuparadzwa kweJerusarema.

3 Zvino ndakarinzira chiso changu kuna Ishe Mwari, kutsvaka nemunyengetero, nemikumbiro, nekutsanya, nesaga, nemadota.

4 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndokuita kureurura, ndokuti: Haiwa Ishe, Mwari mukuru uye anotyisa, anochengeta sungano nengoni kune vanomuda nekune vanochengeta mirairo yake.

5 Takatadza, uye takaita chisakarurama, uye takaita chakaipa, uye takamukira, nekutsauka kubva pazviga zvenyu nepamitongo yenyu.

6 Uye hatina kuteerera kuvaranda venyu vaporofita, ivo vakataura muzita renyu kumadzimambo edu, machinda edu, nemadzibaba edu, nekuvanhu vose vepanyika.

7 Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri kune kunyara kwezviso sepazuva rino, kuvanhu vekwaJudha, nekuvagari veJerusarema, nekuna Israeri wose, vari pedo nevari kure, munyika dzose kwamakavadzingira, nekuda kwechitadzo chavo chavakakutadzirai.

8 Jehovha, kunyara kwezviso kuri kwatiri, kumadzimambo edu, kumachinda edu, nekumadzibaba edu, nokuti takakutadzirai.

9 Kuna Ishe Mwari wedu kune ngoni zhinji nekanganwiro zhinji, kunyange takamumukira.

10 Uye hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu, kuti tifambe mumirairo yake yaakaisa pamberi pedu neruoko rwevaranda vake vaporofita.

11 Hongu, Israeri wose wakadarika murairo wenyu nekutsauka, kuti vasateerera inzwi renyu; naizvozvo kutukwa kwadururwa pamusoro pedu, nemhiko yakanyorwa mumurairo waMozisi muranda waMwari, nokuti takamutadzira.

12 Zvino wakasimbisa mashoko ake aakataura kurwisana nesu, nekurwisa vatongi vakatitonga, nekuuisa pamusoro pedu chakaipa chikuru, nokuti pasi pematenga ose hakuna kuitwa sezvakaitwa paJerusarema.

13 Sezvazvakanyorwa mumurairo waMozisi, chakaipa chose ichi chatiwira; asi hatina kutsvaka chiso chaJehovha Mwari wedu, kuti titsauke pauipi hwedu tigonzwisisa chokwadi chenyu.

14 Naizvozvo Jehovha wakarindira pamusoro pechakaipa, ndokuchiuisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu wakarurama pamabasa ake ose aanoita, nokuti hatina kuteerera inzwi rake.

15 Zvino ikozvino, imwi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva panyika yeEgipita neruoko rwune simba, uye makazviitira zita sepazuva rino; takatadza, takaita zvakaipa.

16 Haiwa Ishe, nekuda kwekururama kwenyu kose, ndinokunyengeterai, dai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvadzorwe paguta renyu reJerusarema, gomo renyu dzvene; nokuti nekuda kwezvivi zvedu, uye nekuda kwezvakaipa zvemadzibaba edu, Jerusarema nevanhu venyu chava chinyadzo kune vose vakatipoteredza.

17 Naizvozvo ikozvino, imwi Mwari wedu, inzwai munyengetero wemuranda wenyu, nemikumbiro yake, uye penyesai chiso chenyu pamusoro penzvimbo yenyu tsvene iyo yava dongo, nekuda kwaIshe.

18 Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; zarurai maziso enyu, zvino muone kuparara kwedu kukuru, uye guta rinodanwa nezita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nekuda kwekururama kwedu, asi nekuda kwengoni dzenyu huru.

19 Haiwa Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, uye itai; musanonoka, nekuda kwenyu, imwi Mwari wangu; nokuti guta renyu nevanhu venyu zvinodanwa nezita renyu.

Gabhirieri anodudzira zvemavhiki makumi manomwe

20 Zvino ndichiri kutaura, ndichinyengetera, nekurevurura chivi changu nechivi chevanhu vangu Israeri, nekusvitsa mukumbiro wangu pamberi paJehovha Mwari wangu, pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu;

21 hongu, ndichiri kutaura mumunyengetero, iye uya murume Gabhirieri wandaiva ndaona muchiratidzo pakutanga, achibhururuswa nekukurumidza, wakandibata panguva inenge yechipo chemadekwani.

22 Zvino wakandizivisa ndokutaura neni, ndokuti: Dhaniyeri, ikozvino ndabuda kukupa umhare nekunzwisisa.

23 Pakutanga kwemikumbiro yako shoko rabuda, zvino ini ndauya kuzokuzivisa, nokuti unodikanwa kwazvo. Naizvozvo nzwisisa nyaya iyi, urangarire chiratidzo.

24 Mavhiki makumi manomwe akatemwa pamusoro pevanhu vako nepamusoro peguta rako dzvene, kupedza chitadzo nekugumisa chivi, uye kuita yanano pamusoro peuipi, nekupinza kururama kwekusingaperi, nekusimbisa chiratidzo nechiporofita, nekuzodza chitsvene chezvitsvene.

25 Naizvozvo ziva unzwisise, kuti kubva pakubuda kwemurairo wekuvandudza nekuvaka Jerusarema kusvika kuna Mesiasi Muchinda, mavhiki manomwe, nemavhiki makumi matanhatu nemaviri. Migwagwa yemuguta nemigero ichavakwazve, asi nekutambudzika kwenguva zhinji.

26 Zvino shure kwemavhiki makumi matanhatu nemaviri Mesiasi achagurwa, asi zvisingaitirwi iye; uye vanhu vemuchinda achauya vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; uye mugumo waro uchava nemafashame, uye kusvika pakuguma kwehondo kuparara kukuru kwakatemwa.

27 Zvino achasimbisa sungano nevazhinji kwevhiki imwe chete; uye pakati pevhiki achagumisa chibairo nechipo; uye pamusoro pebapiro rezvinyangadzo pachava nemuparadzi, iko kusvika pakuguma, nezvakatarwa, zvichadururirwa pamusoro pedongo.