ShonaTeam Daniel « 8 »

Chiratidzo chegondohwe nenhongo

8Mugore rechitatu rekutonga kwamambo Bherishazari kwakaonekwa chiratidzo kwandiri, ini Dhaniyeri, shure kwechakaonekwa kwandiri pakutanga.

2 Zvino ndakaona muchiratidzo, uye zvakaitika, pandakaona, kuti ndaiva muShushani muzinda uri mudunhu reErami; uye ndakaona muchiratidzo, zvino ndaiva parwizi Urai.

3 Zvino ndakasimudza meso angu ndokuona, zvino tarira, kwakamira pamberi perwizi gondohwe, raiva nenyanga mbiri; uye nyanga mbiri dzaiva dzakakwirira, asi imwe yaiva yakakwirira kupfuura imwe, uye yakakwirira yakakwira pashure.

4 Ndakaona gondohwe richitunga kumavirazuva, nekumaodzanyemba, nekuchamhembe, zvekuti kwaiva kusina mhuka ipi neipi yaimira pamberi paro, uye paiva pasina anganunura kubva muruoko rwaro; asi rakaita zvinoenderana nechido charo, rikazvikudza.

5 Zvino ndakati ndichafunga, tarira, nhongo yembudzi yakabva kumavirazuva pamusoro pechiso chepasi pose, ndokusagunzva pasi; uye nhongo iyi yaiva nenyanga yaionekwa pakati pemaziso ayo.

6 Zvino yakasvika kugondohwe raiva nenyanga mbiri, randaiva ndaona rakamira pamberi perwizi; ndokumhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo.

7 Zvino ndakaiona ichiswedera kugondohwe, zvino yakaritsamwira kwazvo, ndokurova gondohwe, ndokuvhuna nyanga dzaro mbiri; uye kwaiva kusina simba mugondohwe kuti rimirisane nayo; asi yakariwisira pasi pavhu ndokuritsika-tsika; uye paiva pasina anganunura gondohwe kubva muruoko rwayo.

8 Naizvozvo nhongo yembudzi yakazvikudza kwazvo-kwazvo; ndokuti yava nesimba, nyanga huru yakavhunika; zvino panzvimbo yayo pakabuda ina dzinoonekwa dzakatarira kumhepo ina dzekumatenga.

9 Zvino kubva mune imwe yadzo kwakabuda nyanga diki, yakazvikudza kwazvo, yakatarira kuchamhembe, nekutarira kumavirazuva, nekutarira kunyika yakanaka.

10 Zvino yakakura kusvika kuhondo yekumatenga; zvino yakawisira pasi dzimwe dzehondo nedzenyeredzi, ndokudzitsika-tsika.

11 Hongu, yakazvikudza kusvika kumuchinda wehondo; uye chibairo chinoenderera chakabviswa kubva kwaari, nenzvimbo yake tsvene yakaputsirwa pasi.

12 Zvino kwakapiwa hondo kurwisa chibairo chinoenderera nechikonzero chechitadzo, ndokuwisira chokwadi pasi, ndokuita, ndokubudirira.

13 Zvino ndakanzwa umwe mutsvene achitaura; umwe mutsvene ndokuti kune umwe waitaura: Kusvika rinhi chiratidzo chiripo chechibairo chinoenderera, nechitadzo chekuparadza, kupa zvose nzvimbo tsvene nehondo kuti zvitsikwe-tsikwe?

14 Zvino wakati kwandiri: Kusvika madekwani nemakuseni ane zvuru zviviri nemazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.

15 Zvino zvakaitika, ini Dhaniyeri pandakaona chiratidzo, ndokutsvaka kunzwisisa; zvino tarira, kwakamira pamberi pangu wakaita sekuonekwa kwemurume.

16 Zvino ndakanzwa inzwi remunhu pakati peUrai, rakadana ndokuti: Gabhirieri, ita kuti munhu uyu anzwisise chiratidzo.

17 Zvino wakauya pedo nepandaiva ndimire, uye pakusvika kwake ndakatya ndokuwa nechiso changu; asi wakati kwandiri: Nzwisisa, iwe mwanakomana wemunhu, nokuti chiratidzo ndechenguva yekupedzisira.

18 Zvino pakutaura kwake neni, ndaiva ndakarara hope huru nechiso changu pasi; asi wakandibata ndokundiita ndimire pakumira kwangu.

19 Zvino wakati: Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo pakupedzisira kwekutsamwa, nokuti panguva yakatarwa kuguma kuchavapo.

20 Gondohwe rawaona rine nyanga mbiri ndiwo madzimambo evaMedhiya nevaPerisia.

21 Uye nhongo ine mvere ndimambo weGirisi; uye nyanga huru iri pakati pemeso ayo ndimambo wekutanga.

22 Kana iri yakavhunika, ina dzakamuka panzvimbo yayo, umambo una huchasimuka kubva kurudzi, asi kwete nesimba rayo.

23 Zvino pakupedzisira kweumambo hwavo, vatadzi pavanenge vazara, kuchasimuka mambo wechiso chinotyisa uye anonzwisisa mashoko anorema.

24 Zvino simba rayo richagwinya, asi kwete nesimba rayo; asi achaparadza zvinoshamisa, uye achabudirira nekuita, uye achaparadza vane simba nerudzi rwevatsvene.

25 Zvino kubudikidza neunyengeri hwakewo achabudiririsa ukiribidi muruoko rwake, uye achazvikudza mumoyo make, uye achaparadza vazhinji murunyararo, achamirisanawo nemuchinda wemachinda, asi achavhuniwa pasina ruoko.

26 Zvino chiratidzo chemadekwani nechemangwanani chakataurwa ichokwadi; asi iwe vharira chiratidzo, nokuti ndechemazuva mazhinji.

27 Zvino ini Dhaniyeri ndakapera simba, uye ndakarwara mazuva; pashure ndakasimuka ndokuita basa ramambo, uye ndakashamiswa zvikuru nechiratidzo, asi hakuna wakanzwisisa.