ShonaTeam Daniel « 7 »

Dhaniyeri anorota zvezvikara zvina

7Mugore rekutanga raBherishazari mambo weBhabhironi, Dhaniyeri wakaona chiroto nezviratidzo zvemusoro wake pamubhedha wake. Ipapo wakanyora chiroto, wakareva dingindira redzinyaya.

2 Dhaniyeri wakapindura ndokuti: Ndakaona muchiratidzo changu pausiku, zvino tarira, mhepo ina dzematenga dzichiputikira kugungwa guru.

3 Uye zvikara zvina zvakakura zvakakwira kubva mugungwa, zvakasiyana chimwe nechimwe.

4 Chekutanga chaiva chakaita seshumba, uye chaiva nemapapiro egondo. Ndakatarira kusvika mapapiro acho adzurwa; zvino chikasimudzwa kubva pasi, ndokumiswa nemakumbo semunhu. Moyo wemunhu ndokupiwa kwachiri.

5 Zvino tarira, chimwe chikara, chechipiri, chakaita sebheya, chakazvimisa nerutivi rwumwe, chine mbabvu nhatu mumuromo macho pakati pemazino acho. Zvino vakareva seizvi kwachiri: Simuka, udye nyama zhinji.

6 Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira chimwe, seingwe; uye yaiva nemapapiro mana eshiri pamusana payo; chikara chaivawo nemisoro mina; utongi ndokupiwa kwachiri.

7 Shure kweizvi ndakaona muzviratidzo zveusiku, zvino tarira, chikara chechina, chinotyisa uye chinovhundusa uye chakasimba kwazvo. Zvino chaiva nemazino makuru edare; chakapedza, ndokuguranya, ndokutsika-tsika zvakasara netsoka dzacho. Zvino chaiva chakasiyana nezvikara zvose zvakachitangira; uye chaiva nenyanga gumi.

8 Ndikacherekedza nyanga, zvino tarira, kwakakwira pakati padzo imwe nyanga diki, nhatu dzenyanga dzekutanga dzakadzurwa nemumidzi pamberi parwo; zvino tarira, panyanga iyi paiva nemaziso semaziso emunhu, nemuromo uchitaura zvinhu zvikuru.

9 Ndakatarira kusvika zvigaro zveushe zvagadzwa. Zvino kwakagara Mukuru wemazuva, zvipfeko zvake zvaiva zvakachena semagada echando, nevhudzi remusoro wake rakaita semakushe emakwai akanatswa; chigaro chake cheushe chiri mirazvo yemoto, mavhiri acho ari moto unopfuta.

10 Rukova rwemoto rwaiyerera rwuchibuda kubva pamberi pake; churu chezvuru chakachishumira; uye vane zvuru gumi vakapetwa kane zvuru gumi vakamira pamberi pake; mutongo wakagara, mabhuku ndokuzarurwa.

11 Ipapo ndakatarira nekuda kweinzwi remashoko makuru nyanga ayakataura; ndakatarira kusvika chikara chaurawa, nemuviri wacho waparadzwa, ndokupiwa kumoto unopfuta.

12 Maererano nezvikara zvakasara, vakabvisa umambo hwazvo, zvakadaro kurebeswa kweupenyu kunopiwa kwazviri kusvika nhambo nenguva.

13 Ndakaona muzviratidzo zveusiku, zvino tarira, wakaita seMwanakomana wemunhu achiuya nemakore ekumatenga, uye wakauya kuMukuru wemazuva. Zvino vakamuswededza pamberi pake.

14 Zvino kwakapiwa kwaari utongi nekubwinya neumambo, zvekuti vanhu vose, marudzi, nendimi zvimushumire. Utongi hwake utongi hwekusingaperi, husingazopfuuri; neumambo hwake ndihwo husingazoparadzwi.

15 Ini Dhaniyeri, mweya wangu wakatambudzika mukati memuviri wangu, uye zviratidzo zvemusoro wangu zvakandivhundusa.

16 Ndakaswedera kune umwe wevaiva vakamirapo, ndokumubvunza chokwadi chezvose izvi. Zvino wakandiudza, ndokundizivisa dudziro yezvinhu.

17 Zvikara izvi zvikuru, zviri zvina, madzimambo mana achasimuka kubva panyika.

18 Asi vatsvene veWekumusoro-soro vachagamuchira umambo, uye vachava neumambo nekusingaperi kusvikawo rinhi narinhi.

19 Ipapo ndakada kuziva chokwadi chechikara chechina chaiva chakasiyana nezvose zvazvo, chaityisa kwazvo, mazino acho aiva utare, nenzara dzacho dzendarira; chakapedza, chakaguranya, nekutsika-tsika zvakasara nemakumbo acho.

20 Uye pamusoro penyanga gumi dzaiva pamusoro pacho, neimwe yakakwira, uye pamberi pacho zvitatu pazvakawa, iyo nyanga yaiva nemeso, nemuromo wakataura zvinhu zvikuru, kuonekwa kwacho kwaiva kwakakura kupfuura dzimwe dzayo.

21 Ndakaona, nyanga iyoyo yakaita hondo nevatsvene, ndokuvakunda;

22 kusvika kwasvika Mukuru wemazuva, mutongo ndokupiwa kuvatsvene veWekumusoro-soro, nguva ndokusvika apo vatsvene vakava neumambo.

23 Wakareva seizvi: Chikara chechina chichava umambo hwechina pamusoro penyika, huchava hwakasiyana neumambo hwose; uye huchapedza nyika yose, uye huchahutsikira pasi ndokuhuguranya.

24 Maererano nenyanga gumi kubva muumambo uhu, madzimambo gumi achasimuka; neumwe achasimuka pashure pawo, uye iwo achava akasiyana neekutanga; zvino achaninipisa madzimambo matatu.

25 Zvino achataura mashoko kurwisana neWekumusoro-soro, uye achatambudza vatsvene veWekumusoro-soro, nekufunga kushandura dzinguva nemurairo, zvino vachapiwa muruoko rwake kusvika panguva, nedzinguva, nechikamu chenguva.

26 Asi mutongo uchagara, uye vachabvisa utongi hwake kuti vaparadze vapedze kusvika pakuguma.

27 Zvino umambo neutongi neukuru hweumambo pasi pematenga ose zvichapiwa kuvanhu vevatsvene veWekumusoro-soro; umambo uzhinji hwake huri umambo hwekusingaperi, uye utongi ukuru hwose huchashumira nekumuteerera.

28 Kusvika pano ndiwo mugumo wenyaya. Ini Dhaniyeri, mirangariro yangu yakandivhundusa kwazvo, nechiso changu chakashanduka mandiri, asi ndakachengeta nyaya iyi mumoyo mangu.