ShonaTeam Daniel « 6 »

Dhaniyeri mugomba reshumba

6Zvakava zvakanaka kuna Dhariyasi kuisa pamusoro peumambo machinda zana nemakumi maviri, vaiva paushe hwose.

2 Zvino pamusoro pavo wakagadza vakuru vatatu, Dhaniyeri ari wekutanga wavo; kuti machinda arondedzere kwavari, mambo agosava nekukanganiswa.

3 Ipapo Dhaniyeri uyu wakapfuura vakuru ava nemachinda, nokuti mweya unokosha waiva maari; mambo ndokufunga kumuisa pamusoro peumambo hwose.

4 Ipapo vakuru nemachinda vakatsvaka kuwana mukana kurwisa Dhaniyeri pamusoro peumambo, asi havana kugona kuwana mukana upi kana chipomerwa, sezvaaiva akatendeka, uye hapana chitadzo chipi kana chipomerwa zvakawanikwa kwaari.

5 Ipapo varume ava vakati: Hatingawani mukana upi pamusoro paDhaniyeri uyu, kunze kwekuti tauwana pamusoro pemurairo waMwari wake.

6 Ipapo vakuru ava nemachinda vakaungana pamwe kuna mambo ndokutaura seizvi kwaari: Mambo Dhariyasi, raramai nekusingaperi.

7 Vakuru vose veumambo, makurukota, nemachinda, nevapi vemazano, nevatungamiriri, vakapana zano kumisa murairo wamambo, nekuita chimiso chakasimba, kuti ani nani achakumbira mukumbiro kuna mwari upi neupi kana munhu kwemazuva makumi matatu, kunze kwenyu, imwi mambo, ngaakandirwe mugomba reshumba.

8 Ikozvino, mambo, simbisai chirevo, mudhinde chinyorwa, kuti chisashandurwa, zvichienderana nemurairo wevaMedhi nevaPerisia, usingapfuuri.

9 Naizvozvo mambo Dhariyasi vakadhinda chinyorwa nechirevo.

10 Zvino Dhaniyeri paakaziva kuti chinyorwa chadhindwa, wakapinda mumba make. Zvino mahwindo ake aiva akazarurwa mukamuri rake rakatarisa kuJerusarema. Wakafugama pamambvi ake katatu pazuva ndokunyengetera, ndokupa kuvonga pamberi paMwari wake sezvaaita pasati pava neizvi.

11 Ipapo varume avo vakaungana pamwe ndokuwana Dhaniyeri achinyengetera nekuita mukumbiro pamberi paMwari wake.

12 Ipapo vakaswedera, ndokutaura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo vachiti: Hamuna kudhinda pachirevo kuti ani nani anokumbira kuna mwari upi neupi kana munhu pamazuva makumi matatu kunze kwenyu, imwi mambo, achakandirwa mugomba reshumba here? Mambo wakapindura ndokuti: Chinhu ichi ichokwadi, zvichienderana nemurairo wevaMedhi nevaPerisia, usingapfuuri.

13 Ipapo vakapindura ndokuti pamberi pamambo: Dhaniyeri wevana veutapwa hwaJudha haana hanya nemwi, mambo, kana nechirevo chamakadhinda, asi anonyengetera mukumbiro wake katatu pazuva.

14 Ipapo mambo paanzwa shoko iri, wakazvitsamwira kwazvo, ndokuisa moyo kuna Dhaniyeri kuti amununure, zvino akarwisa kusvika pakuvira kwezuva kumuponesa.

15 Ipapo varume ava vakaungana pamwe kuna mambo ndokuti kuna mambo: Zivai imwi mambo, kuti murairo wevaMedhi nevaPerisia unoti: Hakuna chirevo chipi nechipi kana murairo mambo waakamisa unoshandurwa.

16 Ipapo mambo wakaraira; zvino vakauya naDhaniyeri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo wakataura ndokuti kuna Dhaniyeri: Mwari wako waunosishumira nguva dzose, dai iye akununura.

17 Zvino kwakauiswa ibwe ndokuiswa pamusoro pemuromo wegomba; mambo ndokurisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chemachinda ake; kuti pasashandurwa chinhu pamusoro paDhaniyeri.

18 Ipapo mambo wakaenda kumuzinda wake, ndokupedza usiku achitsanya; nemidziyo yemimhanzi haina kuunzwa pamberi pake; hope dzake ndokutiza kwaari.

19 Ipapo mambo wakamuka mangwanani-ngwanani ndokuenda nekukurumidza kugomba reshumba.

20 Zvino pakuswedera kwake pagomba kuna Dhaniyeri, wakadanidzira nenzwi remariro; mambo ndokupindura ndokuti kuna Dhaniyeri: Dhaniyeri, muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose ane simba rekukununura pashumba here?

21 Ipapo Dhaniyeri wakati kuna mambo: Imwi mambo, raramai nekusingaperi.

22 Mwari wangu wakatuma mutumwa wake, uye wakadzivira muromo wedzishumba, zvino hadzina kundikuvadza; nokuti pamberi pake kuchena kwakawanikwa kwandiri; nepamberi penyuwo, imwi mambo, handina kuita chakaipa.

23 Ipapo mambo wakafara zvikuru nekuda kwake, zvino akaraira kuti vakwidze Dhaniyeri kubva mugomba. Naizvozvo Dhaniyeri wakakwidzwa kubva mugomba, uye hakuna kuwanikwa kukuvara kupi nekupi paari, nokuti waitenda kuna Mwari wake.

24 Zvino mambo wakaraira; ivo ndokuunza varume vaya vaiva vapomera Dhaniyeri, vakavakanda mugomba reshumba, ivo, vana vavo, nevakadzi vavo; zvino vasati vasvika pasi mugomba, shumba ndokutonga pamusoro pavo, ndokuvhunyana mapfupa avo ose.

25 Ipapo mambo Dhariyasi wakanyorera vanhu vose, marudzi, nendimi, vagere pasi pose, ndokuti: Rugare rwenyu ngarwuwanzwe.

26 Chirevo chinoitwa kubva kwandiri, kuti paushe hupi nehupi muumambo hwangu, vadedere nekutya pamberi paMwari waDhaniyeri; nokuti ndiMwari mupenyu, aripo nekusingaperi, uye umambo hwake husingazoparadzwi, neutongi hwake huchavapo kusvika pakuguma.

27 Anonunura uye anosunungura, uye anoita zviratidzo nezvishamiso kumatenga nepanyika; iye wakanunura Dhaniyeri pasimba reshumba.

28 Saizvozvi Dhaniyeri uyu wakabudirira paumambo hwaDhariyasi, nepaushe hwaKoreshi muPerisia.