ShonaTeam Daniel « 5 »

Ruoko rwunonyora pamadziro

5Bherishazari mambo wakaitira madzishe ake ane churu mabiko makuru, ndokunwa waini pamberi pevane churu.

2 Bherishazari achiri kuravira waini, wakaraira kuti vaunze midziyo yegoridhe neyesirivha baba vake Nebhukadhinezari yavaiva vatora kubva mutembere yaiva muJerusarema, kuti mambo, nemachinda ake, vakadzi vake, nevarongo vake vagonwiramo.

3 Ipapo vakaunza midziyo yegoridhe yaiva yatorwa kubva mutembere yeimba yaMwari yaiva muJerusarema. Uye mambo, nemachinda ake, vakadzi vake, nevarongo vake vakanwira mairi.

4 Vakanwa waini ndokurumbidza vamwari vegoridhe, nevesirivha, vendarira, vedare, vematanda, nevemabwe.

5 Panguva iyoyo kwakauya minwe yeruoko rwemunhu ndokunyora pakatarisana nechigadziko chemwenje pamusoro pepakadzudzurwa pechidziro chemuzinda wamambo; mambo ndokuona chanza cheruoko rwainyora.

6 Ipapo chiso chamambo chakashanduka, mirangariro yake ndokumutambudza, zvekuti mafundo echiuno chake akasununguka, mabvi ake ndokurovana.

7 Mambo wakadanidzira nesimba kuti kuunzwe n'anga, vaKaradhiya, nevafemberi. Mambo wakapindura ndokuti kuvachenjeri veBhabhironi: Ani nani achaverenga chinyorwa ichi, nekundizivisa dudziro yacho, achapfekedzwa zvitsvuku, neruketani rwegoridhe pamutsipa wake, uye achava mutongi wechitatu paumambo hwangu.

8 Ipapo kwakapinda vachenjeri vose vamambo, asi vaiva vasingagoni kuverenga chinyorwa kana kuzivisa mambo dudziro yacho.

9 Ipapo mambo Bherishazari wakatambudzika kwazvo, chiso chake ndokushanduka maari, nemadzishe ake akakanganiswa.

10 Nekuda kwemashoko amambo nemachinda avo vahosi vakauya kuimba yemabiko; vahosi ndokupindura ndokuti: Mambo, raramai nekusingaperi; mirangariro yenyu ngairege kukutambudzai, uye chiso chenyu ngachirege kushanduka.

11 Kune murume muumambo hwenyu maari mune mweya wevamwari vatsvene. Nokuti pamazuva ababa venyu chiedza, nekunzwisisa, neuchenjeri, seuchenjeri hwevamwari, zvakawanikwa maari; uye mambo Nebhukadhinezari baba venyu vakamuita ishe wevemasaramusi, n'anga, vaKaradhiya, nevafemberi; baba venyu, mambo.

12 Nokuti mweya wakanakisisa, neruzivo, nekunzwisisa, dudziro yezviroto, nekuzivisa zvirevo zvinorema, nekusunungura mafundo zvakawanikwa maari, muna Dhaniyeri, mambo waakatumidza Bherishazari. Ikozvino Dhaniyeri ngaadanwe; iye achazivisa dudziro.

13 Ipapo Dhaniyeri wakaunzwa pamberi pamambo. Mambo wakapindura ndokuti kuna Dhaniyeri: Ndiwe uya Dhaniyeri uri wevakatapwa vekwaJudha avo mambo baba vangu vavakaunza kubva kwaJudha here?

14 Ndakanzwawo nezvako kuti mweya wevamwari uri mauri, uye kuti chiedza, nekunzwisisa, neuchenjeri hwakanakisisa zvakawanikwa mauri.

15 Zvino ikozvino vachenjeri nen'anga vaunzwa pamberi pangu kuti vaverenge chinyorwa ichi, nekuzivisa kwandiri dudziro yacho; asi havana kugona kuzivisa dudziro yechinhu ichi.

16 Asi ini ndakanzwa nezvako kuti iwe unogona kuita dudziro zhinji nekusunungura mafundo; zvino kana ukagona kuverenga chinyorwa, nekundizivisa dudziro yacho, uchapfekedzwa zvitsvuku, neruketani rwegoridhe pamutsipa wako, uye uve mutongi wetatu paumambo.

17 Ipapo Dhaniyeri wakapindura ndokuti pamberi pamambo: Zvipo zvenyu ngazvive zvenyu, uye ipai mibairo yenyu kune umwe; zvakadaro ndichaverenga chinyorwa kuna mambo, nekuzivisa dudziro kwaari.

18 Imwi mambo, Mwari Wekumusoro-soro wakapa baba venyu Nebhukadhinezari umambo, neukuru, nekubwinya, nerukudzo.

19 Zvino nekuda kweukuru hwaakavapa, vanhu vose, marudzi, nendimi, zvakadedera nekutya pamberi pavo; ivo vakauraya wavaida, uye vachirega ari mupenyu wavaida, uye vaikwiridzira wavaida, uye vaideredza wavaida.

20 Asi moyo wavo pawakazvida, nemoyo wavo ukaomeswa pakuzvikudza, vakaderedzwa kubva pachigaro cheushe cheumambo hwavo, zvino vakatora rukudzo rwavo kubva kwavari.

21 Zvino vakadzingwa kubva kuvanakomana vevanhu, nemoyo wavo ukaitwa semhuka, uye ugaro hwavo hwakava pamwe nembizi, vakavadyisa uswa senzombe, nemuviri wavo wakanyoroveswa nedova rekumatenga, kusvika vaziva kuti Mwari Wekumusoro-soro anotonga paumambo hwevanhu, uye anogadza pamusoro pahwo ani nani waanoda.

22 Zvino imwi Bherishazari mwanakomana wavo, hamuna kuninipisa moyo wenyu, kunyange maiziva zvose izvi.

23 Asi makazvikudza muchipokana naIshe wekumatenga, uye vakaunza midziyo yeimba yake pamberi penyu; zvino imwi, nemachinda enyu, vakadzi venyu, nevarongo venyu, makanwa waini mairi; uye makarumbidza vamwari vesirivha, negoridhe, ndarira, dare, matanda, nemabwe, vasingaoni, uye vasinganzwi, uye vasingazivi; asi Mwari uyo mweya wenyu uri muruoko rwake, uye nzira dzenyu dzose dziri dzake, hamuna kumurumbidza.

24 Ipapo chanza cheruoko chakatumwa kubva kwaari, chinyorwa ichi ndokunyorwa.

25 Zvino hechi chinyorwa chakanyorwa: MENE, MENE, TEKERE, UFARISINI.

26 Heyi dudziro yechinhu ichi: MENE: Mwari wakaverenga umambo hwako akahupedza.

27 TEKERE: Wakayerwa pazviyero ndokuwanikwa uchitayira.

28 PERESI: Umambo hwako hwakamurwa ndokupihwa kuvaMedhi nevaPerisia.

29 Ipapo Bherishazari wakaraira, zvino vakapfekedza Dhaniyeri zvitsvuku, neruketani rwegoridhe pamutsipa wake, ndokuita mharidzo pamusoro pake, kuti ave mutongi wechitatu paumambo.

30 Pausiku uhwo Bherishazari mambo muKaradhiya wakaurawa.

31 Dhariyasi muMedhiya ndokugamuchira umambo, waiva nemakore anenge makumi matanhatu nemaviri.