ShonaTeam Daniel « 4 »

Nebhukadhinezari anorota zvekurwara pfungwa kwake

4Nebhukadhinezari mambo, kuvanhu vose, marudzi, nendimi, vagere pasi pose: Rugare rwupamhidzirwe kwamuri!

2 Zvanga zvakanaka kwandiri kuzivisa zviratidzo nezvishamiso Mwari Wekumusoro-soro zvaakaita kwandiri.

3 Zviratidzo zvake zvakakura sei! Uye zvine simba sei zvishamiso zvake! Ushe hwake ushe husingaperi, uye kutonga kwake ndekwerudzi nerudzi.

4 Ini Nebhukadhinezari ndaiva ndakatambara mumba mangu, uye ndakajeka mumuzinda wangu.

5 Ndakaona chiroto chakandityisa; mirangariro pamubhedha wangu nezviratidzo zvemusoro wangu ndokunditambudza.

6 Naizvozvo chirevo chakaitwa neni kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauiswe pamberi pangu, kuti vazivise kwandiri kududzirwa kwechiroto.

7 Ipapo kwakapinda vemasaramusi, n'anga, vaKaradhiya, nevafemberi; uye ndikataura chiroto pamberi pavo, asi havana kuzivisa kwandiri dudziro yacho.

8 Asi pakupedzisira Dhaniyeri wakapinda pamberi pangu, zita rake rinova Bheriteshazari, zvichienderana nezita ramwari wangu, uye ane mweya wevamwari vatsvene maari. Zvino pamberi pake ndakareva chiroto ndichiti:

9 Iwe Bheriteshazari, mukuru wevemasaramusi, nokuti ndinoziva kuti mweya wevamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chipi nechipi chinokutambudza, ndiudze zviratidzo zvechiroto changu chandakaona nedudziro yacho.

10 Zvaiva zvakadaro zviratidzo zvemusoro wangu pamubhedha wangu: Ndakaona, zvino tarira, muti pakati penyika, uye kureba kwawo kuri kukuru.

11 Muti wakakura ndokuva wakasimba, nekureba kwawo kwakasvika kumatenga, nekuonekwa kwawo kumugumo wenyika yose.

12 Mashizha awo aiva akanaka, nechibereko chawo chaiva chakawanda, uye mauri maiva nekudya kwevose; mhuka dzesango dzakava nemumvuri pasi pawo; neshiri dzekumatenga dzakagara pamatavi awo; nyama yose ndokuriritirwa pauri.

13 Ndikaona pazviratidzo zvemusoro wangu pamubhedha wangu; uye tarira, murindi, iye mutsvene achiburuka kubva kumatenga.

14 Wakadanidzira kwazvo ndokureva seizvi: Temai muti, uye gurai matavi awo, zuzai mashizha awo, uye paradzirai chibereko chawo, mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri kubva pamatavi awo.

15 Zvakadaro siyai chitsiga chemidzi yawo muvhu, uye nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; uye ngazvinyoroveswe nedova rekumatenga; nemugove wake ngauve pamwe nemhuka muuswa hwenyika.

16 Moyo wake ngaushandurwe kubva kune wemunhu, uye moyo wemhuka ngaupiwe kwaari, uye nguva nomwe ngadzipfuure pamusoro pake.

17 Nyaya iyi muchirevo chevarindi, nechinodikanwa mushoko revatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wekumusoro-soro anotonga paushe hwevanhu, nekuhupa kuna ani nani waanoda, nekuisa pamusoro paho wepasisa pakati pevanhu.

18 Chiroto ichi ndakachiona ini mambo Nebhukadhinezari. Zvino iwe Bheteshazari, reva dudziro yacho, vakachenjera vose veumambo hwangu zvavasingagoni kuzivisa kwandiri dudziro; asi iwe unogona, nokuti mweya wevamwari vatsvene uri mauri.

19 Ipapo Dhaniyeri, zita rake raiva Bheriteshazari, wakashamisika kwazvo kweawa rimwe, uye mirangariro yake yakamutambudza. Mambo wakataura ndokuti: Bheriteshazari, chiroto nedudziro yacho ngazvirege kukutambudza. Bheriteshazari wakapindura ndokuti: Ishe wangu, chiroto ngachive kune vanokuvengai, nedudziro yacho kuvavengi venyu.

20 Muti wamaona, iwo wakakura ukava wakasimba, uye kureba kwawo kwakasvika kumatenga, uye kuonekwa kwawo kunyika yose,

21 nemashizha awo akanaka, nechibereko chawo chakawanda, uye mauri mune kudya kwevose, uye pasi pawo mhuka dzesango padzakagara, uye pamatavi awo shiri dzekumatenga padzakava neugaro hwadzo,

22 ndiwo imwi mambo, imwi makakura mukava nesimba, nokuti ukuru hwenyu hwakakura, uye hunosvika kumatenga, uye ushe hwenyu kumugumo wenyika.

23 Zvino mambo zvaakaona murindi, uye mutsvene, achiburuka kubva kumatenga achiti: Temai muti muuparadze, asi musiye chitsiga chemidzi yawo muvhu, uye nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, uye ngachinyoroveswe nedova rekumatenga, uye mugove wake ngauve pamwe nemhuka dzesango, kusvika kwapfuura nguva nomwe pamusoro pake:

24 Heyi dudziro, mambo, uye hechi chirevo cheWekumusoro-soro, chinouya pamusoro paishe wangu mambo.

25 Kuti vachakudzingai kubva kuvanhu, uye ugaro hwenyu huchava pamwe nemhuka dzesango, uye vachakudyisai uswa senzombe, uye vachakunyorovesai nedova rekumatenga, uye nguva nomwe dzichapfuura pamusoro penyu, kusvika maziva kuti Wekumusoro-soro anotonga paumambo hwevanhu, uye anohupa waanoda.

26 Uye zvavakaraira kuti vasiye chitsiga chemidzi yemuti, umambo hwenyu huchasimba kwamuri, shure kwekunge maziva kuti matenga anotonga.

27 Naizvozvo imwi mambo, zano rangu ngarigamuchirike kwamuri, uye bvarurai zvivi zvenyu nekururama, uye zvitadzo zvenyu nekuva netsitsi kuvarombo, zvimwe kungava nekurebeswa kwerugare rwenyu.

28 Zvose izvi zvakaitika kuna mambo Nebhukadhinezari.

29 Pakupera kwemwedzi gumi nemiviri, waifamba-famba pamusoro pemuzinda weumambo hweBhabhironi.

30 Mambo wakapindura ndokuti: Harisi Bhabhironi guru ini randakavaka kuva imba yeumambo nesimba reukuru hwangu, uye nereukudzo rweushe hwangu here?

31 Shoko iri richiri mumuromo wamambo, kwakawa inzwi kubva kumatenga richiti: Iwe mambo Nebhukadhinezari, kunotaurwa kwauri kuti: Ushe hwabva kwauri.

32 Zvino vachakudzinga kubva kuvanhu, uye ugaro hwako huchava pamwe nemhuka dzesango, vachakudyisa uswa senzombe, uye nguva nomwe dzichapfuura pamusoro pako, kusvika waziva kuti Wekumusoro-soro anotonga paumambo hwevanhu, uye anohupa waanoda.

33 Panguva iyoyo chinhu chakazadziswa pamusoro paNebhukadhinezari; zvino wakadzingwa kubva kuvanhu, ndokudya uswa senzombe, uye muviri wake wakanyorova nedova rekumatenga, kusvika vhudzi rake rareba seminhenga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri.

34 Zvino pakupera kwemazuva, ini Nebhukadhinezari ndakasimudzira meso angu kumatenga, kunzwisisa kwangu ndokudzokera kwandiri. Zvino ndakarumbidza Wekumusoro-soro, uye ndakarumbidza nekukudza iye anorarama nekusingaperi, uyo ushe hwake ushe hwekusingaperi, uye umambo hwake ndehwezera nezera.

35 Zvino vagari vose vepanyika vakaverengwa sevasiri chinhu, iye ndokuita zvinoenderana nechido chake muhondo dzekumatenga nevagari vepanyika, uye hakuna anodzivisa ruoko rwake, kana angati kwaari: Unoitei?

36 Panguva iyoyo pfungwa dzangu dzakadzokera kwandiri, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwangu, rukudzo rwangu nekujeka zvakadzokera kwandiri; uye vapi vemazano vangu nemachinda angu vakanditsvaka, zvino ndikasimbiswa paumambo hwangu, uye ukuru hwakanakisisa hukawedzerwa kwandiri.

37 Ikozvino ini Nebhukadhinezari ndinorumbidza nekukudza nekuremekedza Mambo wekumatenga, nokuti mabasa ake ose ichokwadi, nenzira dzake mutongo; uye vanofamba mukuzvikudza anogona kuderedza.