ShonaTeam Daniel « 3 »

Shamwari nhatu dzaDhaniyeri dzinoramba kunamata chifananidzo chaNebhukadhinezari

3Nebhukadhinezari mambo wakaita chifananidzo chegoridhe; kureba kwacho kwaiva makubhiti makumi matanhatu, kufara kwacho makubhiti matanhatu; akachimisa pabani reDhura mudunhu reBhabhironi.

2 Uye Nebhukadhinezari mambo wakatuma kunounganidza machinda, vabati, nevatungamiriri, madzishe, vabati vehomwe, varayiri, vatongi, nevose vatungamiriri vematunhu, kuti vauye pakugadzwa kwechifananidzo Nebhukadhinezari mambo chaaiva amisa.

3 Ipapo machinda, vabati, vatungamiriri, madzishe, vabati vehomwe, varayiri, vatongi, nevose vatungamiriri vematunhu, vakaungana pakugadzwa kwechifananidzo Nebhukadhinezari mambo chaaiva amisa; ndokumira pamberi pechifananidzo Nebhukadhinezari chaaiva amisa.

4 Zvino mudanidziri wakadanidzira nesimba achiti: Zvanzi kwamuri, imwi vanhu, marudzi, nendimi,

5 panguva yamunonzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, marimba, nemarudzi ose ezviridzwa, muwire pasi mushumire chifananidzo chegoridhe Nebhukadhinezari mambo chaakamisa.

6 Zvino ani nani asingawiri pasi nekushumira, ipapo ipapo achakandirwa mukati mevira remoto rinopfuta.

7 Naizvozvo panguva iyoyo vanhu vose pavakanzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, nemarudzi ose ezviridzwa, vanhu vose, marudzi, nendimi, vakawira pasi kushumira chifananidzo chegoridhe, Nebhukadhinezari mambo chaaiva amisa.

8 Naizvozvo panguva iyoyo vamwe vaKaradhiya vakaswedera vakapomera vaJudha.

9 Vakapindura vakati kuna mambo Nebhukadhinezari: Imwi mambo, raramai nekusingaperi.

10 Imwi mambo makaita chirevo, kuti munhu umwe neumwe achanzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, nemarimba, nemarudzi ose ezviridzwa, awire pasi ndokushumira chifananidzo chegoridhe.

11 Uye ani nani asingawiri pasi nekushumira, anofanira kukandwa mukati mevira remoto rinopfuta.

12 Pane vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pebasa rose redunhu reBhabhironi, Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego; varume ava, ishe, havana kuva nehanya nemwi, havashumiri vamwari venyu, uye havanamati chifananidzo chegoridhe chamakamisa.

13 Ipapo Nebhukadhinezari mukutsamwa nekupfuta wakaraira kuuiswa kwaShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego. Zvino vakaunza varume ava pamberi pamambo.

14 Nebhukadhinezari wakapindura ndokuti kwavari: Maune here, Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, kuti hamushumiri vamwari vangu, uye hamunamati chifananidzo chegoridhe chandakamisa?

15 Ikozvino kana makagadzirira kuti panguva yamuchanzwa kurira kwehwamanda, rutsanga, mbira, rudimbwa, mutengeranwa, nemarimba, nemarudzi ose ezviridzwa, muchawira pasi mushumire chifananidzo chandakaita, zvakanaka; asi kana musingashumiri muchakandirwa ipapo ipapo mukati mevira remoto rinopfuta. Zvino ndiyani Mwari uyo achakununurai kubva mumaoko angu?

16 Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura ndokuti kuna mambo: Imwi Nebhukadhinezari, hatitsvaki kukupindurai panyaya iyi.

17 Kana zvikaitika, Mwari wedu watinoshumira angagona kutinunura pavira remoto rinopfuta; uye iye achatinunura paruoko rwenyu, mambo.

18 Asi kana zvikasadaro, ngazvizikanwe kwamuri, imwi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu uye hatinganamati chifananidzo chegoridhe chamakamisa.

19 Ipapo Nebhukadhinezari wakazara nekupfuta, uye chimiro chechiso chake chikashandukira Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego; akapindura ndokuraira kuti vavesere vira kakapetwa kanomwe kupfuura zvaraisiveserwa.

20 Zvino wakaraira varume vaiva nesimba kwazvo vaiva muhondo yake kusunga Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, kukandira muvira remoto rinopfuta.

21 Ipapo varume avo vakasungwa vakapfeka nguvo refu dzavo, mabhurukwa avo, nenguwani dzavo, nedzimwe nguvo dzavo, ndokuwisirwa mukati mevira remoto rinopfuta.

22 Naizvozvo nekuda kwekuti shoko ramambo raiva rakapinza, nevira richipisa kwazvo, mupfuto wemoto wakauraya varume avo vakatora Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego.

23 Zvino varume ava vatatu Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira remoto rinopfuta.

24 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukurumidza kusimuka, akapindura ndokuti kumakurukota ake: Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati memoto here? Vakapindura ndokuti kuna mambo: Ichokwadi, mambo.

25 Akapindura ndokuti: Tarirai, ini ndinoona varume vana vakasununguka, vanofamba mukati memoto, uye pasina kukuvara pavari, uye chimiro chewechina chakaita semwanakomana wevamwari.

26 Ipapo Nebhukadhinezari wakaswedera kumukova wevira remoto raipfuta, akataura ndokuti: Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, imwi varanda vaMwari Wekumusoro-soro, budai muuye. Ipapo Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego vakabuda mukati memoto.

27 Zvino machinda, varairi, nemadzishe, nemakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto waiva washaiwa simba pamiviri yavo, nevhudzi remisoro yavo raiva risina kutsva, nenguvo dzavo refu dzaiva dzisina kushanduka; kunyange munhuhwi wemoto waiva usina kusvika kwavari.

28 Nebhukadhinezari wakapindura ndokuti: Mwari waShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye wakatuma mutumwa wake, akanunura varanda vake vaiva vachivimba naye, ivo vaiva vashandura shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira uye varege kunamata mwari upi neupi kunze kwaMwari wavo.

29 Naizvozvo chirevo chakaitwa neni, kuti vanhu vose, marudzi, nendimi, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, vatemwe-temwe, neimba yavo iitwe durunhuru; nokuti hakuna umwe mwari anogona kurwira saizvozvo.

30 Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhireki, Meshaki, naAbhedhinego padunhu reBhabhironi.