ShonaTeam Daniel « 2 »

Dhaniyeri anodudzira hope dzaNebhukadhinezari

2Zvino mugore rechipiri rekutonga kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari wakarota zviroto; mweya wake ukatambudzika mazviri, hope dzake ndokubva kwaari.

2 Mambo ndokuti kudanwe vemasaramusi nen'anga nevaroyi nevaKaradhiya, kuti vaudze mambo zviroto zvake. Zvino vakauya ndokumira pamberi pamambo.

3 Zvino mambo wakati kwavari: Ndarota chiroto, uye mweya wangu watambudzikira kuziva chiroto.

4 Zvino vaKaradhiya vakataura kuna mambo nechiSiriya: Mambo ngaararame nekusingaperi! Udzai varanda venyu chiroto, isu tigozivisa dudziro.

5 Mambo wakapindura ndokuti kuvaKaradhiya: Chinhu chabva kwandiri; kana mukasandizivisa chiroto nedudziro yacho, muchaguranyiwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa dutu remupfudze.

6 Asi kana mukazivisa chiroto nedudziro yacho, muchagamuchira kwandiri zvipo nemibairo nerukudzo rukuru; naizvozvo ndizivisei chiroto nedudziro yacho.

7 Vakapindura rwechipiri vachiti: Mambo ngaaudze varanda vake chiroto chake, isu tigozivisa dudziro yacho.

8 Mambo wakapindura ndokuti: Ini ndinoziva zvirokwazvo kuti imwi muri kutenga nguva, nokuti munoona kuti chinhu chabva kwandiri.

9 Asi kana mukasazivisa chiroto, pane mutemo umwe wenyu; nokuti magadzira shoko rinoreva nhema uye rakaora kutaura pamberi pangu, kusvika nguva yashandurwa; naizvozvo ndiudzei chiroto, zvino ndichaziva kuti munondizivisa dudziro yacho.

10 VaKaradhiya vakapindura pamberi pamambo ndokuti: Hakuna munhu panyika anogona kuzivisa nyaya yamambo; naizvozvo hakuna mambo, ishe, kana mubati, angabvunza chinhu chakadai kumuchenjeri kana n'anga kana muKaradhiya upi neupi.

11 Uye chinhu chinorema mambo chaanobvunza, uye hakuna umwe anogona kuchizivisa pamberi pamambo kunze kwevamwari, avo ugaro hwavo husiri panyama.

12 Nekuda kweizvi mambo wakatsamwa ndokupfuta kwazvo, ndokuraira kuuraya vachenjeri vose veBhabhironi.

13 Naizvozvo chirevo chakabuda kuti vachenjeri vaurawe; vakatsvakawo Dhaniyeri neshamwari dzake kuti vaurawe.

14 Zvino Dhaniyeri wakadzosa zano neuchenjeri kuna Arioki mukuru wevachengeti vamambo, waiva abuda kunouraya vachenjeri veBhabhironi.

15 Wakapindura ndokuti kuna Arioki mukuru wamambo: Chakurumidzirei chirevo ichi kubva kuna mambo? Arioki ndokuzivisa nyaya kuna Dhaniyeri.

16 Zvino Dhaniyeri wakapinda ndokukumbira kuna mambo kuti amupe nguva kuti agozivisa mambo dudziro.

17 Ipapo Dhaniyeri wakaenda mumba make ndokuzivisa nyaya kuna Hananiya, Mishaeri, naAzariya, shamwari dzake;

18 kuti vakumbire nyasha huru kuna Mwari wekumatenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuti Dhaniyeri neshamwari dzake varege kuparara pamwe nevamwe vevachenjeri veBhabhironi.

19 Ipapo chakavanzika chakaziviswa Dhaniyeri muchiratidzo cheusiku. Dhaniyeri ndokurumbidza Mwari wekumatenga.

20 Dhaniyeri wakapindura ndokuti: Ngarirumbidzwe zita raMwari kubva pakusingaperi kusvika pakusingaperi, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake.

21 Nokuti anoshandura nguva nenguva dzakatarwa, anobvisa madzimambo nekugadza madzimambo; anopa uchenjeri kune vakachenjera, neruzivo kune avo vanoziva ruzivo.

22 Anozarurira zvakadzika nezvinhu zvakavanda, anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara pamwe naye.

23 Ndinokutendai nekukurumbidzai, imwi Mwari wemadzibaba angu, uye makandipa uchenjeri nesimba, mukazivisa kwandiri ikozvino zvatakabvunza kwamuri, nokuti makazivisa kwatiri nyaya yamambo.

24 Naizvozvo Dhaniyeri wakapinda kuna Arioki, mambo waaiva atemera kuti aparadze vachenjeri veBhabhironi; wakaenda ndokutaura seizvi kwaari: Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndipinzei pamberi pamambo, zvino ndichazivisa mambo dudziro.

25 Ipapo Arioki wakapinza Dhaniyeri pamberi pamambo nekukurumidza, ndokureva seizvi kwaari: Ndawana murume pavatapwa vekwaJudha, achazivisa mambo dudziro.

26 Mambo wakapindura ndokuti kuna Dhaniyeri wezita rake raiva Bheriteshazari: Iwe unogona kundizivisa chiroto chandaona, nekududzirwa kwacho here?

27 Dhaniyeri wakapindura pamberi pamambo ndokuti: Chakavanzika mambo chaabvunza, vane njere, n'anga, vemasaramusi, nevafemberi havagoni kuzivisa mambo.

28 Asi kuna Mwari kumatenga anozarurira zvakavanzika, nekuzivisa mambo Nebhukadhirezari zvichavapo pamazuva ekupedzisira. Chiroto chenyu nezviratidzo zvemusoro wenyu pamubhedha wenyu ndeizvi:

29 Imwi, mambo, pamubhedha wenyu mirangariro yenyu yakwira, zvichaita pashure peizvi; zvino uyo anozarurira zvakavanzika anozivisa kwamuri zvichaitika.

30 Asi maererano neni, chakavanzika chazarurirwa kwandiri kwete nekuda kweuchenjeri hwandinahwo hunopfuura chisikwa chipi nechipi chinorarama, asi kuti kuziviswe dudziro kuna mambo, uye kuti muzive mirangariro yemoyo wenyu.

31 Imwi mambo makaona, zvino tarirai, chifananidzo chikuru; chifananidzo ichi, chakanga chakakura uye chaipenya kwazvo, chakamira pamberi penyu, uye chimiro chacho chaityisa.

32 Musoro wechifananidzo ichi waiva wegoridhe rakaisvonaka, chipfuva chacho nemaoko acho zvaiva zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvaiva zvendarira,

33 makumbo acho aiva edare, tsoka dzacho dzaiti pamwe dare uye pamwe ivhu.

34 Makatarira kusvika kwavezwa ibwe risina maoko; uye rakarova chifananidzo nemutsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, ndokudziputsanya.

35 Ipapo dare, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa pamwe chete, ndokuva sehundi yeburiro remuzhizha; mhepo ndokuzvibvisa, zvekuti hakuna kuwanikwa nzvimbo ipi neipi yazvo; ibwe rakarova chifananidzo ndokuva gomo guru, ndokuzadza nyika yose.

36 Ichi ndicho chiroto; zvino tichareva dudziro yacho pamberi pamambo.

37 Imwi mambo, muri mambo wemadzimambo, nokuti Mwari wekumatenga wakakupai umambo, simba, kugwinya, nekubwinya.

38 Zvino pose vana vevanhu pavanogara, mhuka dzesango neshiri dzekumatenga wakazvipa muruoko rwenyu, uye wakakuitai mutongi pamusoro pazvo zvose; ndimwi musoro uyu wegoridhe.

39 Zvino shure kwenyu kuchamuka humwe umambo udiki kwamuri; nehumwe umambo hwetatu hwendarira huchatonga panyika yose.

40 Zvino umambo hwechina huchasimba sedare, sedare zvarinoputsanya nekupwanya zvose; saizvozvo sedare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo achaputsanya nekupwanya.

41 Uye zvamakaona tsoka nezvigunwe, zvakaitwa pamwe nevhu remuumbi wehari uye pamwe nedare, huchava ushe hwakaganhurwa; asi zvesimba redare zvichavamo, zvamakaona dare rakavhenganiswa nevhu nyoro rekuumba.

42 Zvigunwe zvemakumbo zvazvaiva zvakaitwa pamwe nedare uye pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba uye pamwe haungatani kuputsika.

43 Uye zvamakaona dare rakavhenganiswa nevhu nyoro rekuumba, saizvozvo vachavhenganiswa nembeu yevanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani nevhu rekuumba.

44 Zvino nemazuva emadzimambo iwayo Mwari wekumatenga achagadza ushe, husingazoparadzwi nekusingaperi; uye ushe hahungasiirwi vamwe vanhu; ihwo uchaputsanya nekupedza ushe uhwo hwose, asi ihwo huchamira nekusingaperi.

45 Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo zvisingaitwi nemaoko, ndokuputsa-putsa dare, ndarira, ivhu, sirivha, negoridhe, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa shure kweizvi; uye chiroto ndechechokwadi, nedudziro yacho yakavimbika.

46 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, ndokunamata Dhaniyeri; uye akaraira kuti vamuvigire chipo chinodururwa nezvinotapira zvinonhuhwira.

47 Mambo akapindura Dhaniyeri, akati: Chiri chokwadi kuti Mwari wenyu ndiye Mwari wavamwari, naIshe wemadzimambo, nemuzivisi wezvakavanzika, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakavanzika.

48 Ipapo mambo akaita Dhaniyeri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, ndokumuita mubati wedunhu rose reBhabhironi, nemutariri mukuru pamusoro pevakachenjera vose veBhabhironi.

49 Dhaniyeri akakumbira kuna mambo; iye akagadza Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego pamusoro pebasa rose redunhu reBhabhironi; asi Dhaniyeri akava pasuwo ramambo.