ShonaTeam Daniel « 1 »

Dhaniyeri neshamwari dzake mumba mamambo weBhabhironi

1 Mugore rechitatu rekutonga kwaJehoyakimu mambo waJudha kwakasvika Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paJerusarema ndokurikomba.

2 Zvino Ishe wakapa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwe nechikamu chemidziyo yeimba yaMwari, zvaakatakurira kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, ndokuunza midziyo muimba yefuma yamwari wake.

3 Zvino mambo wakataura kuna Ashipenazi, mutariri wevatenwa vake, kuti aunze vamwe kuvana vaIsraeri, nekumbeu yamambo, nekumachinda;

4 majaya asina chipomerwa chipi nechipi maari, asi vakanaka pachimiro, uye mhare pauchenjeri hwose, uye vane ruzivo rweruzivo, uye vanonzwisisa uchenjeri, uye vane kukwanisa kumira pamuzinda wamambo, uye vavangadzidzisa rugwaro nerurimi rwevaKaradhiya.

5 Zvino mambo wakavamisira chinhu chezuva nezuva racho chechikamu chekudya kwamambo, nechewaini yekunwa kwake, saizvozvo achivariritira makore matatu, kuti pakupera kwawo vangamira pamberi pamambo.

6 Zvino pakati pavo kuvana vaJudha paiva naDhaniyeri, Hananiya, Mishaeri, naAzariya.

7 Zvino muchinda wevatenwa wakavatumidza mazita; wakatumidza Dhaniyeri kuti Bheriteshazari, naHananiya kuti Shadhireki, naMishaeri kuti Meshaki, naAzariya kuti Abhedhinego.

8 Asi Dhaniyeri wakazvipira mumoyo make kuti haangazvisvibisi nemugove wezvekudya zvamambo kana newaini yekunwa kwake; naizvozvo wakakumbira kumuchinda wevatenwa kuti asazvisvibisa.

9 Zvino Mwari akasvitsa Dhaniyeri panyasha nepaunyoro pamberi pemuchinda wevatenwa.

10 Muchinda wevatenwa ndokuti kuna Dhaniyeri: Ndinotya ishe wangu mambo, iye wakaraira kudya kwenyu nekunwa kwenyu; nokuti achaonerei zviso zvenyu zvakasuruvara kupfuura zvemajaya ezera renyu? Naizvozvo muchaisa musoro wangu munjodzi kuna mambo.

11 Zvino Dhaniyeri wakati kumutariri, muchinda wevatenwa waiva amiswa pamusoro paDhaniyeri, Hananiya, Mishaeri naAzariya:

12 Edzai henyu varanda venyu mazuva gumi; zvino ngavatipe miriwo tidye, nemvura tinwe.

13 Zvino zviso zvedu ngazvitariswe pamberi penyu, nezviso zvevana vanodya mugove wezvekudya zvamambo; uye itai nevaranda venyu sezvaunoona.

14 Zvino wakavateerera panyaya iyi ndokuvaedza mazuva gumi.

15 Zvino pakupera kwemazuva gumi, zviso zvavo zvakaonekwa zvanaka uye zvakafuta panyama kupfuura majaya ose aidya mugove wezvekudya zvamambo.

16 Naizvozvo mutariri wakabvisa mugove wezvekudya zvavo, newaini yekunwa kwavo, ndokuvapa miriwo.

17 Maererano nemajaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nemhare pamagwaro ose neuchenjeri. Zvino Dhaniyeri wainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto.

18 Zvino pakupera kwemazuva mambo aakati auye navo, ipapo muchinda wevatenwa wakavaunza pamberi paNebhukadhinezari.

19 Mambo ndokutaurirana navo. Zvino pakati pavo vose hapana kuwanikwa wakaita saDhaniyeri, Hananiya, Mishaeri, naAzariya. Naizvozvo vakamira pamberi pamambo.

20 Zvino nyaya dzose dzeuchenjeri nekunzwisisa, mambo dzaakabvunza kwavari, akavawana vachipfuura kagumi vemasaramusi vose nen'anga vaiva paushe hwake hwose.

21 Dhaniyeri akavapo kusvika pagore rekutanga ramambo Koreshi.