ShonaTeam Ezekiel « 48

Kugovewa kwenyika

48Zvino awa ndiwo mazita emarudzi: Kubva kumagumo ekumaodzanyemba kuenda kumucheto wenzira yeHetironi kusvika pakupinda paHamati, Hazari-Enani, muganhu weDhamasiko, nechekumaodzanyemba kusvika pamucheto weHamati; nokuti awa mativi ake kumabvazuva nekumavirazuva, mugove umwe waDhani.

2 Zvino pamuganhu waDhani, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waAsheri.

3 Zvino pamuganhu waAsheri, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvikawo kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waNafutari.

4 Nepamuganhu waNafutari, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waManase.

5 Nepamuganhu waManase, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waEfuremu.

6 Nepamuganhu waEfuremu, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvikawo kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waRubheni.

7 Nepamuganhu waRubheni, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waJudha.

8 Nepamuganhu waJudha, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, chichava chipo chamuchapa, tsanga zvuru makumi maviri neshanu pakufara, uye pakureba seumwe wemigove, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva; uye nzvimbo tsvene ichava pakati pawo.

9 Chipo chamuchapa kuna Jehovha chichava tsanga zvuru makumi maviri neshanu pakureba, uye zvuru gumi pakufara.

10 Zvino pazviri pachava nechipo chitsvene kuvapristi, nechekumaodzanyemba zvuru makumi maviri nezvishanu kureba, uye nechekumavirazuva zvuru gumi pakufara, uye nechekumabvazuva zvuru gumi pakufara, uye nechekuchamhembe zvuru makumi maviri nezvishanu pakureba; uye nzvimbo tsvene yaJehovha ichava pakati payo.

11 Chichava chevapristi vakaitwa vatsvene pavanakomana vaZadhoki, ivo vakachengeta chimiso changu, vasina kutsauka vana vaIsraeri pavakarasika, vaRevhi sezvavakarasika.

12 Uye chipo chenyika chinopiwa kuva kwavari chinhu chitsvene-tsvene pamuganhu wevaRevhi.

13 Nemhiri pakatarisana nemuganhu wevapristi vaRevhi vachava neurefu hwezvuru makumi maviri nezvishanu, uye zvuru gumi kufara; kureba kose zvuru makumi maviri nezvishanu, nekufara zvuru gumi.

14 Zvino havangatengesi kubva pairi, uye havangatsinhanisi, uye havangapfuudzi zvibereko zvekutanga zvenyika, nokuti zvitsvene kuna Jehovha.

15 Zvino zvuru zvishanu zvinosara pakufara mhiri pakatarisana nezvuru makumi maviri nezvishanu, zvichava zvisiri zvitsvene zveguta, kuva pekugara nepemafuro; uye guta richava pakati pazvo.

16 Zvino izvi zvichava zviyero zvacho: Rutivi rwekumaodzanyemba zvuru zvina nemazana mashanu, nerutivi rwekuchamhembe zvuru zvina nemazana mashanu, nekurutivi rwekumabvazuva zvuru zvina nemazana mashanu, nerutivi rwekumavirazuva zvuru zvina nemazana mashanu.

17 Zvino mafuro eguta achava nechekumaodzanyemba mazana maviri nemakumi mashanu, nekuchamhembe mazana maviri nemakumi mashanu, nekumabvazuva mazana maviri nemakumi mashanu, nekumavirazuva mazana maviri nemakumi mashanu.

18 Zvino zvakasara pakureba pakatarisana nechipo chitsvene zvichava zvuru gumi kumabvazuva, nezvuru gumi kumavirazuva; uye zvichatarisana nechipo chitsvene. Nezvibereko zvazvo zvichava zvekudya zvevashandiri veguta.

19 Zvino vashandiri veguta vacharishandira kubva kumarudzi ose aIsraeri.

20 Chipo chose chichava zvuru makumi maviri nezvishanu, nezvuru makumi maviri nezvishanu; muchapa chipo chitsvene chakaenzana mativi mana, pamwe chete nenhaka yeguta.

21 Zvino zvakasara zvichava zvemuchinda, kurutivi runo nekurutivi irwo rwechipo chitsvene nerwenhaka yeguta; pamberi pezvuru makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganhu wekumabvazuva, nekumavirazuva pakatarisana nemberi kwezvuru makumi maviri nezvishanu kumuganhu wekumavirazuva, mhiri pakatarisana nemigove yemuchinda; uye chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvichava pakati pazvo.

22 Uye kubva panhaka yevaRevhi, nekubva panhaka yeguta, zviri pakati pezvemuchinda, pakati pemuganhu waJudha nemuganhu waBhenjamini, zvichava zvemuchinda.

23 Maererano neakasara pamarudzi: Kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, Bhenjamini achava nemugove umwe.

24 Nepamuganhu waBhenjamini, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waSimioni.

25 Nepamuganhu waSimioni, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waIsasikari.

26 Nepamuganhu waIsasikari, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waZebhuruni.

27 Nepamuganhu waZebhuruni, kubva kurutivi rwekumabvazuva kusvika kurutivi rwekumavirazuva, mugove umwe waGadhi.

28 Nepamuganhu waGadhi, kurutivi rwekuchamhembe, nechekuchamhembe, muganhu uchava paTamari kusvika kumvura zhinji yeMeribhati-Kadheshi, kurukova, kusvika kugungwa guru.

29 Ndiyo nyika yamuchagova nemijenya kumarudzi aIsraeri kuva nhaka, uye iyi ndiyo migove yavo, anoreva Ishe Jehovha.

30 Zvino awa ndiwo mabudiro emuguta kurutivi rwekumaodzanyemba; zviyero zvuru zvina nemazana mashanu.

31 Nemasuwo eguta achatevera mazita emarudzi aIsraeri; masuwo matatu nechekumaodzanyemba, suwo rimwe raRubheni, suwo rimwe raJudha, suwo rimwe raRevhi.

32 Neparutivi rwekumabvazuva, zvuru zvina nemazana mashanu, nemasuwo matatu; uye suwo rimwe raJosefa, suwo rimwe raBhenjamini, suwo rimwe raDhani.

33 Nekurutivi rwekuchamhembe, zviyero zvuru zvina nemazana mashanu, nemasuwo matatu; suwo rimwe raSimioni, suwo rimwe raIsasikari, suwo rimwe raZebhuruni.

34 Rutivi rwekumavirazuva, zvuru zvina nemazana mashanu; masuwo aro matatu; suwo rimwe raGadhi, suwo rimwe raAsheri, suwo rimwe raNafutari.

35 Kupoteredza kwaiva zvuru gumi nezvisere. Zvino zita reguta kubva pazuva iro richava: Jehovha ari pano.