ShonaTeam Ezekiel « 47 »

Mvura yakabva mutembere

47Pashure wakandiunza zvekare kumukova weimba, zvino tarira, mvura dzaibuda kubva pasi pechikumbaridzo cheimba nechekumabvazuva; nokuti mberi kweimba kwaiba nechekumabvazuva; uye mvura dzaiburuka kubva pasi kubva kurutivi rwekurudyi rweimba, kubva kuchamhembe kwearitari.

2 Zvino wakandibudisa nenzira yesuwo nechekumaodzanyemba, ndokundipotesa nenzira yekunze kusvika kusuwo rekunze, nenzira yakatarira nechekumabvazuva. Zvino tarira kwaiyerera mvura kurutivi rwerudyi.

3 Pakubuda kwemurume kumabvazuva waiva nerwonzi muruoko rwake; wakayera makubhiti churu, ndokundipfuudza nemumvura zhinji, mvura zhinji yaisvika kuzviziso zvemakumbo.

4 Zvino wakayera churu, ndokundipfuudza nemumvura zhinji, mvura zhinji yaisvika kumabvi. Zvino wakayera churu, ndokundipfuudza; mvura zhinji yaisvika kuchiuno.

5 Zvino wakayera churu; rwizi rwandaiva ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura zhinji yaiva yasimuka, mvura zhinji yaungashambiramo, rwizi rwusingayambukiki.

6 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, waona here? Ipapo wakandiunza ndokundidzosa kumahombekombe erwizi.

7 Pakudzoka kwangu, tarira, pamahombekombe erwizi miti mizhinji kwazvo kurutivi runo nekurutivi irwo.

8 Zvino akati kwandiri: Mvura zhinji iyi inobuda kunanga kunyika yekumabvazuva, uye inoburukira kurenje, ndokuenda kugungwa; paichadirwa mugungwa, mvura zhinji icharapiwa.

9 Zvino zvichaitika, chisikwa chipi nechipi chipenyu, chinokambaira, kupi nekupi nzizi mbiri padzichasvika, chichararama, uye kuchava nehove zhinji kwazvo, nokuti mvura zhinji iyi ichasvikapo, nokuti icharapiwa, nokuti kuchararama zvose panosvikapo rwizi.

10 Zvino zvichaitika, varedzi vehove vachamira pedo narwo kubva paEni-Gedhi kusvikawo paEni-Egiraimi; pachava pekuteya mimbure; hove dzavo dzichaenderana nemarudzi adzo, sehove dzegungwa guru, dzakawanda kwazvo.

11 Asi nzvimbo dzarwo dzematope nemachakwi arwo hazvingarapiwi; zvichapiwa kuva munyu.

12 Zvino parwizi, pamusoro pemahombekombe arwo, parutivi runo neparutivi urwo, pachakura miti yose yekudya, yeshizha rayo risingabvuruvari, nechibereko chayo hachingapedzwi; ichabereka chibereko chitsva zvichienderana nemwedzi yayo; nokuti mvura dzayo ndidzo dzakabuda kubva munzvimbo tsvene; zvino muchero wayo uchava wekudya, neshizha rayo rekurapa.

Miganhu yenyika

13 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uyu uchava muganhu wamuchagara nhaka yenyika zvichienderana nemarudzi gumi nemaviri aIsraeri; Josefa achava nemigove miviri.

14 Zvino muchaigara nhaka, umwe seumwe, yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kumadzibaba enyu. Zvino nyika iyi ichawira kwamuri ive nhaka.

15 Zvino uyu uchava muganhu wenyika: Nechekurutivi rwekumaodzanyemba, kubva pagungwa guru, nzira yeHetironi, pakupinda paZedhadhi;

16 Hamati, Bherota, Shibhiraimi, riri pakati pemuganhu weDhamasiko nemuganhu weHamati; Hazari-Hatikoni, riri pamuganhu weHaurani.

17 Nemuganhu kubva kugungwa uchava Hazari-Enoni, muganhu weDhamasiko; nekumaodzanyemba wakatarira kumaodzanyemba, nemuganhu weHamati. Ndirwo rutivi rwekumaodzanyemba.

18 Zvino muchayera rutivi rwekumabvazuva kubva pakati peHaurani, nekubva pakati peDhamasiko, nekubva pakati peGiriyadhi, nekubva pakati penyika yaIsraeri, Joridhani kubva pamuganhu kusvika pagungwa rekumabvazuva. Zvino urwu rutivi rwekumabvazuva.

19 Nerutivi rwekuchamhembe nechekuchamhembe, kubva paTamari kusvika kumvura zhinji yeMeribathi-Kadheshi, parwizi kusvika pagungwa guru, nerutivi rekuchamhembe nechekuchamhembe.

20 Nerutivi rwekumavirira, gungwa guru, kubva pamuganhu kusvika mhiri pakatarisana nepakupinda paHamati. Urwu rutivi rwemavirazuva.

21 Saizvozvo muchazviganhurira nyika iyi zvichienderana nemarudzi aIsraeri.

22 Zvino zvichaitika, muchaiganhura nemujenya kuva nhaka kwamuri, nekuvatorwa vachagara pakati penyu, vachabereka vana pakati penyu. Zvino vachava kwamuri sevakaberekerwa munyika pakati pevana vaIsraeri; vachawira munhaka pamwe nemwi pakati pemarudzi aIsraeri.

23 Zvino zvichaitika parudzi mutorwa paachagara, vachamupapo nhaka yake, anoreva Ishe Jehovha.