ShonaTeam Ezekiel « 46 »

46Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Suwo rechivanze chemukati rakatarira nechekumabvazuva richavharika mazuva matanhatu ekushanda; asi nezuva resabata richazarurwa; uye nezuva rekugara kwemwedzi richazarurwa.

2 Zvino muchinda achapinda nenzira yeberere resuwo kunze, uye achamira pagwatidziro resuwo. Zvino vapristi vachagadzira chipo chake chinopiswa nezvipo zvake zvekuyananisa; uye achashumira pachikumbaridzo chesuwo; ipapo achabuda; asi suwo haringavharwi kusvika madekwani.

3 Saizvozvo vanhu venyika vachashumira pamukova wesuwo iri, pamasabata nepakugara kwemwedzi, pamberi paJehovha.

4 Zvino chipo chinopiswa muchinda chaachapa kuna Jehovha pazuva resabata chichava makwayana matanhatu asina chaangapomerwa negondohwe risina charingapomerwa.

5 Zvino chipo chechidyiwa chichava efa pagondohwe, nechipo chechidyiwa pamakwayana zvichava chipo cheruoko rwake, nemafuta, hini paefa.

6 Zvino pazuva rekugara kwemwedzi kuchava nenzombe diki mhuru yemombe isina chaingapomerwa, nemakwayana matanhatu, negondohwe; zvichava zvisina chazvingapomerwa.

7 Zvino achagadzira chipo chechidyiwa, efa panzombe diki, neefa pagondohwe, nepamakwayana zvichienderana neruoko rwake zvarwuchasvikira, nemafuta, hini paefa.

8 Zvino muchinda paachapinda, achaenda nenzira yeberere resuwo, uye achabuda nenzira yaro.

9 Asi vanhu venyika pavachauya pamberi paJehovha pamabiko akatarwa: Uyo anopinda nenzira yesuwo rekumaodzanyemba kunoshumira achabuda nenzira yesuwo rekuchamhembe; uye uyo anopinda nenzira yesuwo rekuchamhembe achabuda nenzira yesuwo rekumaodzanyemba; haangadzokeri nenzira yesuwo raakapinda naro, asi achabuda nemhiri kwakatarisana naro.

10 Zvino muchinda achapinda pakati pavo pavanopinda; nepavanobuda achabuda.

11 Nepamabiko nepamitambo yakatarwa chipo chechidyiwa chichava efa panzombe diki, neefa pagondohwe, nepamakwayana chipo cheruoko rwake, nemafuta, hini paefa.

12 Zvino muchinda paachagadzira chipo chinopiswa chekuzvidira kana zvipo zvekuyananisa zvekuzvidira kuna Jehovha, umwe achamuzarurira suwo rakatarira nechekumabvazuva; zvino achagadzira chipo chake chinopiswa nezvipo zvake zvekuyananisa sezvaakaita pazuva resabata; ipapo achabuda, uye shure kwekubuda kwake achavhara suwo.

13 Zvino uchagadzira gwayana rine gore rimwe risina charingapomerwa kuva chipo chinopiswa kuna Jehovha zuva rimwe nerimwe. Ucharigadzira mangwanani oga-oga.

14 Zvino ucharigadzirira chipo chechidyiwa mangwanani oga-oga, chetanhatu cheefa, nechetatu chehini yemafuta, kunyorovesa upfu hwakatsetseka, chipo chechidyiwa kuna Jehovha, zvimiso zvinogara nekusingaperi.

15 Vachagadzira gwayana, nechipo chechidyiwa, nemafuta, mangwanani oga-oga, chipo chinopiswa chinoenderera.

16 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Kana muchinda akapa chipo kune upi wevanakomana vake, inhaka yake, ichava yevanakomana vake; ifuma yavo panhaka.

17 Asi kana akapa chipo chenhaka yake kune umwe wevaranda vake, chichava chake kusvika pagore resununguro; pashure chichadzokera kumuchinda; zvirokwazvo inhaka yake; vanakomana vake, ivo vachava nayo.

18 Uye muchinda haangatori panhaka yevanhu, kuvamanikidza kubva pafuma yavo; achapa vanakomana vake nhaka kubva pafuma yake; kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa umwe neumwe kubva pafuma yake.

19 Zvino wakandipinza nepamukova waiva parutivi rwesuwo kuenda kumakamuri matsvene kuvapristi, aiva akatarira nechekumaodzanyemba; zvino tarira, kwaiva nenzvimbo kumativi maviri nechekumavirira.

20 Zvino wakati kwandiri: Iyi inzvimbo vapristi pavachabikira chipo chechitadzo nechipo chechivi, pavachabhekera chipo chechidyiwa, kuti varege kutakura kubuda kuchivanze chekunze, kuita vanhu vatsvene.

21 Zvino wakandibudisira kuchivanze chekunze, ndokundipfuudza nepamakona mana echivanze; zvino tarira, chivanze pakona yechivanze, nechivanze pakona yechivanze.

22 Pamakona mana echivanze paiva nezvivanze zvakabatanidzwa, makubhiti makumi mana kureba, nemakumi matatu kufara; awa makona mana ane chiyero chimwe.

23 Zvino kwaiva nemutsara wechivakwa kupoteredza paari, kupoteredza ari mana; uye kwakaitwa zvoto zvekubikira muzasi memitsara kupoteredza.

24 Zvino wakati kwandiri: Idzi dzimba dzekubikira, vashumiri veimba pavachabikira chibairo chevanhu.