ShonaTeam Ezekiel « 45 »

Kuparadzaniswa kwenyika; mugove waJehovha

45Zvino pamuchagova nyika nemujenya kuva nhaka, muchapa chipo kuna Jehovha, nzvimbo tsvene yenyika. Kureba kuchava kureba kwetsanga zvuru makumi maviri nemashanu, uye kufara zvuru gumi. Iyi ichava tsvene kumuganhu wose wayo kupoteredza.

2 Kune iyi kuchava nenzvimbo tsvene ine mazana mashanu pamwe nemazana mashanu, yakaenzana mativi mana akapoteredza; uye ive bani rine makubhiti makumi mashanu kupoteredza.

3 Zvino nechiyero ichi muchayera, kureba kuve zvuru makumi maviri nezvishanu, uye kufara kuve zvuru gumi; nemukati mayo muchava nenzvimbo tsvene, tsvene yedzitsvene.

4 Ichava nzvimbo tsvene yenyika; ichava yevapristi, vashumiri venzvimbo tsvene, vanoswedera kuti vashumire Jehovha; zvino ichava kwavari nzvimbo yedzimba, nenzvimbo tsvene yeimba tsvene.

5 Zvino urefu hwezvuru makumi maviri neshanu, nekufara kwezvuru makumi maviri neshanu, vaRevhi vashumiri venzvimbo tsvene vachava nazvo, kuva nhaka, makamuri makumi maviri.

6 Zvino muchapa nhaka yeguta, zvuru zvishanu kufara, nezvuru makumi maviri nezvishanu kureba, mhiri pakatarisana nechipo chitsvene; ichava yeimba yose yaIsraeri.

7 Zvino muchinda achava nerutivi runo nerutivi irwo rwechipo chitsvene, nepanhaka yeguta mberi kwechipo chitsvene, nemberi kwenhaka yeguta, kubva kurutivi rwemavirazuva wakananga kumavirazuva, uye kubva kurutivi rwemabvazuva wakananga kumabvazuva; nekureba kuchanangana neumwe wemigove, kubva pamuganhu wekumavirazuva kusvika kumuganhu wekumabvazuva.

8 Maererano nenyika, achava nayo ive nhaka kwaIsraeri; uye machinda angu haangazomanikidzizve vanhu vangu, asi achapa nyika kuimba yaIsraeri zvichienderana nemarudzi avo.

9 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvakwana kwandiri, imwi machinda ekwaIsraeri! Bvisai chisimba nekupamba, uye itai mutongo nekururama, mubvise kudzinga kwenyu kuvanhu vangu, anoreva Ishe Jehovha.

10 Muchava nezviyero zvakarurama, neefa* yakarurama, nebhati* rakarurama.

11 Efa nebhati zvichava chiyero chimwe, kuti bhati ritakure chegumi chehomeri*; neefa chegumi chehomeri; chiyero chazvo chichava chehomeri.

12 Zvino shekeri richava magera* makumi maviri; mashekeri makumi maviri, mashekeri makumi maviri nemashanu, mashekeri gumi nemashanu, achava mane* renyu.

13 Ichi chipo chamuchapa: Chetanhatu cheefa yehomeri chegorosi; uye muchapa chetanhatu cheefa yehomeri chebhari.

14 Maererano nechimiso chemafuta, bhati remafuta, richapa chegumi chebhati pakori*, homeri yemabhati gumi, nokuti mabhati gumi ihomeri.

15 Uye gwayana rimwe paboka remakwai, pamazana maviri, panzvimbo ine mvura yaIsraeri, rive chipo chechidyiwa nechipo chinopiswa nechipo cherugare, kuvayananisira, anoreva Ishe Jehovha.

16 Vanhu vose venyika vachava pachipo ichi kuitira muchinda muIsraeri.

17 Zvino zvichava pamusoro pemuchinda kupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvezvidyiwa nezvipo zvezvinwiwa, pamabiko, nepakugara kwemwedzi, nepamasabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Iye achagadzira chipo chechivi nechipo chechidyiwa nechipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa, kuyananisira imba yaIsraeri.

18 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Mumwedzi wekutanga, nerekutanga remwedzi, uchatora nzombe diki mhuru yemombe isina chaingapomerwa, ndokunatsa nzvimbo tsvene.

19 Zvino mupristi achatora paropa rechipo chechivi, ndokuisa pamagwatidziro eimba, nepamakona mana emucheto wearitari, nepagwatidziro resuwo rechivanze chemukati.

20 Zvino uchaita saizvozvo nerechinomwe remwedzi nekuda kweumwe neumwe anotadza, uye nekuda kwechituta; saizvozvo uchayananisira imba.

21 Mumwedzi wekutanga, nezuva regumi nemana remwedzi, muchava nepasika, mabiko emazuva manomwe; chingwa chisina kuviriswa chichadyiwa.

22 Nepazuva iro muchinda achazvigadzirira iye nevanhu vose venyika nzombe diki, ive chipo chechivi.

23 Zvino mazuva manomwe emabiko achagadzira chipo chinopiswa kuna Jehovha, nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe, zvisina chazvingapomerwa, zuva rimwe nerimwe, mazuva manomwe, nechipo chechivi chembudzana yembudzi, zuva rimwe nerimwe.

24 Zvino achagadzira chipo chechidyiwa, efa panzombe diki, neefa pagondohwe, nehini* yemafuta paefa.

25 Mumwedzi wechinomwe, nezuva regumi nemashanu remwedzi, uchaita zvakafanana neizvi pamabiko, mazuva manomwe, zvichienderana nechipo chechivi, zvichienderana nechipo chinopiswa, uye zvichienderana nechipo chechidyiwa, uye zvichienderana nemafuta.