ShonaTeam Ezekiel « 43 »

Kubwinya kwaJehovha kunozadza imba

43Zvino wakandipinzisa kusuwo, suwo rakatarisa kumabvazuva.

2 Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakauya kuchibva nenzira yekumabvazuva; uye inzwi rake raiva seruzha rwemvura zhinji, nyika ndokupenya nekubwinya kwake.

3 Zvino zvaienderana nekuonekwa kwechiratidzo chandakaona, zvichienderana nechiratidzo chandakaona pandakauya kuzoparadza guta; uye zviratidzo zvakaita sechiratidzo chandakaona parwizi Kebhari; ini ndokuwa nechiso changu.

4 Kubwinya kwaJehovha ndokupinda mumba nenzira yesuwo raiva rakatarisa nzira yekumabvazuva.

5 Zvino Mweya wakandikwidza ndokundiunza muchivanze chemukati; zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba.

6 Zvino ndikanzwa umwe achitaura neni kubva mumba; murume ndokumira neni.

7 Ndokuti kwandiri: Mwanakomana wemunhu, inzvimbo yechigaro changu cheushe, nenzvimbo yezvitsiko zvetsoka dzangu, pandichagara pakati pevana vaIsraeri nekusingaperi. Zvino imba yaIsraeri haingazosvibisizve zita rangu dzvene, ivo kana madzimambo avo, neufeve hwavo kana nezvitunha zvemadzimambo avo, panzvimbo dzavo dzakakwirira;

8 pakumisa kwavo chikumbaridzo chavo nechikumbaridzo changu, negwatidziro ravo pagwatidziro rangu, nechidziro pakati pangu navo; vakasvibisawo zita rangu dzvene nezvinyangadzo zvavo zvavakaita, naizvozvo ndakavapedza mukupfuta kwangu.

9 Zvino ngavaise ufeve hwavo nezvitunha zvemadzimambo avo kure neni; ipapo ndichagara pakati pavo nekusingaperi.

10 Iwe, mwanakomana wemunhu, ratidza imba yaIsraeri imba iyi, kuti vanyare pamusoro pezvitadzo zvavo; uye ngavayere chipimo.

11 Zvino kana vachinyara pamusoro pezvose zvavakaita, uvazivise chimiro cheimba, nekuonekwa kwayo, nenzvimbo dzayo dzekubuda, nenzvimbo dzayo dzekupinda, nezvimiro zvayo zvose, nezvimiso zvayo zvose, nezvimiro zvayo zvose, nemirairo yayo yose, ugonyora pamberi pemeso avo, kuti vachengetedze chimiro chayo chose, nezvimiso zvayo zvose, vagozviita.

12 Uyu murairo weimba: Pamusoro penhongonya yegomo, muganhu wayo wose kupoteredza kumativi ose uchava mutsvene-tsvene; tarirai uyu murairo weimba.

Aritari yezvibairo

13 Zvino izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti, kubhiti ikubhiti nekufara kwechanza, nepasi pachava kubhiti, nekufara kubhiti, nemuganhu wayo pamucheto wayo kupoteredza kuchava chanza; zvino uyu uchava musana wearitari.

14 Zvino kubva panheyo pavhu kusvika pamuganhu wepasi pachava makubhiti maviri, nekufara kubhiti rimwe, uye kubva pamuganhu mudiki kusvika pamuganhu mukuru pachava makubhiti mana, uye kufara kubhiti.

15 Zvino choto chearitari chichava makubhiti mana, uye kubva pachoto chearitari zvichikwira dzichava nyanga ina.

16 Zvino choto chearitari chichava makubhiti gumi nemaviri kureba, negumi nemaviri kufara, mativi mana akaenzana pamativi ayo mana.

17 Zvino muganhu uchava makubhiti gumi nemana kureba, negumi nemana kufara, pamativi mana ayo; nemupendero kuipoteredza uchava hafu yekubhiti; nechigadziko chayo chichava kubhiti kupoteredza; nemitanho yayo ichatarisa kumabvazuva.

18 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Izvi zvimiso zvearitari nezuva ravachaiita, kuti vape chipo chinopiswa pamusoro payo, nekusasa ropa pamusoro payo.

19 Zvino uchapa kuvapristi, vaRevhi vari vembeu yaZadhoki, vanoswedera kwandiri kuzondishumira, anoreva Ishe Jehovha, nzombe diki mhuru yemombe yechipo chechivi.

20 Zvino uchatora rimwe reropa rayo ndokuisa panyanga ina dzayo, nepamakona mana emuganhu, nepamupendero kupoteredza; saizvozvo uchainatsa nekuiyananisira.

21 Uchatorawo nzombe diki yechipo chechivi, ndokuipisa panzvimbo yakatarwa yeimba, kunze kwenzvimbo tsvene.

22 Zvino nezuva rechipiri uchapa mbudzana yembudzi dzisina chipomerwa kuva chipo chechivi; uye vachanatsa aritari, sezvavakanatsa nenzombe diki.

23 Kana wapedza kunatsa, uchapa nzombe diki mhuru yemombe isina chipomerwa, negondohwe kubva paboka risina chipomerwa.

24 Zvino uchazviswededza pamberi paJehovha; uye vapristi vagokushira munyu pamusoro pazvo, ndokuzvipa kuva chipo chinopiswa kuna Jehovha.

25 Mazuva manomwe uchagadzira mbudzi yechipo chechivi zuva rimwe nerimwe; vachagadzirawo nzombe diki mhuru yemombe, negondohwe kubva paboka, zvisina chipomerwa.

26 Mazuva manomwe vachayananisira aritari nekuichenura, uye vachazvitsaura.

27 Kana mazuva aya apera, zvichati, pazuva rerusere uye zvichienda mberi, vapristi vachaita zvipo zvenyu zvinopiswa pamusoro pearitari, nezvibairo zvenyu zvekuvonga; zvino ndichakugamuchirai, anoreva Ishe Jehovha.