ShonaTeam Ezekiel « 42 »

Makamuri echivanze

42Zvino wakandibudisira kuchivanze chekunze, nenzira inoenda kumaodzanyemba; ndokundiunza mukamuri raiva mhiri pakatarisana nenzvimbo yakaparadzaniswa, neraiva pamberi pechivakwa wakatarisa kumaodzanyemba.

2 Pamberi peurefu hwemakubhiti zana paiva nemukova wekumaodzanyemba, uye kufara makubhiti makumi mashanu.

3 Mhiri pakatarisana nemakubhiti makumi maviri echivanze chemukati, uye mhiri pakatarisana nepakarongwa nemabwe paiva pechivanze chekunze, berere rakatarisana neberere, mumitanho mitatu.

4 Nepamberi pemakamuri paiva nemufambo wemakubhiti gumi kufara nechemukati, nzira yekubhiti rimwe; nemagonhi awo akatarisa kumaodzanyemba.

5 Zvino makamuri ekumusoro aiva mapfupi, nokuti maberere aiva akakwirira kupfuura awa, kupfuura epasi, uye kupfuura repakati-kati pechivakwa.

6 Nokuti aiva nemitanho mitatu, asi aiva asina mbiru sembiru dzezvivanze; naizvozvo chivakwa chaiva chakamanikana kupfuura epasi-pasi neepakati-kati kubva muvhu.

7 Zvino chidziro chaiva kunze mhiri pakatarisana nemakamuri wakatarisa kuchivanze chekunze, kudivi repamberi remakamuri, kureba kwacho makubhiti makumi mashanu.

8 Nokuti kureba kwemakamuri aiva muchivanze chekunze kwaiva makubhiti makumi mashanu; uye tarira, pamberi petembere paiva nemakubhiti zana.

9 Zvino kubva pasi pemakamuri awa paiva nemukova kubva kumabvazuva, munhu paanopinda maari kubva kuchivanze chekunze.

10 Makamuri aiva muupamhi hwechidziro chechivanze wakatarisa kumabvazuva, mhiri pakatarisana nenzvimbo yakaparadzaniswa, nemhiri pakatarisana nechivakwa.

11 Nenzira pamberi pawo yaiva yakaita sekuonekwa kwemakamuri aiva akatarisa kumaodzanyemba, sekureba kwawo, saizvozvo sekufara kwawo, nepakubuda kwawo kose, uye zvichienderana nemarongerwo awo, uye zvichienderana nemagonhi awo.

12 Zvino zvichienderana nemikova yemakamuri aiva panzira yekuchamhembe, mukova pamusoro wenzira, nzira pamusoro pechidziro chakaruramana nawo, paunopinda panzira yekumabvazuva.

13 Zvino akati kwandiri: Makamuri ekumaodzanyemba nemakamuri ekuchamhembe, aiva pamberi penzvimbo yakaparadzaniswa, ndiwo makamuri matsvene apo mupristi aiswedera kuna Jehovha paaidya zvinhu zvitsvene zvezvitsvene; ipapo vachaisa zvinhu zvitsvene zvezvitsvene, nechipo chechidyiwa, nechipo chechivi, nechipo chechitadzo, nokuti nzvimbo itsvene.

14 Pakupinda kwemupristi, ipapo vaiva vasingabudi panzvimbo tsvene kuenda kuchivanze chekunze, asi vachaisamo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokuti itsvene; ndokupfeka dzimwe nguvo, vagoswedera kune zvevanhu.

15 Wakati apedza zviyero zveimba yemukati, akandibudisa nenzira yesuwo raiva mberi kwaro rakatarisa kumabvazuva, uye wakaiyera kupoteredza kumativi ose.

16 Wakayera rutivi rwemabvazuva nerutsanga rwekuyeresa, tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa, kupoteredza.

17 Wakayera rutivi rwemaodzanyemba, tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa, kupoteredza.

18 Wakayera rutivi rwechamhembe, tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa.

19 Wakatendeukira kurutivi rwekumavirira, akayera tsanga mazana mashanu, nerutsanga rwekuyeresa.

20 Wakaiyera pamativi mana; yaiva nechidziro kupoteredza kumativi ose; kureba mazana mashanu, uye kufara mazana mashanu, kuparadzanisa pakati penzvimbo tsvene nezvisati zviri zvitsvene.