ShonaTeam Ezekiel « 41 »

Nzvimbo tsvene dzetembere

41Zvino wakandiunza mutembere, ndokuyera mbiru, makubhiti matanhatu kufara kurutivi rwuno, nemakubhiti matanhatu kurutivi irwo, kufara kwetende.

2 Nekufara kwegonhi makubhiti gumi, nemativi egonhi makubhiti mashanu kurutivi runo nemakubhiti mashanu kurutivi irwo. Zvino wakayera kureba kwaro, makubhiti makumi mana, nekufara makubhiti makumi maviri.

3 Zvino wakapinda nechemukati, ndokuyera mbiru dzemukova, makubhiti maviri, negonhi makubhiti matanhatu, nekufara kwegonhi, makubhiti manomwe.

4 Zvino wakayera kureba kwawo, makubhiti makumi maviri, nekufara makubhiti makumi maviri pamberi petembere; ndokuti kwandiri: Iyi itsvene yedzitsvene.

5 Zvino wakayera chidziro cheimba, makubhiti matanhatu, nekufara kwekamuri reparutivi, makubhiti mana kupoteredza kumativi ose eimba divi rimwe nerimwe.

6 Nemakamuri ekumativi aiva matatu, kamuri reparutivi pamusoro pekamuri reparutivi, akapetwa rwune makumi matatu; zvino akapinda muchidziro chaiva cheimba yemakamuri eparutivi kupoteredza kumativi ose, kuti abatirwe; asi aiva asina kubatirwa pachidziro cheimba.

7 Zvino pakava nekukura nekumonereka zvichingokwira nekukwira kuenda kumakamuri ekumativi, nokuti kumonereka kweimba kwakaenderera kuchikwira mativi ose akapoteredza imba; naizvozvo kufara kweimba kwakava pakukwira; naizvozvowo kuchiwedzerawo kubva pasisa kusvika kumusorosa nepakati.

8 Ndakaonawo kukwirira kweimba kupoteredza kumativi ose, nheyo dzemakamuri eparutivi, rutsanga rwakazara, makubhiti makuru matanhatu.

9 Ukobvu hwechidziro chaiva chekamuri reparutivi kunze, makubhiti mashanu; neyakasara yaiva nzvimbo yemakamuri eparutivi, aiva eimba.

10 Zvino pakati pemakamuri paiva neupamhi hwemakubhiti makumi maviri kupoteredza imba kupoteredza kumativi ose.

11 Nemagonhi emakamuri eparutivi aiva akatarisa kunzvimbo yakasiiwa, rimwe gonhi rakatarisa kumaodzanyemba, uye rimwe gonhi kuchamhembe, uye kufara kwenzvimbo yakasiiwa kwaiva makubhiti mashanu kupoteredza kumativi ose.

12 Maererano nechivakwa chaiva pamberi penzvimbo yakaparadzaniswa, kumucheto kwakatarisa kumavirira, makubhiti makumi manomwe kufara, nechidziro chechivakwa, makubhiti mashanu kukora kupoteredza kumativi ose, nekureba kwacho makubhiti makumi mapfumbamwe.

13 Saizvozvo wakayera imba, makubhiti zana kureba, nenzvimbo yakaparadzaniswa, nechivakwa, nezvidziro zvacho, makubhiti zana kureba.

14 Nekufara kwechiso cheimba, nekwenzvimbo yakaparadzaniswa wakatarisa kumabvazuva, makubhiti zana.

15 Zvino wakayera kureba kwechivakwa mhiri pakatarisana nenzvimbo yakaparadzaniswa yaiva shure kwacho, nemaberere acho kurutivi runo nekurutivi irwo, makubhiti zana, netembere yemukati, nemaberere echivanze.

16 Zvikumbaridzo, nemahwindo akavharwa, nemaberere akapoteredza pane zviri zvitatu, mhiri pakatarisana nechikumbaridzo, zvakafukidzwa nematanda kupoteredza kumativi ose, uye kubva pavhu kusvika kumahwindo, nemahwindo akafukidzwa,

17 kusvika kumusoro kwegonhi kusvikawo kuimba yemukati, nekunze, nepachidziro chose kupoteredza mukati nekunze kumativi ose, uye nezviyero.

18 Zvino kwaiva kwakaitwa makerubhi nemiti yemichindwe, kuti muti wemuchindwe uve pakati pekerubhi nekerubhi, uye kerubhi raiva nezviso zviviri.

19 Kuti chiso chemunhu chitarise muti wemuchindwe kurutivi rwuno, nechiso cheshumba diki chitarise kumuti wemuchindwe kurutivi irwo, zvakaitwa mudzimba dzose kupoteredza kumativi ose.

20 Kubva pavhu kusvika pamusoro pegonhi pane makerubhi nemiti yemichindwe zvakaitwa, nechidziro chetembere.

21 Mbiru dzetembere dzaiva nemativi mana akaenzana, nechiso chenzvimbo tsvene, kuonekwa kwakaita sekuonekwa kwerimwe.

22 Aritari yedanda, makubhiti matatu kukwirira, nekureba kwayo makubhiti maviri; uye yaiva nemakona ayo; nekureba kwayo nezvidziro zvayo zvaiva zvematanda. Zvino akati kwandiri: Iyi itafura iri pamberi paJehovha.

23 Zvino kwaiva nemagonhi maviri patembere nepanzvimbo tsvene.

24 Zvino magonhi aiva nemapapiro maviri, mapapiro maviri anotenderera, maviri pagonhi rimwe, nemapapiro maviri parimwe.

25 Zvino kwaiva kwakaitwa paari, pamagonhi etembere, makerubhi nemiti yemichindwe, sezvaiva zvakaitwa pamusoro pezvidziro, nemapuranga akakora pamusoro pechiso cheberere kunze.

26 Zvino kwaiva nemahwindo akavharwa nemiti yemichindwe kurutivi runo nekurutivi irwo, pamativi eberere, nemakamuri eparutivi eimba, nemapuranga akakora.