ShonaTeam Ezekiel « 40 »

Tembere itsva

40Mugore remakumi maviri nemashanu reutapwa hwedu, pakutanga kwegore, neregumi remwedzi, mugore regumi nemana shure kwekurohwa kweguta, pazuva iroro chairo ruoko rwaJehovha rwakava pamusoro pangu, ndokundiunza ipapo.

2 Muzviratidzo zvaMwari wakandiunza munyika yaIsraeri, ndokundiisa pagomo refu-refu; uye parutivi rwaro paiva nechakaita sechivakwa cheguta kuchamhembe.

3 Zvino wakandiunzako, uye tarira, munhu wekuonekwa kwake kwakaita sekuonekwa kwendarira, ane rwonzi rwefirakisi* muruoko rwake, nerutsanga rwekuyeresa; ndokumira pasuwo.

4 Zvino munhu uyu wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, ona nemeso ako, uye inzwa nenzeve dzako, uye isa moyo wako pamusoro pezvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridza zvose zvaunoona kuimba yaIsraeri.

5 Zvino tarira, kwaiva nerusvingo kunze rwakapoteredza imba kumativi ose; nemuruoko rwemunhu maiva nerutsanga rwekuyeresa rwemakubhiti matanhatu, nekubhiti reupamhi hwechanza; saizvozvo wakayera kufara kwechivakwa, rutsanga rumwe, nekukwirira, rutsanga rumwe.

6 Zvino wakauya pasuwo rakatarisa kumabvazuva, ndokukwira nezvikwiriso zvaro, ndokuyera chikumbaridzo chesuwo, rutsanga rumwe pakufara, nechimwe chikumbaridzo, rutsanga rumwe pakufara.

7 Nekamuri, rutsanga rumwe pakureba, nerutsanga rumwe pakufara, nepakati pemakamuri, makubhiti mashanu, nechikumbaridzo chesuwo paberere resuwo mukati, rutsanga rumwe.

8 Wakayerawo berere resuwo mukati, rutsanga rumwe.

9 Zvino wakayera berere resuwo, makubhiti masere, nembiru dzaro, makubhiti maviri; uye berere resuwo raiva mukati.

10 Nemakamuri esuwo nechekumabvazuva aiva matatu kuno nematatu uko; ari matatu aiva nechiyero chimwe; nembiru dzaiva nechiyero chimwe kurutivi runo nekurutivi irwo.

11 Zvino wakayera kufara kwemukova wesuwo, makubhiti gumi, kureba kwesuwo, makubhiti gumi nematatu.

12 Nemuganhu pamberi pemakamuri, kubhiti rimwe, nekubhiti rimwe muganhu kune rwumwe rutivi, nekamuri, makubhiti matanhatu kurutivi rwuno, nemakubhiti matanhatu kurutivi irwo.

13 Zvino wakayera suwo kubva padenga rekamuri kusvika padenga rerimwe, kufara makubhiti makumi maviri nemashanu, mukova wakatarisana nemukova.

14 Wakaitawo mbiru dzikava makubhiti makumi matanhatu; uye kusvika kumbiru yechivanze kupoteredza suwo kumativi ose.

15 Zvino kubva pachiso chesuwo remukova kusvika kuchiso cheberere resuwo remukati, makubhiti makumi mashanu.

16 Zvino kwaiva nemahwindo akavharwa pamakamuri, nepambiru dzawo mukati memasuwo kupoteredza kumativi ose; uye saizvozvo pamaberere, nemahwindo kupoteredza nechemukati kumativi ose; nepamusoro pembiru paiva nemichindwe.

17 Zvino wakandipinza pachivanze chekunze, uye tarira, makamuri, nepakarongwa nemabwe kuitirwa chivanze kupoteredza kumativi ose; makamuri makumi matatu pamusoro pepakarongwa nemabwe.

18 Zvino pakarongwa nemabwe parutivi rwemasuwo mhiri pakatarisana neurefu hwemasuwo paiva nepakarongwa nemabwe pakaderera.

19 Zvino wakayera kufara kubva mberi kwesuwo repazasi, mberi kwechivanze chemukati kunze, makubhiti zana nechekumabvazuva uye nechekumaodzanyemba.

20 Nesuwo rechivanze chekunze rakatarisa nechekumaodzanyemba, wakayera urefu hwaro, nekufara kwaro.

21 Zvino makamuri aro aiva matatu nechekuno nematatu necheuko; nembiru dzawo nemaberere awo zvichitevera chiyero chesuwo rekutanga; urefu hwaro makubhiti makumi mashanu, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.

22 Nemahwindo aro, nemaberere aro, nemiti yaro yemichindwe zvichitevera chiyero chesuwo rakatarisa kumabvazuva. Zvino vaikwira mariri nezvitsiko zvinomwe, nemaberere aro aiva pamberi pavo.

23 Zvino suwo rechivanze chemukati, mhiri pakatarisana nesuwo kumaodzanyemba nekumabvazuva; iye ndokuyera kubva pasuwo kusvika pasuwo, makubhiti zana.

24 Uye wakandiendesa kuchamhembe, zvino tarira, suwo nechekuchamhembe; uye wakayera mbiru dzaro nemaberere aro zvichienderana nezviyero izvi.

25 Paiva nemahwindo pariri nepamaberere aro kupoteredza kumativi ose, semahwindo awa; urefu makubhiti makumi mashanu, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.

26 Uye kwaiva nezvitsiko zvinomwe zvekukwira kwariri; nemaberere aro pamberi paro; uye raiva nemiti yemichindwe, umwe kurutivi runo neumwe kurutivi urwo, pambiru dzaro.

27 Uye kwaiva nesuwo muchivanze chemukati nechekuchamhembe; ndokuyera kubva kusuwo kusvika kusuwo nechekuchamhembe, makubhiti zana.

28 Zvino wakandiunza kuchivanze chemukati nesuwo rekuchamhembe; ndokuyera suwo rekuchamhembe zvichienderana nezviyero izvi.

29 Nemakamuri aro nembiru dzaro nemaberere aro zvichienderana nezviyero izvi; nemahwindo aiva pariri, nepamaberere aro kupoteredza kumativi ose, makubhiti makumi mashanu kureba, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.

30 Nemaberere kupoteredza kumativi ose, makubhiti makumi maviri nemashanu kureba, nekufara makubhiti mashanu.

31 Nemaberere aro aiva kuchivanze chekunze; nemiti yemichindwe pambiru dzaro, uye kukwira kwariri kwaiva nezvitsiko zvisere.

32 Zvino wakandiunza muchivanze chemukati nechekumabvazuva, ndokuyera suwo zvichienderana nezviyero izvi.

33 Nemakamuri aro, nembiru dzaro, nemaberere aro, zvichienderana nezviyero izvi; uye paiva nemahwindo pariri, nepamaberere aro kupoteredza kumativi ose; makubhiti makumi mashanu kureba, nemakubhiti makumi maviri nemashanu kufara.

34 Nemaberere aro nechekuchivanze chekunze, nemiti yemichindwe pamusoro pembiru dzaro, kurutivi runo nekurutivi irwo; uye kukwira kwariri kwaiva nezvitsiko zvisere.

35 Zvino wakandiunza kusuwo rekumaodzanyemba, ndokuyera zvichienderana nezviyero izvi.

36 Makamuri aro, mbiru dzaro, nemaberere aro; nemahwindo aiva pariri kupoteredza kumativi ose; kureba makubhiti makumi mashanu, nekufara makubhiti makumi maviri nemashanu.

37 Nembiru dzaro dzaiva kuchivanze chekunze; nemiti yemichindwe pambiru dzaro kurutivi runo nekurutivi urwo; uye kukwira kwariri kwaiva zvitsiko zvisere.

38 Zvino makamuri nemikova yawo zvaiva pambiru dzemasuwo; ipapo ndipo pavaisuka chipo chinopiswa.

39 Zvino muberere resuwo maiva nematafura maviri kurutivi runo nematafura maviri kurutivi irwo, kuuraira pamusoro pawo chipo chinopiswa nechipo chechivi nechipo chechitadzo.

40 Nekurutivi kunze pakukwira kuenda kumukova wesuwo rekumaodzanyemba paiva nematafura maviri, nekune rwumwe rutivi rwaiva paberere resuwo paiva nematafura maviri.

41 Matafura mana aiva kurutivi rwuno, nematafura mana kurutivi irwo; kurutivi rwesuwo kwaiva nematafura masere pavaiurairapo.

42 Zvino matafura mana aiva eibwe rakavezwa echipo chinopiswa, eurefu hwekubhiti nehafu, nekufara kwekubhiti nehafu, nekubhiti rimwe kukwirira; vaiisawo zvombo pamusoro pawo zvavaiuraisa chipo chinopiswa nechibairo.

43 Kwaiva nemahaka, aiva neufari hwechanza chimwe, dzakaiswa mukati kupoteredza kumativi ose; uye pamatafura paiva nenyama yechipo.

44 Zvino kunze kwesuwo remukati kwaiva nemakamuri evaimbi, muchivanze chemukati, chaiva kurutivi rwesuwo rekumaodzanyemba, kwarakatarisa kuri nechekuchamhembe; rimwe riri kurutivi rwesuwo rekumabvazuva richitarira nechekumaodzanyemba.

45 Zvino wakati kwandiri: Kamuri iri, kutarisa kwaro kuri kuchamhembe, ndere vapristi, vachengeti vebasa reimba.

46 Uye kamuri kutarisa kwaro kuri kumaodzanyemba, ndere vapristi, vachengeti vebasa rearitari; ivo ndivo vanakomana vaZadhoki pakati pevanakomana vaRevi, vachaswedera kuna Jehovha kuzomushumira.

47 Zvino wakayera chivanze, makubhiti zana kureba, nemakubhiti zana kufara, mativi mana akaenzana; nearitari iri pamberi peimba.

48 Zvino wakandiunza muberere reimba, ndokuyera mbiru yeberere, makubhiti mashanu kurutivi runo nemakubhiti mashanu kurutivi irwo; nekufara kwesuwo kwaiva makubhiti matatu kurutivi runo nemakubhiti mashanu kurutivi urwo.

49 Kureba kweberere kwaiva makubhiti makumi maviri, nekufara makubhiti gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pashongwe paiva pane mbiru, imwe kurutivi runo, neimwe kurutivi irwo.