ShonaTeam Ezekiel « 39 »

39Zvino iwe mwanakomana wemunhu, porofita uchipokana naGogi, zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, iwe Gogi, muchinda ari musoro weMesheki neTubhari.

2 Zvino ndichakudzosera ndigokusiira chikamu chechitanhatu, uye ndichakukwidza kubva kumativi ekumaodzanyemba; uye ndichakuunza pamusoro pemakomo aIsraeri.

3 Zvino ndicharova uta hwako kubva muruoko rwako rweruboshwe, nekuwisisa miseve yako kubva muruoko rwako rwerudyi.

4 Uchawira pamusoro pemakomo aIsraeri, iwe, nemapoka ako ose, nevanhu vanewe; ndichakupa kushiri dzinodya nyama, shiri dzebapiro ripi neripi, nezvikara zvesango, kuva zvekudya.

5 Uchawira pachiso chenyika; nokuti ini ndataura, anoreva Ishe Jehovha.

6 Zvino ndichatumira moto kuna Magogi, nekune vakagara vakatambarara pazviwi; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.

7 Zvino ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pevanhu vangu Israeri, uye handichazosvibisizve zita rangu dzvene; nemarudzi achaziva kuti ndiri Jehovha, Mutsvene muIsraeri.

8 Tarirai, zvauya uye zvaitwa, anoreva Ishe Jehovha; ndiro zuva randataura.

9 Nevagere mumaguta aIsraeri vachabuda, vachavesera moto nekupisa zvombo, zvose nhovo diki nenhovo huru, uta nemiseve, netsvimbo dzemumaoko nemapfumo; zvino vachazvipisa nemoto makore manomwe;

10 kuti havangatori huni kubva musango, uye havangatemeri pasi kubva mumatondo, nokuti vachavesa moto nezvombo, uye vachapamba vanovapamba, nekubira vanovabira, anoreva Ishe Jehovha.

11 Zvino zvichaitika nezuva iro, ndichapa kuna Gogi nzvimbopo yemakuva kwaIsraeri, mupata wevapfuuri kumabvazuva kwegungwa; zvino ichadzivirira vapfuuri; uye ipapo vachaviga Gogi nechaunga chake chose, zvino vachautumidza kuti: Mupata wechaunga chaGogi.

12 Zvino imba yaIsraeri ichavaviga, kuti vanatse nyika, mwedzi minomwe.

13 Zvirokwazvo, vanhu vose venyika vachavaviga; uye zvichava zita kwavari, zuva randicharumbidzwa, anoreva Ishe Jehovha.

14 Zvino vachaparadzanisa varume vanogara vachipfuura pakati penyika kunoviga, nevanopfuura, avo vakasara pachiso chenyika, kuti vainatse; pakupera kwemwedzi minomwe vachaongorora.

15 Nevanopfuura vanopfuura nemunyika, ndokuona pfupa remunhu, zvino achamisa chiratidzo naro, kusvika vavigi variviga mumupata wechaunga chaGogi.

16 Uyewo zita reguta richava Hamona. Saizvozvo vachanatsa nyika.

17 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Taura kushiri yebapiro ripi neripi, nekumhuka ipi neipi yesango: Zviunganidzei, muuye, muungane muchibva kumativi ose, kuchibairo changu chandinokubairirai imwi, chibairo chikuru pamusoro pemakomo ekwaIsraeri, kuti mudye nyama nekunwa ropa.

18 Muchadya nyama yevane simba, nekunwa ropa remachinda enyika, remakondohwe, remakwayana, nerembudzi, renzombe diki, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.

19 Muchadya zvakakora kusvika maguta, nekunwa ropa kusvika madhakwa, zvechibairo changu chandakakubairirai.

20 Saizvozvo muchaguta patafura yangu nemabhiza nengoro, nevane simba, nevarume vose vehondo, anoreva Ishe Jehovha.

21 Zvino ndichamisa kubwinya kwangu pakati pevechirudzi; uye vechirudzi vose vachaona mutongo wangu wandakaita, neruoko rwangu rwandakaisa pakati pavo.

22 Naizvozvo imba yaIsraeri ichaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wavo, kubva pazuva iro zvichienda mberi.

23 Zvino vechirudzi vachaziva kuti imba yaIsraeri yakatapwa nekuda kweuipi hwavo; nokuti vakanditadzira, naizvozvo ndakavanza chiso changu kubva kwavari, ndokuvapa muruoko rwevavengi vavo, zvino vakawa nemunondo, vose.

24 Ndakavaitira zvinoenderana nekusviba kwavo uye zvinoenderana nezvitadzo zvavo, ndokuvanza chiso changu kubva kwavari.

25 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ikozvino ndichadzosa utapwa hwaJakove, nekunzwira tsitsi imba yose yaIsraeri; uye ndichava negodo nezita rangu dzvene;

26 vachinge vatakura nyadzi dzavo, nezvitadzo zvavo zvose zvavakanditadzira, pavakagara vakachengetedzeka munyika yavo, uye pasina anotyisa.

27 Ndichinge ndavadzosa kubva kuvanhu, nekuvaunganidza kubva kunyika dzevavengi vavo, uye ndanatswa mavari pameso pemarudzi mazhinji;

28 ipapo vachaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wavo, ndakaita kuti vaendeswe muutapwa pakati pevechirudzi, asi ndavaunganidza munyika yavo, uye handina kusiyazve umwe wavo ikoko.

29 Uye handingazovavanzirizve chiso changu; nokuti ndakadurura mweya wangu pamusoro peimba yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.