ShonaTeam Ezekiel « 38 »

Shoko pamusoro paGogi

38Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuna Gogi, nyika yaMagogi, muchinda ari musoro weMesheki neTubhari, ugoporofita uchipokana naye.

3 Uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira ndinopokana newe, iwe Gogi, muchinda ari musoro weMesheki naTubhari.

4 Zvino ndichakudzosera, ndigoisa haka mushaya dzako, uye ndichakubudisa, nehondo yako yose, mabhiza nevatasvi vemabhiza, vose vakapfeka nguvo dzakanaka kwazvo, boka guru, vane nhovo huru nenhovo diki, vose vakabata minondo.

5 Perisiya, Itiyopiya, nePuti pamwe navo, vose vane nhovo nenguwani.

6 Gomeri nemapoka ake ose, imba yaTogarima wekumativi ekumaodzanyemba, nemapoka ake ose, vanhu vazhinji pamwe newe.

7 Gadzirira, uzvigadzirire, iwe, neboka rose rakaungana kwauri; zvino uve muchengetedzi kwavari.

8 Shure kwemazuva mazhinji uchashanyirwa; mumakore ekupedzisira uchauya munyika kudzoswa kubva kumunondo, kuunganidzwa kubva kuvanhu vazhinji, kupokana nemakomo aIsraeri, aigara ari matongo, asi iyo nyika yakadzoswa kubva kumarudzi, zvino vose vachagara vakachengetedzeka.

9 Uye uchakwira ugouya sedutu remhepo, uchava segore kufukidza nyika, iwe nemapoka ako ose, nevanhu vazhinji pamwe newe.

10 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvichaitikawo pazuva iroro, zvinhu zvichauya mumurangariro wako, uye uchafunga pfungwa yakashata;

11 ugoti: Ndichakwira kunyika ine misha isina kushoshewa, ndichaenda kune vari pazororo, vagere vakatambarara, vose vagere pasina rusvingo, uye vasina zvipfigiso kana masuwo;

12 kupamba zvipambwa, nekujimba zvijimbiwa, kutendeusira ruoko rwako pamusoro penzvimbo dziri matongo dzave kugarwa, nepamusoro pevanhu vakaungana kubva kumarudzi, vakawana zvipfuwo nefuma, vagere pakati penyika.

13 Shebha, neDhedhani, nevatengeserani veTarishishi, pamwe neshumba diki dzose dzepo, vachati kwauri: Wauya kuzopamba zvipambwa here? Chaunga chako wachiunganidzira kubata chakabatwa here, kuenda nesirivha negoridhe, kutora zvipfuwo nefuma, kupamba zvipambwa zvikuru here?

14 Naizvozvo, porofita, mwanakomana wemunhu, uti kuna Gogi: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nezuva iro vanhu vangu Israeri vagara vakachengetedzeka, haungazivi here?

15 Zvino uchauya kubva kunzvimbo yako kubuda mumativi ekumaodzanyemba, iwe nevanhu vazhinji pamwe newe, vose vakatasva mabhiza, chaunga chikuru, uye hondo yakasimba.

16 Zvino uchakwira wakanangana nevanhu vangu Israeri, segore kunofukidza nyika; zvichaitika pamazuva ekupedzisira; zvino ndichakuunzai kumirisana nenyika yangu, kuti vechirudzi vandizive, pandichaitwa mutsvene mauri, iwe Gogi, pamberi pemeso avo.

17 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndiwe here wandakataura panguva dzekare neruoko rwevaranda vangu vaporofita vaIsraeri, vaiporofita mumazuva ayo kwemakore kuti ndichakuuisa kumirisana navo?

18 Zvino zvichaitika pazuva iro, pazuva Gogi raachauya naro kurwisa nyika yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha, kupfuta kwangu kuchakwira pachiso changu.

19 Nokuti mushanje dzangu, mumoto wehasha dzangu ndataura: Zvirokwazvo nezuva iro kuchava nekudengenyeka kukuru panyika yaIsraeri.

20 Zvekuti hove dzegungwa, neshiri dzekumatenga, nemhuka dzesango, nezvinokambaira zvose zvinokambaira panyika, nevanhu vose vari pamusoro pechiso chenyika, zvichazununguka pakuvapo kwangu; nemakomo achawisirwa pasi, nemawere achawira pasi, nerusvingo rumwe nerumwe ruchawira pasi.

21 Zvino ndichadana munondo kurwisana naye mumakomo angu ose, anoreva Ishe Jehovha; munondo wemunhu umwe neumwe ucharwa nehama yake.

22 Zvino ndichamutonga nehosha uye neropa; uye ndichanaisa pamusoro pake, nepamusoro pezvaunga zvake, nepamusoro pemarudzi mazhinji anaye, mvura inokukudza, nechimvuramabwe chikuru, moto nesarufa.

23 Saizvozvo ndichazvikurisa, nekuzviita mutsvene, uye ndichazikanwa pamberi pemeso emarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.