ShonaTeam Ezekiel « 37 »

Mupata wemapfupa akaoma

37Ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro pangu, ndokundibudisa neMweya waJehovha, ndokundiisa pakati pemupata; uye waiva uzere nemapfupa.

2 Zvino wakandipfuudzisa nepaari kupoteredza kumativi ose; zvino tarira, aiva mazhinji kwazvo pachiso chemupata; uye tarira, akaoma kwazvo.

3 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mapfupa awa angararama here? Zvino ndikati: Ishe Jehovha, ndimwi munoziva.

4 Wakatizve kwandiri: Porofita pamusoro pemapfupa awa, ugoti kwaari: Imwi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.

5 Anoreva seizvi Ishe Jehovha kumapfupa awa: Tarirai, ndichapinzisa mweya mukati menyu, zvino muchararama.

6 Zvino ndichaisa marunda pamusoro penyu, nekukwidza nyama pamusoro penyu, nekukufukidzai neganda, nekuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

7 Naizvozvo ndakaporofita sezvandakarairwa; zvino ndakati ndichiporofita, mutinhiro ndokuvapo; zvino tarira, kudengenyeka; mapfupa ndokuswederana, pfupa kupfupa raro.

8 Zvino ndichiona, tarira, marunda nenyama zvakakwira pamusoro pawo; ganda ndokuafukidza pamusoro; asi maiva musina mweya maari.

9 Ipapo iye wakati kwandiri: Porofitira kumhepo, porofita, mwanakomana wemunhu, uti kumhepo: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere kune ava vakaurawa, kuti vararame.

10 Saizvozvo ndakaporofita sezvaakandiraira; mweya ndokupinda maari; iwo ndokurarama, ndokumira netsoka dzawo, hondo huru kwazvo-kwazvo.

11 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsraeri. Tarira, vanoti: Mapfupa edu aoma, uye tariro yedu yaparara, tagurwa pachedu.

12 Naizvozvo porofita, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichazarura makuva enyu, nekukukwidzisai kubva mumakuva enyu, imwi vanhu vangu, nekukuunzai munyika yaIsraeri.

13 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndazarura makuva enyu, ndikakukwidzai kubva mumakuva enyu, imwi vanhu vangu.

14 Zvino ndichaisa mweya wangu mamuri, uye muchararama, uye ndichakuisai munyika yenyu; ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakataura uye ndakaita, anoreva Jehovha.

15 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

16 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvitorere rutanda rumwe, ugonyora pamusoro parwo kuti: RwaJudha, uye rwevana vaIsraeri, shamwari dzake; ipapo utore rumwe rutanda, ugonyora pamusoro parwo kuti: RwaJosefa, rutanda rwaEfuremu, neimba yose yaIsraeri, shamwari dzake.

17 Zvino uhu swededzanise, rumwe kune rumwe kwauri, ruve rutanda rumwe; zvino vuchava rumwe chete muruoko rwako.

18 Zvino kana vana vevanhu vako vakataura kwauri vachiti: Haungatizivisi here kuti izvi zvii kwauri?

19 Uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichatora rutanda rwaJosefa, rwuri muruoko rwaEfuremu, nemarudzi aIsraeri, shamwari dzake, uye ndichavaisa pamwe naye, nerutanda rwaJudha, ndigovaita rutanda rumwe; zvino vachava umwe chete muruoko rwangu.

20 Zvino matanda aunonyora pamusoro pawo achava muruoko rwako pamberi pemeso avo.

21 Zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichatora vana vaIsraeri kubva pakati pevechirudzi kwavakaendako, uye ndichavaunganidza kudivi rimwe nerimwe, ndigovauisa munyika yavo.

22 Zvino ndichavaita rudzi rwumwe chete munyika pamusoro pemakomo aIsraeri; zvino mambo umwe chete achava mambo wevose; uye havachazovizve marudzi maviri, uye havangaparadzaniswizve kuita umambo uvirizve.

23 Havangazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo, kana nezvinosemesa zvavo, kana nechipi chezvitadzo zvavo. Asi ndichavaponesa kubva panzvimbo dzavo dzose dzekugara, pavakatadza, uye ndichavanatsa; saizvozvo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.

24 Zvino Dhavhidhi muranda wangu achava mambo pamusoro pavo; uye vose vachava nemufudzi umwe. Vachafambawo mumitongo yangu, nekuchengetedza mitemo yangu, nekuiita.

25 Zvino vachagara munyika yandakapa Jakove muranda wangu, maigara madzibaba enyu; zvino vachagaramo, ivo nevana vavo nevana vevana vavo nekusingaperi; zvino muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda wavo nekusingaperi.

26 Ndichaitawo sungano yerugare navo; ichava sungano yekusingaperi navo; uye ndichavaisapo, nekuvawanza, nekuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo narinhi.

27 Tabhenakeri yanguwo ichava pamwe navo, hongu, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.

28 Zvino vechirudzi vachaziva kuti ini Jehovha, ndinoita Israeri mutsvene, nzvimbo yangu tsvene painenge iri pakati pavo narinhi.