ShonaTeam Ezekiel « 35 »

Shoko pamusoro pegomo reSeiri

35Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako wakamirisana negomo reSeiri, uye uporofite uchipokana naro,

3 uti kwariri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, iwe gomo reSeiri, zvino ndichatandavadzira ruoko rwangu kupokana newe, uye ndichakuita dongo nekuparara.

4 Ndichaita maguta ako ave matongo, uye iwe uchava wakaparara, zvino uchaziva kuti ndiri Jehovha.

5 Nokuti wakava neruvengo rwusingaperi, uye wakateura vana vaIsraeri nesimba remunondo panguva yenjodzi yavo, nenguva yechitadzo chekupedzisira;

6 naizvozvo, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo ndichakugadzirira ropa, uye ropa richakuteverera; zvausina kuvenga ropa, ropa richakutevererawo.

7 Saizvozvo ndichaita gomo reSeiri kuparara nedongo; uye ndichagura kubva mariri anopfuura neanodzoka.

8 Zvino ndichazadza makomo aro nevakaurawa varo; makomo ako nemipata yako nenzizi dzako dzose, vanourawa nemunondo vachawa padziri.

9 Ndichakuita matongo asingaperi, uye maguta ako haangagarwi; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

10 Zvawakati: Marudzi awa maviri nenyika idzi mbiri zvichava zvangu, uye tichazvigara nhaka kunyange Jehovha aivapo ipapo;

11 naizvozvo neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, ndichaitawo zvinoenderana nekutsamwa kwako, uye zvinoenderana negodo rako rawakaita kubva paruvengo rwako rwaipokana navo; zvino ndichazvizivisa pakati pavo pandinenge ndakutonga.

12 Zvino uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kunyomba kwako kose kwawakataura uchipokana nemakomo aIsraeri, uchiti: Aparara, apiwa kwatiri ave zvekudya.

13 Saizvozvo nemuromo wenyu makazvikudza muchipokana neni, uye makawanza mashoko enyu kupokana neni; ini ndanzwa.

14 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Semufaro wenyika yose, ndichakuita uve dongo.

15 Sezvawakafara panhaka yeimba yaIsraeri, nekuda kwekuti yakaparara, ndichaita saizvozvo kwauri; uchava dongo, iwe gomo reSeiri, neEdhomu rose, zvose zvaro; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.