ShonaTeam Ezekiel « 34 »

Shoko pamusoro pevafudzi vaIsraeri

34Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, porofita uchipokana nevafudzi vaIsraeri, porofita, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha kuvafudzi: Nhamo kuvafudzi vaIsraeri vanozvifudza! Vafudzi havafaniri kufudza makwai here?

3 Munodya mafuta, uye munozvipfekedza makushe, munobaya akakora, hamufudzi makwai.

4 Hamuna kusimbisa asina simba, neanorwara hamuna kurapa, uye hamuna kusunga akavhunika, uye hamuna kudzosa akadzingwa, neakarasika hamuna kutsvaka, asi nechisimba makaatonga, uye neutsinye.

5 Saizvozvo akapararira, nokuti hakuna mufudzi, uye akava zvekudya zvezvikara zvose zvesango, paakapararira.

6 Makwai angu akadzungaira nemumakomo ose nepachikomo chimwe nechimwe chakakwirira; hongu, makwai angu akapararira pachiso chose chenyika; zvino hakuna wakatsvaka uye hakuna wakaronda.

7 Naizvozvo imwi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.

8Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo, nokuti makwai angu akava chakajimbiwa, uye makwai angu akava chekudya chechikara chipi nechipi chesango, nokuti hakuna mufudzi, nevafudzi vangu havana kutsvaka makwai angu, asi vafudzi vakazvifudza, ndokusafudza makwai angu;

9 naizvozvo imwi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.

10 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinopokana nevafudzi, uye ndichabvunza makwai angu paruoko rwavo, nekuvagumisa kufudza makwai, nevafudzi havangazvifudzizve, nokuti ndichanunura makwai angu kubva pamuromo wavo, kuti arege kuzova zvekudya zvavo.

11 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ini, iyeni, ndichatsvaka makwai angu nekuaronda.

12 Semufudzi anoronda boka rake pazuva raari pakati pemakwai ake akapararira, saizvozvo ndicharonda makwai angu, nekuanunura kubva panzvimbo dzose kwaakaparariramo pazuva remakore nererima.

13 Zvino ndichaabudisa kubva mumarudzi, nekuaunganidza kubva kudzinyika, uye ndichaauyisa kunyika yawo, ndokuafudza pamakomo aIsraeri, panzizi nepanzvimbo dzose dzakagarwa dzepanyika.

14 Ndichaafudza paufuro hwakanaka, nepamusoro pemakomo akakwirira aIsraeri danga rawo richavapo; acharara ipapo mudanga rakanaka, uye achafura pamafuro akakora pamakomo aIsraeri.

15 Ini ndichafudza makwai angu, uye ini ndichaararisa pasi, anoreva Ishe Jehovha.

16 Ndichatsvaka akarasika, uye ndichadzosa akadzingwa, uye ndichasunga akavhunika, uye ndichasimbisa anorwara; asi ndichaparadza akakora neakasimba; ndichaafudza nemutongo.

17 Zvino imwi, makwai angu, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinotonga pakati pegwai negwai, pakati pemakondohwe nedzinhongo.

18 Chinhu chidiki kwamuri here kuti mufure paufuro hwakanaka, uye mutsikire pasi akasara emafuro enyu netsoka dzenyu? Uye kuti manwa pamvura dzakadzika asi mobvongodza yasara netsoka dzenyu?

19 Asi makwai angu, anofura zvamakatsika netsoka dzenyu, uye anonwa zvakabvongodzwa netsoka dzenyu.

20 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha kwavari: Tarirai, ini, iyeni, ndichatonga pakati pegwai rakakora negwai rakaonda.

21 Zvamunosunda nerutivi uye nefudzi, muchitunga ose anorwara nenyanga dzenyu, kusvika maaparadzira kunze,

22 naizvozvo ndichaponesa makwai angu, kuti arege kuzojimbiwa, uye ndichatonga pakati pegwai negwai.

23 Zvino ndichamisa mufudzi umwe chete pamusoro pawo, uye achaafudza, muranda wangu Dhavhidhi; iye achaafudza, uye iye achava mufudzi wawo.

24 Zvino ini Jehovha ndichava Mwari wavo, nemuranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pavo; ini Jehovha ndataura.

25 Zvino ndichaita navo sungano yerugare, uye ndichagumisa zvikara zvakaipa panyika; uye vachagara vakachengetedzeka murenje, nekurara mumasango.

26 Ndichavaita ropafadzo ivo nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu; uye ndichaburusa kupfunha panguva yako; kuchava nekupfunha kukuru kweropafadzo.

27 Zvino muti wesango uchabereka chibereko chawo, nenyika ichapa goho rayo; uye vachava vakachengetedzeka munyika yavo; uye vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichavhuna zvikeyi zvejoko ravo, nekuvanunura kubva paruoko rwevakavashandisa.

28 Zvino havachavizve chakajimbiwa kune vechirudzi; nechikara chenyika hachingavapedzi; asi vachagara vakachengeteka, uye hakuna achavatyisa.

29 Zvino ndichavamutsira chirimwa chine zita; uye havachazopedzwizve nenzara munyika; uye havachazotakurizve chinyadzo chevechirudzi.

30 Naizvozvi vachaziva kuti ini Jehovha Mwari wavo ndinavo, uye ivo vanhu vangu, imba yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.

31 Zvino imwi makwai angu, makwai eufuro hwangu, muri vanhu; ini ndiri Mwari wenyu, anoreva Ishe Jehovha.