ShonaTeam Ezekiel « 32 »

Farao wakafanana nengwena

32Zvino zvakaitika mugore regumi nemaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, simudzira Farao mambo weEgipita mariro, zvino uti kwaari: Wakafanana neshumba diki pamarudzi; uye wakaita sebukanana mumakungwa; uye wakadhuuka munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nekusvibisa nzizi dzawo.

3 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Naizvozvo ndichatambanudzira rutava rwangu pamusoro pako nechaunga chevanhu vazhinji; zvino vachakukwidza uri mumumbure wangu.

4 Zvino ndichakusiya pavhu, uye ndichakukandira pabani, uye ndichagarisa shiri dzose dzematenga pamusoro pako, uye ndichagutsa zvikara zvenyika dzose newe.

5 Uye ndichaisa nyama yako pamusoro pemakomo, nekuzadza mipata neurefu hwako.

6 Ndichadiridzawo nyika nekuyerera kunobva paropa rako kusvika kumakomo; uye hova dzichazadzwa newe.

7 Uye kana ndichikudzima, ndichafukidza matenga, nekusvibiridza nyeredzi; ndichafukidza zuva negore, uye mwedzi haungapi chiedza chawo.

8 Zviedza zvose zvinovhenekera mumatenga ndichazviita rima pamusoro pako, nekuisa rima panyika yako, anoreva Ishe Jehovha.

9 Ndicharwadzisawo moyo yevanhu vazhinji, pandichaunza kupwanyika kwako pakati pemarudzi, panyika dzausina kuziva.

10 Hongu, ndichashamisisa vanhu vazhinji newe, nemadzimambo avo achatya zvikuru newe, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo; uye vachadedera nguva imwe neimwe, umwe neumwe nekuda kweupenyu hwake, nezuva rekuwa kwako.

11 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kwauri.

12 Ndichawisisa chaunga chako neminondo yevane simba, vanotyisa vemarudzi, vose; zvino vachapamba kuzvikudza kweEgipita; nechaunga chayo chose chichaparadzwa.

13 Ndichaparadzawo mhuka dzayo dzose kubva pamvura zhinji; nerutsoka rwemunhu harwuzoibvongodzizve, uye mahwanda ezvipfuwo haangazoibvongodzi.

14 Ipapo ndichanyudza mvura yavo, nekuyeredza nzizi dzavo semafuta, anoreva Ishe Jehovha.

15 Pandichaita nyika yeEgipita dongo, nenyika ishaiwe zvayaiva yakazara nazvo, pandicharova vose vagere mairi, ipapo vachaziva kuti ndiri Jehovha.

16 Awa ndiwo mariro avachaichema nawo; vakunda vemarudzi vachaichema; vachaichema pamusoro peEgipita nepamusoro pechaunga chake chose, anoreva Ishe Jehovha.

17 Zvino zvakaitika mugore regumi nemaviri, neregumi nemashanu remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

18 Mwanakomana wemunhu, ungudza pamusoro pechaunga cheEgipita, uvawisire pasi, iro nevakunda vemarudzi ane mbiri, kusvika kunzvimbo dzepasi dzenyika, pamwe nevanoburukira kugomba.

19 Unopfuura ani parunako? Buruka, ugonoradzikwa pamwe nevasina kudzingiswa.

20 Vachawa pakati pevakaurawa nemunondo; richapiwa kumunondo; rikwevei pamwe nechaunga charo chose.

21 Vane simba pakati pemhare vachataura naye mukati megehena pamwe nevanomubatsira; vaburukira pasi, varere vasina kudzingiswa, vakaurawa nemunondo.

22 Ashuri riri apo neboka raro rose; makuva aro akarikomberedza; vose vakaurawa, vakawa nemunondo.

23 Nokuti makuva aro akaiswa kumicheto yegomba, uye boka raro rakakomberedza guva raro; vose vakaurawa, vakawa nemunondo, vaipa kutyisa panyika yevapenyu.

24 Eramu riripo nechaunga charo chose chakakomberedza guva raro; vose vakaurawa, vakawa nemunondo, vakaburukira vasina kudzingiswa kunzvimbo dzepasi dzepanyika, vakapa kutyisa kwavo panyika yevapenyu; zvakadaro vakatakura kunyadzisa kwavo pamwe nevanoburukira kugomba.

25 Vakariisira mubhedha pakati pevakaurawa pamwe nechaunga charo; makuva aro akarikomberedza; vose vasina kudzingiswa, vakaurawa nemunondo; nokuti kutyisa kwavo kwakapiwa munyika yevapenyu; zvakadaro vakatakura chinyadzo chavo pamwe nevanoburukira kugomba; rakaiswa pakati pevakaurawa.

26 Mesheki neTubhari aripo, pamwe nechaunga charo chose; makuva aro akarikomberedza; vose vasina kudzingiswa, vakaurawa nemunondo, nokuti vakapa kutyisa kwavo munyika yevapenyu.

27 Zvino havangarari pamwe nevane simba, vakawa pakati pevasina kudzingiswa, vanoburukira kugehena pamwe nezvombo zvavo zvehondo, uye vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo; asi uipi hwavo huchava pamusoro pemapfupa avo; nokuti kutyisa kwemhare kwaiva munyika yevapenyu.

28 Zvino iwe uchaputswa pakati pevasina kudzingiswa, uye ucharara pamwe nevakaurawa nemunondo.

29 Edhomu riripo, madzimambo aro, nemachinda aro ose, vakaradzikwa pamwe nemasimba avo pamwe nevakaurawa nemunondo; ivo vacharara nevasina kudzingiswa nevanoburukira kugomba.

30 Machinda ekumaodzanyemba aripo, aro ose, nevaSidhoni vose, vakaburukira pasi pamwe nevakaurawa; nekutyisa kwavo vakanyadziswa nekuda kwemasimba avo; uye varere vasina kudzingiswa pamwe nevakaurawa nemunondo, ndokutakura chinyadzo chavo pamwe nevanoburukira kugomba.

31 Farao achavaona, zvino achanyaradzwa pamusoro pechaunga chake chose, vakaurawa nemunondo, Farao nehondo yake yose, anoreva Ishe Jehovha.

32 Nokuti ndakaisa kutyisa kwangu panyika yevapenyu; uye acharadzikwa pakati pevasina kudzingiswa pamwe nevakaurawa nemunondo, Farao, nechaunga chake chose, anoreva Ishe Jehovha.