ShonaTeam Ezekiel « 31 »

VaEgipita vachaita sevaAsiriya

31Zvino zvakaitika mugore regumi nerimwe, nemwedzi wechitatu, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, iti kuna Farao mambo weEgipita nekuchaunga chake: Wakafanana nani paukuru hwako?

3 Tarira, Asiriya musidhari paRebhanoni, une mashizha akanaka, sedondo rine mumvuri, uye wakakwirira paurefu; nemusoro wawo waiva pakati pematavi makobvu.

4 Mvura zhinji yakaukurisa; udziku hwakauisa pakakwirira, nenzizi dzawo dzichiyerera kupoteredza zvirimwa zvawo, ndokutuma hova dzayo kumiti yose yesango.

5 Naizvozvo urefu hwawo hwakakwirira kudarika miti yose yesango, mapazi awo ndokuwanda, uye matavi awo akareba nekuda kwemvura zhinji, pamakaumeresa.

6 Shiri dzose dzekumatenga dzakaita matendere adzo mumatavi makobvu awo, nemhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pematavi awo; uye marudzi ose makuru akagara mumumvuri wawo.

7 Saizvozvo waiva wakanaka pakukura kwawo, pakureba kwematavi awo; nokuti mudzi wawo waiva pamvura zhinji.

8 Misidhari mubindu raMwari yaiva isingaudzitiri; miti yemisiperesi haina kufanana nevutavi hwawo; nemipurani yaiva isina kufanana nemabukira awo; kwaiva kusina muti mumunda waMwari wakaita saiwo pakunaka kwawo.

9 Ndakamunatsa neuwandu hwematavi awo, kuti miti yose yeEdheni yaiva mubindu raMwari yakaugodora.

10 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nekuda kwekuti wakazvikudza pakureba uye wakasvitsa musoro wawo pakati pematavi makobvu, zvino moyo wawo wakazvikudza neurefu hwawo;

11 naizvozvo ndichaupa muruoko rweane simba wemarudzi; iye achabata newe kwazvo; ndakaudzinga nekuda kweuipi hwawo.

12 Zvino vatorwa, vanotyisa vemarudzi, vakaugura vakausiya; matavi ake akawira pamusoro pemakomo nemumipata yose; nemabukira awo akagurwa panzizi dzose dzepanyika; nevanhu vose vepanyika vaburuka kubva pamumvuri wawo ndokuusiya.

13 Shiri dzose dzekumatenga dzichagara pamusoro pekuparara kwawo, nemhuka dzose dzesango dzichava pamusoro pematavi awo.

14 Kuti pasava neumwe wemiti yepamvura zhinji uchazvikudza nekuda kweurefu, uye usasvitsa misoro yayo pakati pematavi makobvu, uye isazvimiririra neurefu hwayo, yose inonwa mvura; nokuti yose yakapiwa kukufa, panzvimbo yepasi penyika, pakati pevana vevanhu, kune vanoburukira kugomba.

15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nezuva rawakaburukira kuguva, ndakaitisa mariro; ndakamufukidzira udziku, uye ndakadzivira mafashame ahwo; zvino mvura zhinji yakamiswa; ndakaita Rebhanoni isvibirirwe nekuda kwawo, nemiti yose yesango yakasvava nekuda kwawo.

16 Ndakadederesa marudzi pakutinhira kwekuwa kwake, pandakamuburusira muguva pamwe nevanoburukira kugomba; nemiti yose yeEdheni, yakasarudzwa neyakanaka yeRebhanoni, yose inonwa mvura, ichavaraidzwa panzvimbo yepasi penyika.

17 Naiyo yakaburukira muguva pamwe nawo, kune vaiva vaurawa nemunondo, nevaiva ruoko rwawo vaigara pasi pemumvuri wawo pakati pemarudzi.

18 Wakafanana nani saizvozvo pakubwinya nepaukuru pakati pemiti yeEdheni? Zvakadaro uchaburuswa pamwe nemiti yeEdheni kunzvimbo yepasi penyika; ucharara pakati pevasina kudzingiswa pamwe nevakaurawa nemunondo. Uyu ndiFarao nechaunga chake chose, anoreva Ishe Jehovha.