ShonaTeam Ezekiel « 30 »

30Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, porofita uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ungudzai! Nhamo kuzuva iri!

3 Nokuti zuva rava pedo, hongu, zuva raIshe rava pedo; zuva rine makore; ichava nguva yemarudzi.

4 Zvino munondo uchauya muEgipita, nekurwadziwa kuchava muItiyopiya, vakaurawa pavachawa muEgipita; uye vachatora zvaunga zvake, nenheyo dzake dzichakoromorwa.

5 Itiyopiya, nePuti, neRudhi, nevanhu vose vakasangana, neKubhi, nevana venyika yesungano, pamwe navo vachawa nemunondo.

6 Anoreva seizvi Jehovha: Naivo vanotsigira Egipita vachawa; nekuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; kubva paMigidhori kusvika paSevhene vachawamo nemunondo, anoreva Ishe Jehovha.

7 Zvino vachaparadzwa pakati pedzinyika dzakaparadzwa; nemaguta adzo achava pakati pemaguta akaparadzwa.

8 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichaisa moto muEgipita, nevabatsiri vake vose vachaputswa.

9 Nezuva iro nhume dzichabuda kubva kwandiri vari muzvikepe kunovhundudzira vaItiyopiya vasina hanya; uye marwadzo achauya pakati pavo pazuva reEgipita, nokuti tarira, rinouya.

10 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichagumisawo chaunga cheEgipita neruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.

11 Iye nevanhu vake pamwe naye, vanotyisa vemarudzi, vachaunzwa kuzoparadza nyika; uye vachavhomora minondo yavo kurwisa Egipita, ndokuzadza nyika nevakaurawa.

12 Zvino ndichaita nzizi ngwenga, ndokutengesa nyika muruoko rwevakaipa, uye ndichaita nyika dongo nekuzara kwayo neruoko rwevatorwa. Ini Jehovha ndataura.

13 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichaparadzawo zvifananidzo, uye ndichagumisa mifananidzo kubva paNofi; uye hakungazovizve nemuchinda kubva panyika yeEgipita; uye ndichaisa kutya munyika yeEgipita.

14 Zvino ndichaita Patirosi dongo, uye ndichaisa moto paZoani, uye ndichaita mitongo paNo.

15 Zvino ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, nhare yeEgipita; uye ndichagura chaunga cheNo.

16 Zvino ndichaisa moto muEgipita; Sini richava nemarwadzo makuru; uye No richapamurwa; neNofi richashungurudzika zuva rimwe nerimwe.

17 Majaya eAvheni neePi-Bhesheti achawa nemunondo, uye vakunda ava vachaenda muutapwa.

18 PaTapanesiwo masikati achava rima, pandichavhunapo majoko eEgipita; uye kuzvikudza kwesimba rake kuchaguma mariri; iro gore richarifukidza; uye vakunda vake vachaenda muutapwa.

19 Saizvozvo ndichaita mitongo muEgipita; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.

20 Zvino zvakaitika mugore regumi nerimwe, mumwedzi wekutanga, nerechinomwe remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

21 Mwanakomana wemunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo weEgipita; zvino tarira, harwuna kupomberwa kuti rwupiwe mishonga, kuisa chiseketo kurusunga, kuti rwusimbire kubata munondo.

22 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinopokana naFarao mambo weEgipita, zvino ndichavhuna maoko ake, rwune simba nairwo rwakavhunika; ndiwisise pasi munondo kubva muruoko rwake.

23 Zvino ndichakushira vaEgipita pakati pemarudzi, uye ndichavaparadzira mudzinyika.

24 Zvino ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nekuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uye achagomera pamberi pake nekugomera kwewakakuvarira kufa.

25 Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, uye maoko aFarao achawira pasi; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichaisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye achautandavadzira pamusoro penyika yeEgipita.

26 Zvino ndichaparadzira vaEgipita pakati pemarudzi, nekuvadzingirira pakati penyika zhinji; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.